Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Ndichifanira Kuva Munhu Akatendeseka?

Nei Ndichifanira Kuva Munhu Akatendeseka?

 Nei vamwe vanhu vasina kutendeseka?

 Mazuva ano vanhu vakawanda vanoona sekuti kutendeseka hakuna zvakunobatsira. Vamwe vangatoti:

  •   ‘Kana ndikasanyepera vabereki vangu, ndinogona kuzorambidzwa kuita zvimwe zvinhu.’

  •   ‘Kana ndikarega kukopa patest iyi, ndinogona kufoira.’

  •   ‘Kana ndikasaba chinhu ichi, ndichatofanira kusevha mari kuti ndizochitenga.’

 Vamwe vangati: ‘Kutendeseka kana kusatendeseka hazvina basa. Munhu wese haana kutendeseka.’

 Idzodzo inhema. Pane vanhu vakawanda, kusanganisira vechiduku vakati kuti vakatendeseka, uye vanoona kuti kuita izvozvo kunobatsira. Bhaibheri rinoti: “Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Saka zvatinoita zvinogona kuva nemagumo akanaka kana kuti akaipa.

 Chimboona mimwe mienzaniso inoratidza chazvakaipira kureva nhema.

  “Ndakanyepera mhamha vangu nezvemumwe mukomana wandaigara ndichitaura naye. Asi vainyatsozviona kuti ndaivanyepera. Pandakazovanyepera kechi3, vakabva vatsamwa. Ndakarambidzwa kubva pamba kwemavhiki maviri uye ndakarambidzwa kushandisa foni yangu kana kuona TV kwemwedzi wese. Handina kuzombonyepera vabereki vangu futi!”​—Anita.

 Zvokufunga nezvazvo: Nei zvingatora nguva kuti amai vaAnita vazotangazve kuvimba naye?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.”​—VaEfeso 4:25.

  “Ndakanyepera vabereki vangu ndikafunga kuti ndabudirira, asi ndakazobatwa patopera nguva pavakanditi nditsanangurezve kuti zvakafamba sei. Zvandakanga ndataura zvakanga zvakasiyana nekure nezvakanga zvaitika zvekuti ndakatadza kuzviyeuka. Kana ukagara wataura chokwadi hauzombonetseki kuyeuka zvakaitika!”​—Anthony.

 Zvokufunga nezvazvo: Zvii zvaigona kuitwa naAnthony kuti asaita zvinhu zvaizoita kuti anyare?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Miromo inoreva nhema chinhu chinosemesa Jehovha, asi vaya vakatendeka vanomufadza.”​—Zvirevo 12:22.

  “Ndine shamwari yangu inoti kana ichitaura nyaya inotaura ichiwedzeredza uye inotaura nepasipo. Ndinomuda uye ndinoedza kusatsvaka zvakawanda-wanda pane zvaanenge ataura. Asi zvakaoma chaizvo kubvuma zvaanenge achitaura.”​—Yvonne.

 Zvokufunga nezvazvo: Kutaura achiwedzeredza uye kutaura tunhema tudiki kunoitwa neshamwari yaYvonne kunogona kuita kuti aonekwe sei?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”​—VaHebheru 13:18.

Faundesheni ine mitswi inogona kuita kuti imba izopedzisira yawondomoka, ndizvo zvakafanana nemunhu asina kutendeseka, anoguma asingachavimbwi nevamwe

 Zvakanakira kuva munhu akatendeseka

 Chimboona zvimwe zvazvakanakira.

  “Mumwe mukadzi aifamba pamberi pangu akadonhedza mari. Ndakainhonga ndikabva ndamupa. Akanditenda chaizvo, akati: ‘Iii, waita hako. Vanhu vashoma vanoita zvawaita izvi.’ Ndakafara kuti ndainge ndaitawo chimwe chinhu chakanaka!”​—Vivian.

 Zvokufunga nezvazvo: Unofunga kuti nei mukadzi wacho akashamisika kuona munhu akatendeseka zvakadaro? Vivian akanzwa sei?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanofara vaya . . . vanoita zvakarurama nguva dzose.”​—Pisarema 106:3.

  “Mhuri yedu inoita basa rekutsvaira mahofisi uye dzimwe nguva tichitsvaira tinogona kusanganidzana nekoini riri pasi. Tinobva tariisa padhesiki rinenge riri padhuze. Mumwe mushandi akapedzisira abhowekana nazvo, akazoti: ‘Nekoiniwo here veduwee!’ Asi munozivei? Aivimba nesu chaizvo.”​—Julia.

 Zvokufunga nezvazvo: Kuzivikanwa kwaJulia semunhu akatendeseka kunogona kuzomubatsira sei kana ava kutsvaka rimwe basa?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ita zvose zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, somushandi asina chokunyara nacho.”​—2 Timoti 2:15.

  “Ndakapiwa cheki yemari yemunhu akashanda maawa 80 asi ini ndakanga ndashanda maawa 64. Ndaigona kungozvinyarara ndodya hangu mari yacho asi zvakandiremera kuita zvinhu zvakadaro. Ndakanoudza maneja uye akanditenda chaizvo. Kambani yacho ine mari asi ndaiona kuti ndikaitora ndinenge ndichidya mari yekuba.”​—Bethany.

 Zvokufunga nezvazvo: Kubira kambani kuri nani here pane kubira munhu?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha, asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.”​—Zvirevo 3:32.