Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaitei Kana Ndichirwara?—Chikamu 2

Ndingaitei Kana Ndichirwara?—Chikamu 2

 Kurwara kunouya nenzira dzakasiyana-siyana.

  •   Urwere hwevamwe hunooneka asi hwevamwe hauoneki.

  •   Urwere hwevamwe ndehwenguva pfupi asi hwevamwe ndehweupenyu hwose uye hunoita kuti vanetseke mazuva ose.

  •   Humwe urwere hunogona kurapika kana kuraramika nahwo asi humwe hunenge hwakaipisisa zvokuti utano hunenge huchiderera zuva nezuva.

 Vechiduku vanosanganawo nematambudziko ourwere ataurwa pano. Munyaya ino uchanzwa nezvevamwe vechiduku 4 vane urwere hwataurwa pamusoro apa. Kana uine chirwere chiri kukutambudza, unogona kukurudzirwa nezvavachataura.

 GUÉNAELLE

 Zvinondirwadza kuziva kuti ndine zvimwe zvinhu zvandisingagoni kuita. Mwoyo wangu unoda chaizvo kuita zvinhu zvakawanda asi urwere hwangu ndihwo hunozonditadzisa.

 Ndine chirwere chinonzi motor-neuromuscular disorder chinoita kuti uropi hwangu hutadze kunyatsosvitsa mashoko kune dzimwe nhengo dzomuviri. Dzimwe nguva dzimwe nhengo dzangu dzomuviri dzinombotanga kubvunda kana kuti kuoma kuti ngii. Ndinotadza kuita zvinhu zviri nyore zvakadai sokufamba, kutaura, kuverenga, kunyora uye kunzwisisa zvinenge zvichitaurwa nevamwe. Pazvinenge zvanyanya kukwidza, vakuru vomuungano yedu vanouya kuzonyengetera neni. Pavanonyengetera ndinobva ndanzwa zviri nani.

 Pasinei nematambudziko andinosangana nawo, ndinonyatsonzwa kuti Jehovha Mwari aripo nguva dzose kuti andibatsire. Handidi kuti urwere hwangu hunditadzise kumushumira nomwoyo wose. Ndinokoshesa basa rokubatsirawo vamwe kuti vazive nezvevimbiso dziri muBhaibheri dzokuti munguva pfupi iri kuuya, Jehovha Mwari achaita kuti nyika ive paradhiso umo muchange musisina kutambura.​—Zvakazarurwa 21:1-4.

Zvokufunga nezvazvo: Zvii zvaungaita sezvinoitwa naGuénaelle, kuti uratidze vamwe tsitsi?​—1 VaKorinde 10:24.

 ZACHARY

 Pandaiva nemakore 16 ndakabatwa kenza yakaipisisa yomuuropi. Vanachiremba vakandiudza kuti ndaiva ndangosarirwa nemwedzi 8 chete ndichirarama. Kubvira panguva iyoyo ndiri kutambura nemhaka yeurwere uhwu.

 Nemhaka yepane bundu rekenza yacho iye zvino ndakaoma muviri divi rose rokurudyi. Sezvo ndisingagoni kufamba, ndinotofanira kugara ndiine mumwe munhu pamba kuti andibatsire.

 Chirwere ichi chiri kuramba chichikura uye handichakwanisi kutaura zvakanaka. Ndaimbenge ndiri munhu aiva akagwinya ndichiita waterskiing, basketball, uye volleyball. Sezvo ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha ndaishingaira pakuparidzira vamwe. Handifungi kuti vakawanda vanonzwisisa zvazvinoreva kana munhu achiti haachakwanisi kuita zvimwe zvinhu zvaainakidzwa nazvo.

 Mashoko ari pana Isaya 57:15 anondikurudzira nokuti anondivimbisa kuti Jehovha Mwari aripo kuti abatsire vaya vakadzvinyirirwa uye kuti ane hanya neni. Uyewo Isaya 35:6 ine vimbiso inobva kuna Jehovha yokuti ndichazokwanisa kufambazve uye kumushumira ndakati gwindiri.

 Kunyange zvazvo dzimwe nguva ndichitambura neurwere hwangu, ndine chokwadi chokuti Jehovha anonditsigira. Pose pandinonzwa ndakaora mwoyo kana kuti pazvinonyanya kukwidza ndinonyengetera ndichitaura naJehovha. Hapana chinogona kundiparadzanisa norudo rwaJehovha.​—VaRoma 8:39.

 Zachary akashayika ava nemakore 18 papera mwedzi miviri abva mukutaura mashoko aya. Akaramba aine kutenda kwakasimba nezvevimbiso yaMwari yokuti achamutsa vanhu vanenge vafa vorarama pasi pano muparadhiso.

 Zvokufunga nezvazvo: Munyengetero unogona kukubatsira sei kuti urambe uri murudo rwaMwari sezvakaitwa naZachary?

 ANAÏS

 Pandanga ndiine mazuva mashoma ndazvarwa imwe tsinga yomuuropi hwangu yakaputika (brain hemorrhage) zvikaita kuti muviri wangu usashanda zvakanaka kunyanya makumbo.

 Iye zvino handichakwanisi kufamba ndichienda kure uye ndiri kushandisa madondoro, asi ndinowanzoshandisa wiricheya kana ndiri pamba. Dzimwe nguva ndinobatwa nechiveve zvokuti ndinotadza kuita zvimwe zvinhu zvakadai sokunyora.

 Kunyange urwere hwangu huchinditambudza chimwe chinonyanya kunditambudza kurapwa kwandinoitwa. Ndinogara ndichiitiswa maekisesaizi (physiotherapy) kakawanda pavhiki zvokuti handichayeuki kuti ndakazviita kangani. Pandaiva nemakore mashanu ndipo pandakaitwa operation yakakura, uye ndakazovhiyiwa zvekare katatu. Maoperation maviri okupedzisira andakaitwa ndakaaitirwa kure nokumba kwedu uye ndakagara ikoko kwemwedzi mitatu kusvikira ndava nani uye izvi zvakanga zvakandiomera.

 Vanhu vokumba kwedu vanondibatsira chaizvo. Tinomboita zvinhu zvinosetsa uye izvi zvinondibatsira pandinenge ndaora mwoyo. Mai vangu nanasisi vangu vanondibatsira kupfeka sezvo ndisingachakwanisi kuzviita ndoga. Chinondirwadza ndechokuti handikwanisi kupfeka shangu dzakakwirira. Asi ndakambodzipfekawo pandaiva muduku. Ndaidzipfeka mumaoko ndichikambaira uye tinogara tichiseka patinozvifunga!

 Ndinotsvaka zvandinogona panzvimbo pokungofunga nhamo yandinayo. Ndinodzidzira mimwe mitauro. Kunyange zvavo ndisingagoni kuita zvinhu zvakadai sesurfing kana kuti snowboarding ndinogona kushambira. Sezvo ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndinofarira kuenda kunoparidzirawo vamwe nezvezvandinotenda zviri muShoko raMwari. Zvinoratidza sokuti vanhu vanonyatsoteerera pandinotaura navo.

 Kubvira ndichiri muduku vabereki vangu vaindidzidzisa kuti urwere hwangu huchapera. Saka ndava nokutenda kwakasimba muna Jehovha uye zvaanovimbisa kuti achabvisa kutambura kwose kusanganisira kwandiinako. Izvi zvinoita kuti ndive nesimba rokuti nditsungirire.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

 Zvokufunga nezvazvo: Kufanana nezvakaitwa naAnaïs, zvii zvaungaita kuti usaramba uchingofunga nhamo yaunayo?

 JULIANA

 Ndine chirwere chinorwadza chinonzi autoimmune disorder chinokanganisa kushanda zvakanaka kwemwoyo, mapapu uye ropa. Chakatokanganisa itsvo dzangu.

 Ndaiva nemakore 10 pandakabatwa nechirwere chinonzi lupus, icho chinoita kuti ndinzwe kurwadziwa, kurukutika uye kungoerekana ndatsamwa kana kufara. Dzimwe nguva ndinombozvibvunza kuti ndiri kuraramirei.

 Pandaiva nemakore 13, mumwe weZvapupu zvaJehovha akauya kumba kwedu. Akandiverengera Isaya 41:10, inotaura kuti Jehovha Mwari anoti: “Usatya, nokuti ndinewe. . . . Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.” Ndipo pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Iye zvino patopera makore 8, ndiri kushumira Mwari nomwoyo wose uye ndakatsunga kuti ndisaitwa muranda nourwere hwangu. Ndinonyatsonzwa kuti Jehovha akandipa “simba rinopfuura renguva dzose,” kuti ndirambe ndiine mafungiro akanaka.​—2 VaKorinde 4:7.

 Zvokufunga nezvazvo: Rugwaro raIsaya 41:10 rwungakubatsira sei kuti urambe uine mafungiro akanaka sekubatsira kwarwakaita Juliana?