Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ko Kana Ndisiri Kukwana Pane Vamwe?

Ko Kana Ndisiri Kukwana Pane Vamwe?

 “Unotofanira kukwana-kwana pane vamwe, nekuti ukasadaro unoshaya shamwari, haufi wakaziva chinonzi upenyu, uye ramangwana rako rinenge risina kujeka. Hapana munhu anenge achimbokufungawo kuti uripo, uye unenge uchigara ungori wega.”—Carl

 Unogona kufunga kuti zvataurwa pamusoro apa zvazonyanya. Asi chokwadi ndechekuti kune vanhu vanogona kutoita chero chii zvacho kuti zvataurwa naCarl zvisaitike kwavari. Ndizvo zvawaizoitawo here? Nyaya ino ichakubatsira kuwana imwe nzira iri nani yekutsvaga nayo shamwari.

 Nei vanhu vachiedza kukwanawo pane vamwe?

  •   Nekuti havadi kusaririra. “Pasocial media ndakaona mapikicha echikwata chevanhu vakaenda kunofara vachindisiya. Zvakaita kuti ndinetseke kuti ko ini ndakamboita sei chaizvo, uye ndakavhiringidzika zvekuti pfungwa dzekuti vanga vasingandifariri ndidzo dzega dzanga dzangozara mumusoro.”—Natalie.

     ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Wakambonetseka here kuti vamwe vanhu vanoda kuita zvimwe zvinhu vachikusiya? Zvii zvawakaita kuti ukwanewo muchikwata chavo?

  •   Nekuti havadi kuita sevakasiyana nevamwe. “Vabereki vangu havadi kuti ndive nefoni. Vamwe vana pavanondikumbira nhamba dzangu ini ndovaudza kuti handina foni, vanoti: ‘Wati chii? Une makore mangani?’ Pandinovaudza kuti 13, vanonditarisa kunge munhu anonzwisa tsitsi.”—Mary.

     ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Zvii zvaunorambidzwa nevabereki vako zvingangoita kuti uzvione sewakasiyana nevamwe? Paunorambidzwa zvinhu izvi, unoita sei?

  •   Nekuti havadi kudheererwa. “Vana vekuchikoro havafariri vanhu vanoita, vanotaura kana vanonamata zvakasiyana nevamwe. Kana usingaiti zvinoitwa nevamwe, vakawanda vanoda kukushungurudza.”—Olivia.

     ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Wakambobatwa zvisina kunaka here nekuti hauna kuita zvaiitwa nevamwe? Zvii zvawakaita?

  •   Nekuti havadi kusiyiwa neshamwari dzavo. “Ndaiedza kuita zvaiitwa nechero vandainge ndiinavo. Ndaisataura sematauriro andinoita mazuva ese. Ndaiseka zvinhu zvisingasekesi. Vamwe vana pavaiseka munhu, ndaitomusekawo asi ndichiziva zvangu kuti airwadziwa nazvo.”—Rachel.

     ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Kufarirwa nevezera rako kunokosha zvakadii kwauri? Pane pawakambochinja here matauriro kana maitiro ako kuti mufanane?

 Zvaunofanira kuziva

  •   Kukopa vamwe kuti ungokwanawo pavari kunogona kuita kuti vasakufarire. Nei? Nekuti vanhu vanowanzozviona kana munhu achinyepedzera. “Pandainyepedzera kuva zvandisiri, ndaibva ndatowedzera kusafarirwa nevandaidzidza navo,” “Ndakadzidza kuti zvitori nani kuramba uri zvauri, nekuti kana ukanyepedzera vanhu vanozviona,” anodaro Brian, uyo ane makore 20.

     MAONERO ARI NANI: Imbonyatsofunga kuti zvinhu zvinokosha kwauri ndezvipi. Bhaibheri rinoti: “Muve nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:10) Saka zvibvunze kuti, ‘Chinokosha kupfuura chimwe ndechipi? Kukwana-kwana pavanhu vane tsika dzisina kunaka here, kana kuti kuramba ndiri zvandiri?’

     “Kuedza kufanana nevamwe vanhu hakuna zvakunobatsira. Hakuiti kuti vanhu vawedzere kukufarira, uye hakuiti kuti uve munhu ari nani.”—James.

  •   Kuda kukwana pane vamwe kunogona kukutadzisa kutaura zvaunofunga. Zvinogona kuita kuti uve munhu anongoda kufadza vanhu uchingoita chero zvinodiwa nevamwe. “Ndaimboita zvese zvese kuti ndingokwana mune chimwe chikwata pasinei nekuti zvaizosvibisa zita rangu. Izvi zvaiita kuti vamwe vaite zvavanoda neni. Ndaiva chidhori chavo,” anodaro mukomana anonzi Jeremy.

     MAONERO ARI NANI: Ziva tsika dzinokosha kwauri worarama zvinoenderana nadzo pane kuita serwaivhi runochinja-chinja ruvara ruchizvifananidza nezvakarupoteredza. Pane chikonzero chakanaka nei Bhaibheri rakati: “Usaita chimwe chinhu nekungoti vamwe vese vari kuchiita.”—Eksodho 23:2, Holy Bible—Easy-to-Read Version.

     “Ndakaedza kufarira zvese zvavaifarira zvakadai senziyo, mitambo, hembe, nekupoda kwavaiita . . . ndakaedza kuita saivo. Ndofunga vaizviona kuti ndainyepedzera. Ndofunga munhu wese akazviona, chero ini wacho. Ndakapedzisira ndisisina mufaro uye ndasurukirwa, uye ndakanga ndisisatozivi kuti ini wacho ndimbori ani. Ndakapedzisira ndisisazivi zvandinoda kana zvandinofunga. Ndakadzidza kuti haungafanani nemunhu wese uye haasi munhu wese achakufarira. Hazvirevi hazvo kuti unofanira kukanda mapfumo pasi panyaya yekutsvaga shamwari; ita mwoyo murefu uchiziva kuti zvinotora nguva kuva neshamwari uye kuva munhu mukuru.”—Melinda.

  •   Kuda kukwana pane vamwe kunogona kukanganisa maitiro ako. Mumwe mukomana anonzi Chris akataura kuti ndizvo chaizvo zvakaitika kune imwe hama yake. Chris anoti: “Akatanga kuita zvinhu zvaaisamboita zvakadai sekushandisa madhiragi kuti angokwana pane vamwe. Zvakamupinda muropa, uye zvakapotsa zvakanganisa upenyu hwake.”

     MAONERO ARI NANI: Tambira kure nevanhu vane matauriro kana maitiro anoratidza kuti vane tsika dzakaipa. Bhaibheri rinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.”—Zvirevo 13:20.

     “Dzimwe nguva zvakanaka kuita zvaunogona kuti ukwanewo pane vamwe. Asi hautombofaniri kudaro kana zvichiita kuti uite zvinhu zvaunoziva kuti zvakaipa. Vanhu kwavo vanokufarira uri zvauri.”—Melanie.

     Zano: Paunotsvaga shamwari itsva, usatarisa vaya vanofarira zvaunofarira chete. Tarisa vanhu vanokoshesa zvaunokoshesawo, kureva zvaunotenda panyaya yemanamatiro, tsika, nemitemo..

    Dzimwe hembe hadzitombokufiti. Saka vamwe vanhu havaiti kuti urambe uine tsika dzakanaka