Tsamba Yekutanga yaPetro 3:1-22

  • Varume nemadzimai (1-7)

  • Nzwiranai tsitsi; itai kuti pave nerugare (8-12)

  • Kutambudzirwa kuita zvakarurama (13-22)

    • Garai makagadzirira kupindura vanokubvunzai nezvetariro yenyu (15)

    • Rubhabhatidzo uye hana yakanaka (21)

3  Imi madzimai itaiwo saizvozvo muchizviisa pasi pevarume venyu,+ kuti kana paine vasingateereri shoko, vasvike pakuteerera pasina shoko rataurwa zvichibva pane zvinoitwa nemadzimai avo,+  nekuti vanenge vaona vega zvinhu zvakanaka* zvamunoita+ uye kuremekedza kwenyu kukuru.  Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze, kwekuruka bvudzi uye kwekupfeka zvishongo zvegoridhe+ kana zvipfeko zvakanaka,  asi ngakuve munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chekuva munhu akanyarara uye munyoro,+ izvo zvinokosha chaizvo kuna Mwari.  Nekuti vakadzi vatsvene vekare avo vaiva netariro muna Mwari vaizvishongedzawo saizvozvo, vachizviisa pasi pevarume vavo,  sezvaiitwa naSara uyo aiteerera Abrahamu, achimuti ishe.+ Zvino mava vana vake kana mukaramba muchiita zvakanaka uye musingatyi.+  Saizvozvowo imi varume rambai muchigara nemadzimai enyu nekuziva.* Vabatei nerukudzo+ sezvamunoita mudziyo usina kusimba, sezvo vachawanawo upenyu pamwe chete nemi+ nekuda kwenyasha dzaMwari, nekuti mukasadaro minyengetero yenyu hainzwikwi.  Ndinopedzisa ndichiti mese ivai nepfungwa dzimwe chete,*+ muchinzwirana tsitsi, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana nyasha kwazvo,+ muchizvininipisa.+  Musatsiva chakaipa nechakaipa+ kana kutuka nekutuka.+ Panzvimbo paizvozvo tsivai nechikomborero,+ nekuti izvozvo ndizvo zvamakadanirwa, kuti muwane chikomborero. 10  Nekuti, “munhu wese anoda upenyu nekuona mazuva akanaka, anofanira kudzora rurimi rwake kuti rusataura zvakaipa+ nemuromo wake kuti usataura zvekunyengera. 11  Ngaasiye zvakaipa+ aite zvakanaka;+ ngaatsvage rugare arutevere.+ 12  Nekuti maziso aJehovha* ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dzinoteerera kuteterera kwavo,+ asi chiso chaJehovha* chinovenga vaya vanoita zvakaipa.”+ 13  Chokwadi, ndiani angakuitirai zvakaipa kana mukashingaira kuita zvakanaka?+ 14  Asi kunyange kana mukatambura nekuti muri kuita zvakarurama, muchafara.+ Zvisinei, musatya zvavanotya,* uye musanetseka.+ 15  Asi tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kupindura munhu wese anokubvunzai nezvetariro yamuinayo, asi muchizviita neunyoro+ neruremekedzo rukuru.+ 16  Rambai muine hana yakanaka+ kuti pazvinhu zvese zvamunopomerwa, vaya vanokupomerai vanyare+ pavanoona mararamiro enyu akanaka sevateveri vaKristu.+ 17  Nekuti zviri nani kuti mutambure pamusana pekuti muri kuita zvakanaka,+ kana Mwari azvibvumira kuti zviitike, pane kuti mutambure nekuti muri kuita zvakaipa.+ 18  Nekuti Kristu akafira zvivi+ kamwe chete zvikabva zvakwana, iye munhu akarurama achiitira vasina kururama,+ kuti akutungamirirei kuna Mwari.+ Akaurayiwa panyama,+ akaitwa mupenyu pamweya.+ 19  Akabva aenda akanoparidza kumweya yaiva mujeri,+ 20  iyo yakanga isingateereri, Mwari paakanga achimirira nemwoyo murefu mumazuva aNoa,+ areka ichivakwa,+ iyo yakatakura vanhu vashoma, ivo vanhu 8, vachibva vapona* mumvura.+ 21  Rubhabhatidzo, urwo rwakafanana neizvi ruri kukuponesaiwo zvino, (kwete nekubviswa kwetsvina panyama, asi nekukumbira hana yakanaka kuna Mwari),+ pachishandiswa kumuka kwaJesu Kristu. 22  Iye akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rwerudyi rwaMwari,+ uye ngirozi nevanokudzwa nemasimba zvakaiswa pasi pake.+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “zvakachena.”
Kana kuti “muchivanzwisisa.”
Kana kuti “bvumiranai pane zvamunofunga.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “musatya kutyisidzira kwavo.”
Kana kuti “iyo mweya misere, ichibva yapona.”