Mashoko Akanaka Akanyorwa naRuka 6:1-49

  • Jesu, “Ishe weSabata” (1-5)

  • Murume ane ruoko rwakakokonyara anoporeswa (6-11)

  • Vaapostora 12 (12-16)

  • Jesu anodzidzisa uye anoporesa (17-19)

  • Mufaro uye nhamo (20-26)

  • Kuda vavengi (27-36)

  • Regai kutonga (37-42)

  • Muti unozivikanwa nemichero yawo (43-45)

  • Imba yakavakwa zvakanaka; imba isina faundesheni yakasimba (46-49)

6  Mumwe musi riri Sabata, aipfuura hake nemuminda yezviyo,* uye vadzidzi vake vaitemha hura dzezviyo,+ vachidzipukuta nemaoko avo, vachidya.+  Vamwe vaFarisi vakabva vati: “Muri kuitirei zvisingabvumirwi neMutemo paSabata?”+  Asi Jesu akavapindura kuti: “Hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi nevarume vaaiva navo pavaiva nenzara?+  Kuti akapinda sei muimba yaMwari, akapiwa chingwa chekuratidza, akadya nevarume vaaiva navo, icho chisingabvumirwi nemutemo kuti chidyiwe nemumwe munhu kunze kwevapristi chete?”+  Akabva ati kwavari: “Mwanakomana wemunhu ndiye Ishe weSabata.”+  Rimwe zuva riri Sabata zvakare,+ akapinda musinagogi, akatanga kudzidzisa. Uye maiva nemumwe murume aiva neruoko rwerudyi rwakakokonyara.+  Vanyori nevaFarisi vakanga vakanyatsotarisa Jesu vachida kuona kana aizorapa paSabata, kuti vamuwanire mhosva.  Asi aiziva zvavaifunga,+ saka akati kumurume aiva neruoko rwakakokonyara: “Simuka umire pakati apa.” Iye akasimuka akamira ipapo.  Jesu akabva ati kwavari: “Regai ndimbokubvunzai, Zvinobvumirwa here neMutemo paSabata kuita chinhu chakanaka kana kuti chakaipa, kuponesa upenyu* kana kuhuparadza?”+ 10  Akavatarisa vese, ndokuti kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, rukaporeswa. 11  Asi vakagumbuka chaizvo, vakatanga kurangana kuti vangaita sei naJesu. 12  Rimwe zuva akaenda kugomo kunonyengetera,+ uye akanyengetera kuna Mwari usiku hwese.+ 13  Pakwakaedza, akashevedza vadzidzi vake, akasarudza 12 pakati pavo, vaakatumidzawo kuti vaapostora:+ 14  Simoni, waakatumidzawo kuti Petro, naAndreya munin’ina wake, naJakobho, Johani, Firipi,+ Bhatoromeyo, 15  Mateu, Tomasi,+ Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Simoni anonzi “mushingairi,” 16  Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa. 17  Uye akaburuka navo, vakamira panzvimbo yakati sandara, paiva nevadzidzi vake vakawanda, nevanhu vazhinji vaibva muJudhiya mese neJerusarema nenharaunda iri pedyo negungwa yeTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa uye kuzoporeswa zvirwere zvavo. 18  Kunyange vaya vainetswa nemweya isina kuchena vakarapwa. 19  Uye vanhu vese vaiedza kumubata, nekuti simba raibuda maari+ richivaporesa vese. 20  Akatarisa vadzidzi vake, akatanga kuti: “Munofara imi varombo, nekuti Umambo hwaMwari ndehwenyu.+ 21  “Munofara imi mune nzara iye zvino, nekuti muchagutiswa.+ “Munofara imi muri kuchema iye zvino, nekuti muchaseka.+ 22  “Munofara imi pese pamunovengwa nevanhu,+ uye pavanokusarurai+ nekukuzvidzai uye pavanoshora zita renyu vachiti makaipa pamusana peMwanakomana wemunhu. 23  Farai pazuva iroro musvetuke nemufaro, nekuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nekuti zvinhu izvozvo ndizvo zvaiitwa nemadzitateguru avo kuvaprofita.+ 24  “Asi mune nhamo imi vapfumi,+ nekuti makatowana kare kunyaradzwa kwenyu kwese.+ 25  “Mune nhamo imi makaguta iye zvino, nekuti muchava nenzara. “Mune nhamo, imi muri kuseka iye zvino, nekuti muchachema muchiridza mhere.+ 26  “Mune nhamo kana vanhu vese vachitaura zvakanaka nezvenyu,+ nekuti izvi ndizvo zvakaitwa nemadzitateguru avo kuvaprofita venhema. 27  “Asi ini ndinoti kwamuri imi makateerera: Rambai muchida vavengi venyu, muchiitira zvakanaka vaya vanokuvengai,+ 28  muchikomborera vaya vanokutukai, muchinyengeterera vaya vanokudenhai.+ 29  Anokurova padama, mupe rimwe racho; uye anokutorera nguo yako yekunze, usaramba kumupa nguo yako yemukati.+ 30  Ipa munhu wese anokukumbira,+ uye uya anokutorera zvinhu zvako, usamuti akudzorere. 31  “Uyewo, zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.+ 32  “Kana muchingoda vaya vanokudai, chii chamunganzi magona? Nekuti kunyange vatadzi vanoda vaya vanovada.+ 33  Uye kana muchingoitira zvakanaka vaya vanokuitirai zvakanaka, chii chamunganzi magona? Kunyange vatadzi vanoitawo izvozvo. 34  Uyewo, kana muchikweretesa* vaya vamunotarisira kuti vazokudzorerai, chii chamunganzi magona?+ Kunyange vatadzi vanokweretesa vatadzi vachida kudzorerwa zvese zvavakweretesa. 35  Asi imi rambai muchida vavengi venyu, muchiita zvakanaka, muchikweretesa musingatarisiri kudzorerwa;+ uye mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWekumusorosoro, nekuti anoratidza mutsa kune vasingaongi nevakaipa.+ 36  Rambai muchinzwira vamwe tsitsi, sezvo Baba venyu vaine tsitsi.+ 37  “Zvakare, regai kutonga, kuti imi murege kutongwawo;+ uye regai kuwanira vamwe mhosva, kuti imi murege kuwanirwawo mhosva. Rambai muchiregerera,* uye mucharegererwawo.*+ 38  Garai muchipa vamwe, uye vanhu vachakupaiwo.+ Vachakudururirai chiyero chakazara muhomwe yenyu, chakatsindirwa, chikazunguzirwa, uye chichifashukira. Nekuti chiyereso chamunoyerera vamwe nacho, ndicho chavachakuyereraiwo nacho.” 39  Akabva avaudzawo mufananidzo, achiti: “Pane bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Handiti ese ari maviri angawira mugomba?+ 40  Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wese anonyatsorayiridzwa achafanana nemudzidzisi wake. 41  Saka unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni danda riri muziso rako?+ 42  Ungati sei kuhama yako, ‘Hama yangu, rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe usingaoni danda riri muziso rako? Munyengeri! Tanga wabvisa danda riri muziso rako, uye uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako. 43  “Nekuti hapana muti wakanaka unobereka michero yakaora, uye hapana muti wakaora unobereka michero yakanaka.+ 44  Nekuti muti mumwe nemumwe unozivikanwa nemichero yawo.+ Semuenzaniso, vanhu havatemhi maonde paminzwa, uye havacheki mazambiringa pagwenzi reminzwa. 45  Munhu akanaka anobudisa zvakanaka kubva papfuma yakanaka iri mumwoyo make, asi munhu akaipa anobudisa zvakaipa kubva papfuma yake yakaipa; nekuti muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.+ 46  “Saka nei muchinditi ‘Ishe! Ishe!’ asi musingaiti zvandinotaura?+ 47  Regai ndikuudzei kuti munhu wese anouya kwandiri, onzwa mashoko angu, oaita, akafanana naani:+ 48  Akafanana nemumwe murume aivaka imba, ndokuchera achidzika pasi chaipo, akaisa faundesheni yacho paruware. Mafashamo paakauya, rwizi rwaiuya ruchirovera nesimba paimba iyoyo, asi rwakatadza kuizunungusa, nekuti yakanga yakanyatsovakwa.+ 49  Asi uya anonzwa asingaiti,+ akafanana nemunhu akavakira imba yake pamusoro pevhu asi asina kuchera faundesheni. Rwizi rwakarovera nesimba pairi, ikabva yangowondomoka, ndokuparara yese.”

Mashoko Emuzasi

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “mweya.”
Kureva, kukweretesa pasina mubereko.
Kana kuti “muchasunungurwawo.”
Kana kuti “muchisunungura.”