Tsamba Yekutanga yaJohani 5:1-21

  • Tinokunda nyika nekutenda muna Jesu (1-12)

    • Kuda Mwari kunooneka neizvi (3)

  • Kuva nechokwadi kuti munyengetero une simba (13-17)

  • Kuchenjerera munyika yakaipa (18-21)

    • Nyika yese iri musimba reakaipa (19)

5  Munhu wese anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari,+ uye munhu wese anoda baba vakaita kuti mwana aberekwe, anodawo mwana wacho wavakabereka.  Tinoziva kuti tinoda vana vaMwari+ kana tichida Mwari uye tichiteerera mirayiro yake.  Nekuti kuda Mwari kunooneka nekuchengeta mirayiro yake;+ uye mirayiro yake hairemi,+  nekuti munhu wese akaberekwa naMwari anokunda nyika.+ Uye takakunda nyika nekutenda kwedu.+  Ndiani angakunda nyika?+ Haasi uya here anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari?+  Uyu ndiye akauya kuburikidza nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuuya nemvura chete,+ asi nemvura neropa.+ Uye mweya uri kupupura nezvazvo,+ nekuti mweya ndiwo chokwadi.  Nekuti kune zvapupu zvitatu zvinopupura zvinoti:  mweya+ nemvura+ neropa;+ uye zvese zviri zvitatu zvinobvumirana.  Kana tichibvuma uchapupu hunopiwa nevanhu, uchapupu hunopiwa naMwari hwakatokura. Nekuti uhwu ndihwo uchapupu hunopiwa naMwari, uchapupu hwaakapa pamusoro peMwanakomana wake. 10  Munhu anotenda muMwanakomana waMwari ane uchapupu hwacho mumwoyo make. Munhu asingatendi muna Mwari anenge amuita murevi wenhema,+ nekuti haana kutenda uchapupu hwakapiwa naMwari pamusoro peMwanakomana wake. 11  Uhwu ndihwo uchapupu hwacho, hwekuti Mwari akatipa upenyu husingaperi,+ uye upenyu uhwu huri muMwanakomana wake.+ 12  Munhu ari pamwe neMwanakomana ane upenyu uhwu; asi munhu asiri pamwe neMwanakomana waMwari haana upenyu uhwu.+ 13  Ndiri kukunyorerai zvinhu izvi imi munotenda muzita reMwanakomana waMwari+ kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi.+ 14  Uye ichi ndicho chivimbo chatiinacho maari,*+ kuti pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.+ 15  Uyezve, kana tichiziva kuti anotinzwa pane zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tichawana zvinhu zvatinokumbira, nekuti tinenge tamukumbira zvinhu zvacho.+ 16  Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingakonzeri rufu, iye achamunyengeterera, uye Mwari achamupa upenyu,+ chokwadi achahupa vaya vasingaiti chivi chinokonzera rufu.+ Asi kune chivi chinokonzera rufu. Handisi kumuti akumbire pamusoro pechivi chakadaro. 17  Kusarurama kwese chivi,+ asi pane chivi chisingakonzeri rufu. 18  Tinoziva kuti munhu wese akaberekwa naMwari haagari achiita chivi, asi anochengetwa neuya akaberekwa naMwari,* uye haabatwi neakaipa.+ 19  Tinoziva kuti tinobva kuna Mwari, asi nyika yese iri musimba reakaipa.+ 20  Asi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya,+ uye akatipa njere kuti tizive iye wechokwadi. Uye isu tiri pamwe naiye wechokwadi,+ kuburikidza neMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi neupenyu husingaperi.+ 21  Vana vangu, zvichenjererei pazvidhori.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “urwu ndirwo rusununguko rwekutaura naye rwatiinarwo.”
Kureva, Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari.