Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndinofanira Kuwedzera Shamwari Dzangu Here?

Ndinofanira Kuwedzera Shamwari Dzangu Here?

 “Ndinofarira kugara ndiine chikwata cheshamwari dzangu, uye kubuda muchikwata ichi kunondiomera.”​—Alan.

 “Ndinogutsikana neshamwari shoma dzandiinadzo. Handifariri kutanga ushamwari nevanhu vandisingazivi.”​—Sara.

 Unofunga sezvinoita Alan naSara here? Uri mune chimwe chikwata cheshamwari here zvekuti hautodi kutsvaga dzimwe shamwari?

 Kana zvirizvo, nyaya ino ichakubatsira!

Zvikwata zveshamwari

 Hapana chakaipa nekuva nechikwata chevanhu vaunoshamwaridzana navo. Kuva neshamwari dzepedyo saizvozvo kunoita kuti unzwe kuti pane vanhu vanokukoshesa uye vanokuda sezvauri.

 “Zvinonakidza kudiwa nevamwe uye kuva muchikwata cheshamwari. Paunenge uri mudiki, unenge uchida kungokwana-kwana pane vamwe.”​—Karen, 19.

 Waizviziva here? Jesu akasarudza vaapostora 12 pashamwari dzake dzakawanda, asi pavaapostora vake vese, Petro, Jakobho naJohani ndivo vaiva shamwari dzake dzepedyo.​—Mako 9:2; Ruka 8:51.

 Asi kuva muchikwata cheshamwari zvekuti unenge usisadi kutombotaurawo nevamwe kune zvakwakaipira. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  •   Unenge uchizvivharira mukana wekuva nedzimwe shamwari dzakanaka.

     “Kungova neshamwari dzinofarira zvinhu zvaunofarirawo kunoita kuti usaita zvimwe zvinhu zvitsva, uye usava neshamwari itsva.”​—Evan, 21.

  •   Vanhu vanotanga kukuona semunhu anodada.

     “Kana uri muchikwata chevanhu vaunoti ndivo shamwari dzako chete, vamwe vanotanga kukuona sekuti haudi kutaura navo.”​—Sara, 17.

  •   Unogona kutanga kufurufusha vamwe.

     “Unogona kunge usingaitiri vamwe utsinye, asi kana chikwata cheshamwari dzako chichiitira vamwe zvakaipa, unotoguma wava kuvatevedzera, uye unotanga kuona sekuti zvinotonakidza.”​—James, 17.

  •   Unogona kupinda muna taisireva, kunyanya kana uchida chikwata chako zvakanyanyisa.

      “Kana muchikwata mukangova nemunhu mumwe chete anoita zvakaipa, anogona kufurira vanhu vese varimo kuti vatange kuitawo zvakaipa.”​—Martina, 17

Zvaungaita

  •   Ongorora tsika dzako.

     Zvibvunze kuti: ‘Itsika dzipi dzandinotevedzera muupenyu hwangu? Shamwari dzangu dzinoita kuti zvindiomere here kutevedzera tsika idzodzo? Ndicharamba ndiri kudivi reshamwari dzangu, kunyange pandinoona kuti vari kurasika here?’

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaKorinde 15:33.

     “Kana vari muchikwata cheshamwari dzako vasingatevedzeri tsika dzaunokoshesa, unogona kuguma wava kuita zvinhu zvawaisazombofa wakaita kudai usina shamwari idzodzo.”​—Ellen, 14.

  •   Ongorora zvaunokoshesa.

     Zvibvunze kuti: ‘Ndinonyanya kuda chikwata cheshamwari dzangu zvekuti ndinotoita zvinhu zvisina kunaka kuti ndivafadze here? Ndinoita sei kana shamwari yangu ikaita chinhu chakaipa?’

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura.”—Zvakazarurwa 3:19.

     “Kana imwe shamwari iri muchikwata chenyu ikaita zvakaipa, unogona kufunga kuti kana ukabudisa zvainenge yakanganisa unenge waita mutengesi.”​—Melanie, 22.

  •   Wedzera shamwari dzako.

     Zvibvunze kuti: ‘Kutsvaga dzimwe shamwari pavanhu vandisina kujairana navo kunogona kundibatsira here?’

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Usaramba uchiva nehanya nezvinhu zvaunoda, asi iva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’​—VaFiripi 2:4.

     “Vana vasingafarirwi nevakawanda vanogona kunge vaine zviri kunetsa kumba kwavo. Asi paunosvika pakunyatsovaziva, unozoona kuti pane zvakawanda zvaungatoyemura pavari.”​—Brian, 19.

  Zvaunofanira kuziva: Hapana hapo chakaipa nekuva nechikwata chedzaunoti shamwari dzako. Asi uchaona zvichibatsira kana ukatsvagawo dzimwe shamwari. Bhaibheri rinoti: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.”—Ruka 6:38.