Mabasa Evaapostora 5:1-42

  • Ananiyasi naSafira (1-11)

  • Vaapostora vanoita zviratidzo zvizhinji (12-16)

  • Kuiswa mujeri uye kubudiswa (17-21a)

  • Vanounzwa pamberi peSanihedrini zvakare (21b-32)

    • ‘Kuteerera Mwari panzvimbo pevanhu’ (29)

  • Yambiro yaGamarieri (33-40)

  • Kuparidza paimba neimba (41, 42)

5  Asi mumwe murume ainzi Ananiyasi, pamwe chete nemudzimai wake Safira, vakatengesa munda wavo.  Asi murume wacho akavanza imwe mari yacho, mudzimai wake achizviziva, uye akauya neimwe yacho, akaipa vaapostora.+  Petro akabva ati: “Ananiyasi, nei Satani akushingisa kuti uedze kunyepera+ mweya mutsvene+ ukavanza imwe mari yemunda wawatengesa?  Pawanga usati wautengesa, wanga usiri wako here? Uye pawautengesa, wanga usina kusununguka kuita zvaunoda nemari yacho here? Saka wafungirei kuita zvakadaro mumwoyo mako? Hauna kunyepera vanhu, asi Mwari.”  Paakanzwa mashoko aya, Ananiyasi akadonha, akafa. Uye vese vakazvinzwa vakatya zvikuru.  Majaya akabva asimuka akamuputira nemachira, akamutakura akabuda naye, akanomuviga.  Papfuura maawa anenge matatu, mudzimai wake akapinda, asingazivi zvakanga zvaitika.  Petro akati kwaari: “Ndiudze, ndiyo mari yamatengesa nayo munda here iyi?” Iye akati: “Hongu, ndiyoyo.”  Saka Petro akati kwaari: “Nei mabvumirana kuti muedze mweya waJehovha?* Inzwa mutsindo wevanhu vaviga murume wako vava kutosvika pasuo! Vachakutakurawo vobuda newe.” 10  Pakarepo, akabva adonha pamberi paPetro, akafa. Majaya acho paakapinda, akamuwana afa, akamutakura achibuda naye, akanomuviga parutivi pemurume wake. 11  Saka vanhu vese vemuungano nevamwe vese vainzwa nyaya idzi vakatanga kutya. 12  Zvakare, zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaramba zvichiitwa nemaoko evaapostora pakati pevanhu;+ uye vese vaiungana muVharanda raSoromoni.+ 13  Kunyange zvazvo pasina aiita ushingi hwekubatana navo, vanhu vaitaura zvakanaka nezvavo. 14  Uyezve varume nevakadzi vakawanda vaitenda munaShe, vakaramba vachiwedzerwa.+ 15  Vaitobudisa vairwara kunze mumigwagwa mikuru, vachivaradzika patumibhedha nepamaponde, kuti Petro paanenge achipfuura, zvimwe mumvuri wake upfuure nepamusoro pavo.+ 16  Uyewo, vanhu vakawanda vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vairamba vachiuya vakatakura vanhu vairwara nevaya vainetswa nemweya isina kuchena, uye vese vakarapwa. 17  Asi mupristi mukuru, pamwe nevese vaiva naye veboka revaSadhusi, vakasimuka vabatwa negodo. 18  Uye vakasunga vaapostora, vakavaisa mujeri.+ 19  Asi ngirozi yaJehovha* yakavhura masuo ejeri usiku,+ ikavabudisa kunze, ikati: 20  “Endai munomira mutemberi, murambe muchitaura nevanhu mashoko ese nezveupenyu uhwu.” 21  Pavakanzwa izvi, vakapinda mutemberi kuchingoedza, vakatanga kudzidzisa. Pakasvika mupristi mukuru nevamwe vaakanga ainavo, vakaunganidza Sanihedrini neungano yese yevakuru vevanakomana vaIsraeri, vakatumira vanhu kujeri kuti vauye navo. 22  Asi varindi pavakasvika ikoko, vakavashaya mujeri. Saka vakadzoka kuzovaudza, 23  vachiti: “Tasvika jeri rakanyatsokiyiwa, uye varindi vanga vakamira pamasuo, asi patavhura tawana musina munhu.” 24  Mukuru mukuru wetemberi nevatungamiriri vevapristi pavakanzwa mashoko aya, vakanetseka kuti zvichaguma sei. 25  Asi mumwe munhu akasvika, akavaudza kuti: “Varume vamakaisa mujeri ndavaona vakamira mutemberi vachidzidzisa vanhu.” 26  Mukuru mukuru wetemberi nevarindi vake vakabva vaenda, vakauya navo, asi vasingavarwisi, nekuti vaitya kutemwa nematombo nevanhu.+ 27  Saka vakauya navo, vakavamisa pamberi peSanihedrini. Mupristi mukuru akabva avabvunzurudza, 28  achiti: “Takanyatsokuudzai kuti murege kuramba muchidzidzisa nezvezita iri,+ asi onai! mazadza Jerusarema nekudzidzisa kwenyu, uye muri kuda kuunza ropa remunhu uyu pamusoro pedu.”+ 29  Petro nevamwe vaapostora vakapindura kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.+ 30  Mwari wemadzitateguru edu akamutsa Jesu, wamakauraya, muchiturika padanda.*+ 31  Mwari akamukwidziridza kuruoko rwake rwerudyi+ seMumiririri Mukuru+ neMuponesi,+ kuti Israeri apfidze zvivi zvake okanganwirwa.+ 32  Uye isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi,+ pamwe chete nemweya mutsvene,+ uyo Mwari akapa vaya vanomuteerera semutongi.” 33  Pavakanzwa izvi, vakashatirwa zvekuti vaida kuvauraya. 34  Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri+ akasimuka muSanihedrini; akanga ari mudzidzisi weMutemo airemekedzwa nevanhu vese, uye akati varume vacho vambobudiswa panze. 35  Akabva ati kwavari: “Varume vaIsraeri, ngwarirai zvamuri kuda kuita nevarume ava. 36  Nekuti kwakambouya murume ainzi Tudhasi, aizviti munhu anokosha, uye vamwe varume vanoda kusvika 400 vakatsigira bato rake. Asi akaurayiwa, uye vese vaimutevera vakapararira, zvikashaya basa. 37  Kwakazouyawo Judhasi wekuGarireya, mumazuva ekunyoresa, uye akava nevanhu vaimutevera. Murume iyeye akapararawo, uye vese vaimutevera vakapararira. 38  Saka panyaya iyi ini ndinoti kwamuri, musapindira munyaya dzevarume ava; siyanai navo. Nekuti kana izvi zviri zvirongwa zvevanhu kana kuti riri basa revanhu, zvichaparara; 39  asi kana zvichibva kuna Mwari, hamukwanisi kuvaparadza.+ Mukadaro munogona kunge mava kutorwisana naMwari.”+ 40  Saka vakateerera zano rake, vakashevedza vaapostora, vakavarova,+ vakavaudza kuti varege kutaura pamusoro pezita raJesu, vakavarega vachienda. 41  Saka vakabva pamberi peSanihedrini vachifara+ nekuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake. 42  Uye vakaramba vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu Jesu+ mazuva ese, mutemberi uye paimba neimba+ vasingaregi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “pamuti.”