Enda pane zvauri kuda

Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha?

Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha?

SeZvapupu zvaJehovha, tinoedza kurarama tichitevedzera chiKristu chakadzidziswa naJesu icho chaitevedzerwa nevaapostora vake. Nyaya ino inongotaura muchidimbu zvatinotenda.

  1.   Mwari. Tinonamata Mwari mumwe chete wechokwadi, Wemasimbaose, uyo akasika zvinhu zvese, ane zita rekuti Jehovha. (Pisarema 83:18; Zvakazarurwa 4:11) Iye ndiMwari waAbrahamu, Mwari waMosesi, uye Mwari waJesu.​—Eksodho 3:6; 32:11; Johani 20:17.

  2.   Bhaibheri. Tinobvuma kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakanyorerwa vanhu. (Johani 17:17; 2 Timoti 3:16) Zvatinotenda tinozvitora mumabhuku ese 66 eBhaibheri, ari muTestamende Yekare uye ari muTestamende Itsva. Purofesa Jason D. BeDuhn akanyatsozvitaura paakanyora nezveZvapupu zvaJehovha achiti “zvavanotenda uye zvavanoita zvinonyatsobva muBhaibheri uye havachinji zvarinotaura kuti zvienderane nezvavanoda.” a

     Tinobvuma zvinhu zvese zvakanyorwa muBhaibheri. Asi tinoziva kuti zvimwe zvarinotaura zvine zvazvinofananidzira kana kuti zvakanyorwa semadimikira.​—Zvakazarurwa 1:1.

  3.   Jesu. Tinotevedzera zvaidzidziswa uye zvaiitwa naJesu Kristu uye tinomukudza seMuponesi wedu uye seMwanakomana waMwari. (Mateu 20:28; Mabasa 5:31) Saka tiri vaKristu. (Mabasa 11:26) Asi takadzidza muBhaibheri kuti Jesu haasi Mwari Wemasimbaose uye kuti muMagwaro hapana panoratidza kuti Jesu, Mwari uye Mweya Mutsvene chinhu chimwe chete.​—Johani 14:28.

  4.   Umambo hwaMwari. Iyi ihurumende chaiyo iri kudenga, kwete chinhu chiri mumwoyo mevaKristu. Huchatsiva hurumende dzevanhu uye huchazadzisa chinangwa chaMwari chaakasikira nyika. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10) Huchaita izvozvo munguva pfupi iri kutevera, nekuti uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira.”​—2 Timoti 3:1-5; Mateu 24:3-14.

     Jesu ndiye Mambo weUmambo hwaMwari huri kudenga. Akatanga kutonga muna 1914.​—Zvakazarurwa 11:15.

  5.   Ruponeso. Chibayiro cherufu rwaJesu ndicho chete chinoita kuti vanhu vanunurwe pachivi nerufu. (Mateu 20:28; Mabasa 4:12) Kuti vanhu vabatsirwe nechibayiro ichocho havafaniri kungotenda muna Jesu chete asi vanofanirawo kuchinja mararamiro avo vobhabhatidzwa. (Mateu 28:19, 20; Johani 3:16; Mabasa 3:19, 20) Kutenda kunoratidzwa nemabasa. (Jakobho 2:24, 26) Chinoita kuti munhu aponeswe haasi mabasa ake asi “mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari” ndiwo unoita kuti munhu aponeswe. ​—VaGaratiya 2:16, 21.

  6.   Denga. Jehovha Mwari, Jesu Kristu uye ngirozi dzakatendeka vanogara kudenga. b (Pisarema 103:19-21; Mabasa 7:55) Vanhu 144 000 chete, ndivo vachamutswa kuti vaende kudenga kunotonga naJesu muUmambo.​—Dhanieri 7:27; 2 Timoti 2:12; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3.

  7.   Nyika. Mwari akasika nyika kuti igarwe nevanhu nekusingaperi. (Pisarema 104:5; 115:16; Muparidzi 1:4) Mwari achaita kuti vanhu vanoteerera vararame nekusingaperi muparadhiso inenge iri panyika, vasingarwari.​—Pisarema 37:11, 34.

  8.   Uipi uye kutambura. Izvi zvakatanga pakapanduka imwe yengirozi dzaMwari. (Johani 8:44) Payakapanduka ngirozi iyi yakabva yatanga kuzivikanwa nemazita ekuti “Satani” uye “Dhiyabhorosi.” Ngirozi iyi yakanyengedza vanhu vaviri vakatanga kusikwa kuti vapandukirewo Mwari uye izvi zviri kukonzera matambudziko akakura pavana vavo. (Genesisi 3:1-6; VaRoma 5:12) Mwari akabvumira kuti uipi uye kutambura zvivepo kuti aratidze kuti ndiani ane kodzero yekutaura chinonzi chakanaka nechakaipa. Asi Mwari haazobvumiri kuti zvinhu zvirambe zvakadaro nekusingaperi.

  9.   Rufu. Kana munhu akafa anenge asisipo. (Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 10) Haaendi kunotambudzwa muhero yemoto.

     Mwari achamutsa mabhiriyoni evanhu vakafa. (Mabasa 24:15) Asi vaya vanoramba kuita zvinodiwa naMwari pashure pekunge vamutswa vanobva vazoparadzwa nekusingaperi.​—Zvakazarurwa 20:14, 15.

  10.   Mhuri. Tinotevedzera zvakatangwa naMwari panyaya yewanano semubatanidzwa wemurume mumwe chete nemudzimai mumwe chete. Bhaibheri rinoratidza kuti vaviri vacho vanogona chete kurambana kana mumwe pakati pavo akaita upombwe. (Mateu 19:4-9) Tine chokwadi chekuti uchenjeri hunowanika muBhaibheri hunobatsira mhuri kuti dzibudirire.​—VaEfeso 5:22-6:1.

  11.   Manamatiro edu. Hatishandisi muchinjikwa kana kuti mufananidzo chero upi zvawo pakunamata. (Dheuteronomio 4:15-19; 1 Johani 5:21) Zvinhu zvinokosha zvatinoita pakunamata kwedu zvinosanganisira:

  12.   Sangano redu. Takarongwa kuva ungano, uye ungano imwe neimwe inotungamirirwa nedare revakuru. Asi vakuru ivavo havasi vafundisi, uye havabhadharwi. (Mateu 10:8; 23:8) Hatibvisi chegumi, uye hatifambisi kandiro kekukumbira mari patinenge takaungana. (2 VaKorinde 9:7) Mabasa ese atinoita anotsigirwa nemari dzezvipo uye hapana anoziva anenge abvisa mari yacho.

     Dare Rinotungamirira, iro rinoumbwa nevaKristu vashomanana vane ruzivo rwakakura pane zvekunamata avo vanoshandira kumahofisi edu makuru, ndiro rinotungamirira pabasa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha pasi rese.​—Mateu 24:45.

  13.   Kubatana kwatakaita. Tinotenda zvakafanana pasi rese. (1 VaKorinde 1:10) Tinoshandawo nesimba kuti tisaparadzaniswa nekwatinobva, ruvara rweganda kana kuti zvimwewo zvinhu zvinokonzera kuti vanhu vatarisirane pasi. (Mabasa 10:34, 35; Jakobho 2:4) Kunyange zvazvo takabatana, mumwe nemumwe akasununguka kusarudza zvaanoda. Anosarudza zvinoenderana nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri.​—VaRoma 14:1-4; VaHebheru 5:14.

  14.   Mararamiro edu. Tinoedza kuratidza rudo rwechokwadi pazvinhu zvese zvatinoita. (Johani 13:34, 35) Hatiiti zvinhu zvisingafarirwi naMwari, zvakadai sekuisirwa ropa. (Mabasa 15:28, 29; VaGaratiya 5:19-21) Tinoda zverugare uye hatipindiri muhondo. (Mateu 5:9; Isaya 2:4) Tinoremekedza hurumende yekwatinogara uye tinoteerera mitemo yavo chero bedzi isingazoiti kuti tityore mitemo yaMwari.​—Mateu 22:21; Mabasa 5:29.

  15.   Maonero atinoita vamwe. Jesu akarayira kuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” Akataurawo kuti vaKristu “havasi venyika.” (Mateu 22:39; Johani 17:16) Saka tinoedza ‘kuitira vose zvakanaka,’ asi hatipindiri mune zvematongerwo enyika uye hatibatani nezvimwe zvitendero pane zvekunamata. (VaGaratiya 6:10; 2 VaKorinde 6:14) Kunyange zvakadaro, tinoremekedza maonero anoitawo vamwe nyaya idzodzo.​—VaRoma 14:12.

 Kana uchida kunzwa zvimwe pamusoro pezvinotendwa neZvapupu zvaJehovha, unogona kuwana mamwe mashoko ukaenda pajw.org, ukanyorera kana kuti kufonera imwe yemahofisi edu, ukapinda misangano paImba yeUmambo iri pedyo nekwaunogara, kana kuti ukataura nemumwe weZvapupu zvaJehovha ari kwaunogara.

a Ona bhuku rinonzi Truth in Translation, peji 165.

b Ngirozi dzakaipa dzakadzingwa kudenga, asi dzichiri kugara munzvimbo yatisingakwanisi kudziona nemaziso enyama.​—Zvakazarurwa 12:7-9.