Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Nditsungirire Matambudziko Angu?

Ndingaita Sei Kuti Nditsungirire Matambudziko Angu?

 Munhu wese anogona kungosangana nematambudziko. Bhaibheri rinoti, “Vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange, vane simba havasi ivo vanokunda muhondo, . . . vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Vari kutaurwa murugwaro urwu vanosanganisirawo vechiduku vakambosangana nematambudziko. Zvii zvavakaita kuti vakwanise kuatsungirira? Ona mienzaniso yevamwe vechiduku vaviri.

 REBEKAH

 Vabereki vangu vakarambana ndiine nemakore 14.

 Ndaizviudza kuti vabereki vangu vainge vasina kurambana, asi kuti baba vangu vaimboda kuva vega kwekanguva. Baba vaida mhamha, saka vaizodirei kuvasiya? Vaizodirei kundisiya?

 Zvainge zvakandiomera kuti ndiudze mumwe munhu kuti ndizvo zvakanga zvichiitika. Ndaisada kuramba ndichifunga nezvazvo. Zvakanga zvava kutondikanganisa, asi ndakanga ndisiri kuzviona. Ndakatanga kuzvidya mwoyo, uye zvaindishayisa hope.

 Pandakanga ndava nemakore 19, amai vangu vakabva vafa nekenza. Vaiva shamwari yangu yepamwoyo.

 Kurambana kwevabereki vangu kwakandirwadza asi kufa kwaamai vangu kwakandigura kunorira. Nanhasi ndichiri kurwadziwa. Dambudziko rekushayiwa hope ratowedzera, uye ndichiri kunetseka.

 Asiwo, pane zvimwe zvinhu zvandakaona kuti zvinobatsira. Semuenzaniso, Zvirevo 18:1 inotinyevera kuti tisazviparadzanisa nevamwe, saka ndinoedza kushandisa zano iroro.

 Uyewo, semumwe weZvapupu zvaJehovha, ndinoedza kuverenga mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri. Mabhuku aya anondikurudzira chaizvo. Rimwe bhuku rakandibatsira pakarambana vabereki vangu rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda. Ndichiri kuyeuka ndichiverenga nyaya ine musoro unoti, “Ndingafara Here Mumhuri Ine Mubereki Mumwe?” iri muBhuku 2 raMibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda.

 Mamwe emashoko ari muBhaibheri andinofarira chaizvo ayo anondibatsira pandinenge ndichizvidya mwoyo anowanika pana Mateu 6:25-34. Muvhesi 27, Jesu akabvunza kuti: “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?” a

 Tose zvedu tichasangana nematambudziko, asi ndakadzidza kubva kuna amai vangu kuti zvatinoita patinosangana nematambudziko iwayo zvinokosha. Vakasangana nezvakawanda muupenyu. Vakarambana nababa vangu, uyewo vakazorwara nekenza. Asi izvi hazvina kumbokanganisa mafungiro avo, vakatoramba vaine kutenda kwakasimba muna Mwari kusvikira pakufa. Handimbofi ndakakanganwa zvavakandidzidzisa nezvaJehovha.

 Zvokufunga nezvazvo: Kuverenga Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri kungakubatsira sei kuti utsungirire matambudziko ako?​—Pisarema 94:19.

 CORDELL

 Pandainge ndava nemakore 17, baba vangu vakafa ndakatarisa. Hapana chimwe chinhu chakandirwadza kupfuura kufa kwavakaita. Ndakabayiwa panyama nhete.

 Ndaifunga kuti vainge vasina kufa, uye kuti vainge vasiri ivo pandaiona vakafukidzwa nejira. Ndakazviudza kuti, ‘Vachamuka mangwana.’ Ndainzwa sekuti upenyu hwangu hwakanga husisina maturo.

 Kumba kwedu tiri Zvapupu zvaJehovha, uye ungano yedu yakatibatsira chaizvo pakafa baba. Vaitipa zvekudya, vaitikoka kudzimba dzavo, uye vakaramba vari pedyo nesu kwenguva refu. Kutitsigira kwavakaita kwakandiratidza kuti Zvapupu zvaJehovha ndivo vaKristu vechokwadi.​—Johani 13:35.

 Rugwaro rwakanyatsondikurudzira ndi2 VaKorinde 4:​17, 18. Runoti: “Kunyange zvazvo kutambudzika kwacho kuri kwenguva duku uye kwakareruka, kunoita kuti tiwane kubwinya kwakatokura kwazvo uye kusingaperi; zvatisingarambi takatarira zvinhu zvinooneka, asi zvinhu zvisingaoneki. Nokuti zvinhu zvinooneka ndezvenguva duku, asi zvinhu zvisingaoneki ndezvokusingaperi.”

 Vhesi 18 yakandikurudzira chaizvo. Kutambura kwakaita baba vangu kwaingova kwenguva duku, asi zvinovimbiswa naMwari nezveramangwana ndezvokusingaperi. Kufa kwakaita baba vangu kwakaita kuti ndifungisise nezvemararamiro andaiita uye kuti ndigadzirise zvinangwa zvangu.

 Zvokufunga nezvazvo: Kusangana nedambudziko kungakubatsira sei kuongorora zvinangwa zvako?​—1 Johani 2:17.

a Kubhiti rakaenzana nemasendimita 45.