Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Bhaibheri Ringandibatsira Sei?—Chikamu 1: Kudzidza Bhaibheri

Bhaibheri Ringandibatsira Sei?—Chikamu 1: Kudzidza Bhaibheri

 “Ndakamboedza kuverenga Bhaibheri, asi nekukura kwarakaita ndakabva ndarisiya!”—Briana, ane makore 15.

 Unonzwawo saizvozvo here? Nyaya ino inogona kukubatsira!

 Nei ndichifanira kuverenga Bhaibheri?

 Kuverenga Bhaibheri kunokubhowa here? Kana uchibhowekana hausi wega. Ungatoona sekuti kuona TV nemavhidhiyo kuri nani pane kuverenga Bhaibheri iro rine mapeji akawanda uye risina mapikicha.

 Asi chimbofunga izvi: Dai waizonhonga bhokisi rekare uye rinoratidza kuti rine zvinhu zvinokosha, waizorega here kurivhura kuti uone zvinhu zvirimo?

 Ndizvo zvakaita Bhaibheri. Rine zvinhu zvakawanda zvinokubatsira

  •   Kuita zvisarudzo zvakanaka

  •   Kugarisana zvakanaka nevabereki vako

  •   Kuwana shamwari dzakanaka

  •   Kukunda dambudziko rekuzvidya mwoyo

 Zvinoita here kuti bhuku rakanyorwa kare kudaro rinzi rinobatsira mazuva ano? Rinobatsira nekuti “rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Izvi zvinoreva kuti mazano arimo anobva kuna Mwari.

Mazano ari muBhaibheri akafanana nezvinhu zvinokosha zviri mubhokisi rekare

 Zvii zvandingaita kuti ndiverenge Bhaibheri?

 Imwe nzira ndeyekurivenga kubva kwarinotangira kusvika kwarinoperera. Izvi zvinoita kuti uzive kuti rinombotaura nezvei. Pane nzira dzakawanda dzekuverenga Bhaibheri. Dzimwe dzacho mbiri ndeidzi:

  •    Unogona kuverenga mabhuku 66 eBhaibheri uchitanga kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa.

  •    Unogona kuverenga Bhaibheri uchitevedza maitikiro akaita zvinhu kana kuti nyaya yacho.

 Zano: Chikamu 16 cheKabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari chinoratidza zvakaitika muupenyu hwaJesu paaiva panyika.

 Imwe nzira yekuverenga Bhaibheri ndeyekutsvaga nyaya inoenderana nedambudziko rauri kusangana naro. Semuenzaniso:

 Zano: Paunoverenga Bhaibheri, tsvaga nzvimbo isina ruzha kuti ukwanise kuisa pfungwa dzako pane zvauri kuverenga.

 Nzira yechitatu yekuverenga Bhaibheri ndeyekutsvaga nyaya kana kuti pisarema, woiverenga, wobva waona kuti inoshanda sei kwauri. Kana wapedza kuverenga zvibvunze kuti:

  •    Nei Jehovha akaita kuti zvinyorwe muBhaibheri?

  •    Zvinondidzidzisei nezvaJehovha uye maitiro aanoita zvinhu?

  •    Zvandaverenga ndingazvishandisa sei muupenyu hwangu?

 Zano: Nyora pasi musi waunoda kutanga kuzoverenga Bhaibheri.