Enda pane zvauri kuda

Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti “Nguva Yekupedzisira” Ndechipi?

Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti “Nguva Yekupedzisira” Ndechipi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinotaura zvinhu uye unhu hwevanhu zvaizoratidza kuti tava panguva ‘yekuguma kwemamiriro ezvinhu aripo’ kana kuti ‘yekuguma kwenyika.’ (Mateu 24:3; The Bible in Union SHONA Version) Nguva iyi inonzi neBhaibheri “mazuva ekupedzisira” uye “nguva yekuguma,” kana kuti “nguva yekupedzisira.”—2 Timoti 3:1; Dhanieri 8:19; The Bible in Union SHONA Version.

Ndehupi uprofita huri muBhaibheri hunotaura ‘nezvemazuva ekupedzisira’?

 Bhaibheri rakagara rataura zvinhu zvakawanda zvaizoitika panguva imwe chete zvichiumba “chiratidzo” chemazuva ekupedzisira. (Ruka 21:7) Ona zvimwe zvacho:

 Hondo dziri kuitika pasi rese. Jesu akataura kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo.” (Mateu 24:7) Zvakazarurwa 6:4 yakataurawo nezvemurume akatasva bhiza anofananidzira hondo, uyo ‘aizobvisa runyararo panyika.’

 Nzara. Jesu akataura kuti: “Kuchava nenzara.” (Mateu 24:7) Bhuku raZvakazarurwa rakataura mumwezve murume akatasva bhiza, uyo anoita kuti pave nenzara yakakura munzvimbo dzakasiyana-siyana.—Zvakazarurwa 6:5, 6.

 Kudengenyeka kwenyika kukuru. Jesu akataura kuti kwaizova “nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda.” (Mateu 24:7; Ruka 21:11) Kudengenyeka kwenyika uku, kwaizoita kuti pave nekutambura kwakanyanya uye kwaizouraya vanhu vakawanda kupfuura zvati zvamboitika.

 Zvirwere. Sezvakataurwa naJesu, kwaizova nematenda, kana kuti zvirwere zvinopararira zvinotyisa.—Ruka 21:11.

 Kuparwa kwemhosva. Kunyange zvazvo vanhu vava nemakore vachipara mhosva, Jesu akataura kuti mumazuva ekupedzisira, kwaizova ‘nekuwedzera kwekusateerera mutemo.’—Mateu 24:12.

 Kuparadzwa kwenyika. Zvakazarurwa 11:18 yakagara yataura kuti vanhu ‘vaizoparadza nyika.’ Vaizoiparadza nenzira dzakasiyana-siyana dzinosanganisira mhirizhonga, uori uye vaizoitawo zvinhu zvinoparadza nharaunda.

 Vanhu vasina unhu. Pana 2 Timoti 3:1-4, Bhaibheri rakataura kuti vanhu vaizova “vasingaongi, vasina kuvimbika, . . . vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza.” Vanhu vaizonyanya kuratidza unhu uhwu zvekuti nguva iyoyo yaizoshevedzwa kuti “nguva dzakaoma dzinonetsa kurarama madziri.”

 Kuparara kwemhuri. Pana 2 Timoti 3:2, 3, Bhaibheri rakataura kuti vanhu vakawanda vaisazoratidza “rudo runongobva rwega mumwoyo” kumhuri dzavo uye kuti vana vaizova “vasingateereri vabereki.”

 Vanhu vasingadi Mwari. Jesu akataura kuti: ‘Rudo rwevazhinji rwaizotonhora.’ (Mateu 24:12) Jesu aireva kuti zvishoma nezvishoma kuda Mwari kunoita vanhu kwaizoenda kuchipera. 2 Timoti 3:4 inotaura kuti mumazuva ekupedzisira, vanhu ivavo vaizova “vanoda mafaro panzvimbo pekuda Mwari.”

 Unyengeri hunoitwa nevanhu vezvitendero. Pana 2 Timoti 3:5, Bhaibheri rakataura kuti vanhu vaizoita sevanonamata Mwari asi vasingararami maererano nemitemo yake.

 Kuwedzera kunzwisisa uprofita hweBhaibheri. Bhuku raDhanieri rakataura kuti “panguva yekuguma,” vanhu vakawanda vaizowedzera kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri, kusanganisira kunyatsonzwisisa uprofita zvakarurama.—Dhanieri 12:4, mashoko emuzasi.

 Basa rekuparidza pasi rese. Jesu akataura kuti: “Mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese.”—Mateu 24:14.

 Kuwedzera kwevanhu vasingakendengi uye vanoshora. Jesu akataura kuti kwaizova nevanhu vasingakendengi pavaizoona uchapupu hunoratidza kuti nyika yava pedyo kuguma. (Mateu 24:37-39) Kuwedzera pane izvozvo, 2 Petro 3:3, 4 yakataura kuti vamwe vaizoseka uchapupu ihwohwo, vachiti hahuna zvahunoreva.

 Kuzadziswa kweuprofita hwese. Jesu akataura kuti mumazuva ekupedzisira uprofita uhwu hwese hwaizozadzika panguva imwe chete, kwete hushoma hwacho kana kuti hwakawanda hwacho, asi hwese.—Mateu 24:33.

Tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira here”?

 Ehe. Zviri kuitika pasi rese uye nguva dzinotaurwa muBhaibheri zvinoratidza kuti mazuva ekupedzisira akatanga muna 1914, gore rakanga Hondo Yenyika Yekutanga. Kuti uone kuti mamiriro ezvinhu munyika anoratidza sei kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira ona vhidhiyo inotevera:

 Muna 1914, Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga kudenga, uye chimwe chezvinhu chahwakatanga kuita, kwaiva kudzinga Satani Dhiyabhorosi nemadhimoni kubva kudenga uye kuita kuti asakwanise kukanganisa zvisikwa zvekudenga. (Zvakazarurwa 12:7-12) Kukanganiswa kunoitwa vanhu naSatani kunonyatsooneka mumafungiro uye mumaitiro akaipa avainawo, izvo zvinoita kuti mazuva ekupedzisira ave ‘akaoma, anonetsa kurarama maari.’—2 Timoti 3:1.

 Vanhu vakawanda vanoshungurudzika nemhaka yekuoma kwakaita nguva idzi. Vanonetseka nekuti vanhu havachakwanisi kugarisana pamwe chete zvakanaka. Vamwe vanototyira kuti vanhu vachaurayana zvekuti panyika pachasara pasisina vanhu.

 Asiwo, vamwe vari kunetseka nemamiriro aita zvinhu panyika vane tariro yeramangwana. Vane chivimbo chekuti pasina nguva Umambo hwaMwari huchagadzirisa matambudziko ese ari panyika. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:3, 4) Vanomirira nemwoyo murefu kuti Mwari azadzise zvaakavimbisa uye vanonyaradzwa nemashoko aJesu ekuti: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.”—Mateu 24:13; Mika 7:7.