Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinobatana Nemamwe Machechi Here Pakunamata?

Zvapupu zvaJehovha Zvinobatana Nemamwe Machechi Here Pakunamata?

 SeZvapupu zvaJehovha, tinofarira kutaura nevanhu vese nezveShoko raMwari, asi hatibatani nemamwe machechi pakunamata. Bhaibheri rinotaura kuti vaKristu vechokwadi ‘vakanyatsobatana’ uye chimwe chinoita kuti vabatane ndechekuti vane dzidziso imwe chete. (VaEfeso 4:16; 1 VaKorinde 1:10; VaFiripi 2:2) Saka havangogumiri pakukoshesa zvinhu zvakadai sekuva nerudo, kuratidzana mutsa uye kuregererana. Dzidziso dzedu dzinobva pakunyatsonzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri, uye kudai tisingarinzwisisi, kutenda kwedu kwaisazobatsira.—VaRoma 10:2, 3.

 Bhaibheri rinoti kana vanhu vane dzidziso dzakasiyana vakanamata pamwe chete, zvakangofanana nekusungwa pajoko zvisina kukodzera, uye izvi zvinogona kukanganisa kutenda kwemuKristu. (2 VaKorinde 6:14-17) Ndosaka Jesu akati vadzidzi vake vasabatana nezvimwe zvitendero. (Mateu 12:30; Johani 14:6) Kunyange Mutemo wakapiwa Mosesi naMwari wairambidza vaIsraeri kubatana nemamwe marudzi pakunamata. (Eksodho 34:11-14) Nekufamba kwenguva, vaIsraeri vakaramba kubatsirwa nevanhu vemamwe marudzi nekuti zvaizoguma zvaita kuti vabatane navo pakunamata.—Ezra 4:1-3.

Zvapupu zvaJehovha zvinotaura nezveBhaibheri nevanhu vemamwe machechi here?

 Hongu. Sezvakaita muapostora Pauro, patinenge tichiparidza tinoedza kuziva zvinofungwa nevanhu “vazhinji kwazvo” uye dzidziso dzavo. (1 VaKorinde 9:19-22) Patinenge tichikurukura navo, tinoedza kuvapa “ruremekedzo rukuru,” sezvinotaurwa neBhaibheri.—1 Petro 3:15.