Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kushungurudzwa Panyaya Dzepabonde​—Chikamu 2: Ungaitei Kana Wakamboshungurudzwa?

Kushungurudzwa Panyaya Dzepabonde​—Chikamu 2: Ungaitei Kana Wakamboshungurudzwa?

 Kukunda dambudziko rokuzvipa mhosva

 Vakawanda vanonyara chaizvo nekushungurudzwa kwavakaitwa panyaya dzepabonde. Vanogona kutozvipa mhosva yekushungurudzwa kwavakaitwa. Karen iye zvino ava nemakore 19, asi akatanga kushungurudzwa aine makore 6 kusvika ava ne13. Anoti, “Ndinonyanya kuzvipa mhosva nezvakaitika. Ndinogara ndichizviti, ‘Nei ndakarega ndichishungurudzwa kwenguva yakareba kudai?’”

 Kana ari iwo manzwiro ako, funga zvinotevera:

  •   Vana pavanenge vachiri vadiki miviri yavo inenge isati yagadzirira kuita zvepabonde. Havatombozivi nyaya dzepabonde, saka kubvuma kubatwa kwavanoitwa hakurevi kuti vanoziva zvavari kuita. Saka kana mwana akashungurudzwa inenge isiri mhosva yake.

  •   Vana vanovimba nevanhu vakuru saka panyaya idzi vanenge vatori murima chairo, ndokusaka vachizoshungurudzwa. Bhuku rinonzi The Right to Innocence rinoti, “Vanhu vanoshungurudza vana vanoratidzika sevanhu vakanaka uye vana havagoni kuona unyengeri hwavanenge vainahwo.

  •   Mwana anogona kutanga kuva nezvishuvo zvepabonde paanenge achishungurudzwa. Kana izvi zvakaitika kwauri, usanetseka nokuti ndozvagara zvichiitika kana munhu akabatwa dzimwe nhengo dzomuviri wake. Izvi hazvirevi kuti waiziva zvawaiita kana kuti une zvawakaita kuti ukonzere kushungurudzwa kwacho.

 Zvaungaita: Funga nezvemwana ari pazera rakafanana nerawaiva panguva yawakashungurudzwa. Zvibvunze kuti, ‘Kana mwana uyu akashungurudzwa ndingati here ane zvaaita zvazoita kuti ashungurudzwe?’

 Karen akamboita basa rokuchengeta vana vatatu uye mumwe wevana vacho akanga aine makore 6. Saka akabva ayeuka kuti pazera remwana iyeye ndipo paakatanga kushungurudzwa. Karen anoti, “Ndakabva ndaona kuti vana vezera iri vari pangozi chaiyo yokushungurudzwa uye ndozvakaitikawo kwandiri pandaiva pazera iri.”

 Chokwadi ndeichi: Anenge akakushungurudza ndiye anenge aine mhosva. Bhaibheri rinoti: “Zvakaipa zvomunhu akaipa [anenge akushungurudza] zvichava paari.”​—Ezekieri 18:20.

 Chazvakanakira kuudza mumwe munhu

 Kuudza mumwe munhu mukuru waunovimba naye kunogona kuita kuti unzwe zviri nani. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”​—Zvirevo 17:17.

 Unogona kunzwa sekuti zviri nani kuti urege kuudza mumwe munhu nezvenyaya yacho. Zvimwe unenge uchifunga kuti kusataura nyaya yacho kuchaita kuti usanyanya kurwadziwa. Asi kana ukasaudza mumwe munhu zvichapedzisira zvaita kuti utadze kuwana munhu anokubatsira.

Kana ukasaudza mumwe munhu zvichapedzisira zvaita kuti utadze kuwana munhu anokubatsira

 Musikana anonzi Janet akaona kuti kutaura nezvekushungurudzwa kwaakaitwa kwakamubatsira kuti anzwe zviri nani. Anoti, “Ndakashungurudzwa ndichiri mudiki nemunhu wandaiziva uye wandaivimba naye, uye handina wandakaudza kwemakore. Asi pandakazokwanisa kuudza amai vangu, zvakaita sekunge ndabvisirwa mutoro wanga uchindiremera.”

 Achifunga zvakaitika kwaari, Janet anoti zvinonzwisisika kana mumwe munhu akasasununguka kutaura nezvenyaya idzi. Anoti, “kushungurudzwa haisi nyaya inonakidza kutaura nezvayo. Asi kunyarara kwandakaita kwakatoita kuti ndiwedzere kurwadziwa. Ndinodemba chandakanonokera kuzvitaura.”

 ‘Nguva yokupora’

 Kushungurudzwa kunogona kunge kwakaita kuti usare wava kuzvitarisira pasi. Unogona kufunga kuti hauchabatsiri kana kuti vamwe vanhu vanoda kungokushandisa kuti vagutse zvido zvavo. Mafungiro aya haasi echokwadi. Pane mazano aripo anogona kukubatsira kuti utange ‘kupora’ kana kuti kuzviona somunhu anokosha. (Muparidzi 3:3) Mazano acho ndeaya:

 Kudzidza Bhaibheri. Bhaibheri rine pfungwa dzaMwari, dzine ‘simba rekuputsa zvinhu zvakadzika midzi,’ kusanganisira mafungiro asiri iwo ekuti hauchakoshi. (2 VaKorinde 10:4, 5) Somuenzaniso, verenga wofungisisa magwaro anotevera: Isaya 41:10; Jeremiya 31:3; Maraki 3:16, 17; Ruka 12:6, 7; 1 Johani 3:19, 20.

 Kunyengetera. Kana uchinzwa sekuti haubatsiri uye une mhosva, “kanda mutoro wako pana Jehovha.” (Pisarema 55:22) Mwari anokubatsira.

 Vakuru veungano. Varume ava vechiKristu vakadzidziswa kuti vaite “senzvimbo yokuvanda mhepo nenzvimbo yokuvanda dutu rine mvura.” (Isaya 32:2) Vanogona kukubatsira kuti usaramba uchizvitarisira pasi woenderera mberi neupenyu.

 Shamwari dzakanaka. Tsvaka varume nevakadzi vane tsika dzakanaka muungano yechiKristu. Cherechedza mabatiro avanoita vamwe. Nekufamba kwenguva, uchaona kuti havasi vose vane pfungwa dzakashata.

 Musikana anonzi Tanya ari kushandisa mazano aya anokosha. Kubva achiri mudiki, aishungurudzwa nevarume vakawanda panyaya dzepabonde. Akati, “varume vandaivimba navo ndivo vakandirwadzisa.” Tanya akazoona kuti kune varume vanonyatsoratidza rudo rwechokwadi. Akazviona sei?

 Akazviona paakatanga kuita ushamwari neimwe mhuri yechiKristu ine tsika dzakanaka, uye maonero ake akabva achinja. Anoti, “Zvaiitwa nomurume wacho zvairatidza kuti havasi varume vose vanoshungurudza vanhukadzi. Murume wacho aibata zvakanaka mudzimai wake, uye izvozvo ndizvo zvinodiwa naMwari.” a​—VaEfeso 5:28, 29.

a Kana uchinetseka nedambudziko rakadai serokudya, kuora mwoyo (depression), kuzvicheka-cheka, kushandisa zvinodhaka, kushaya hope, kana kuti kuda kuzviuraya, kungava kuchenjera kuti utsvage rubatsiro kuna chiremba.