Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Umambo hwaMwari Huchaitei?

Umambo hwaMwari Huchaitei?

Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera kuti Umambo huuye. Aiziva kuti zvinhu zvakaipa zviri kuitika panyika hakusi kuda kwaMwari uye kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa zvinhu. Zvii zvichaitwa neUmambo hwaMwari?

ZVAKATOITWA NEUMAMBO HWAMWARI

Munyaya yapfuura taongorora chiratidzo chakataurwa naJesu chairatidza kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa kudenga uye Jesu Kristu ari iye Mambo.

Bhaibheri rinoti Jesu paakagadzwa kudenga saMambo akadzinga Satani nemadhimoni ake. Sezvo vasisina simba kudenga, ndicho chimwe chikonzero nei zvinhu zvawedzera kuipa panyika kubvira muna 1914.​—Zvakazarurwa 12:7, 9.

Pasinei nekuwedzera kuri kuita matambudziko panyika, Jesu, saMambo weUmambo hwaMwari ari kubatsira vanhu. Basa rekuparidza Shoko raMwari riri kuitwa pasi rese rakagara rataurwa naJesu, riri kuita kuti vakawanda vadzidze uye vashandise zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo. (Isaya 2:2-4) Mamiriyoni evanhu akadzidza kuva vashandi vakanaka kumabasa kwavo, kuva nemhuri dzinofara uye kuti vasanyanyisa kuda pfuma. Izvi zviri kuvabatsira muupenyu hwavo iye zvino uye kuti vazokodzera kurarama panenge pachitonga Umambo hwaMwari.

ZVII ZVICHAZOITWA NEUMAMBO HWAMWARI?

Kunyange zvazvo Jesu ari kutotonga kudenga, panyika pachiri kutongwa nehurumende dzevanhu. Mwari akaudza Jesu kuti: “Pinda pakati pevavengi vako uchikunda.” (Pisarema 110:2) Kwasara nguva pfupi kuti Jesu aparadze vavengi vake vese uye obvisa matambudziko kune vese vanoteerera Mwari.

Panguva iyoyo, Umambo hwaMwari huchaita zvinotevera:

  • Huchaparadza zvitendero zvenhema. Machechi ari kudzidzisa nhema pamusoro paMwari nekuomesera vanhu achaparadzwa. Bhaibheri rinofananidza zvitendero zvenhema nepfambi. Vakawanda vachashamisika pavachaona zvitendero izvi zvichiparadzwa.​—Zvakazarurwa 17:15, 16.

  • Huchaparadza hurumende dzevanhu. Umambo hwaMwari ndihwo huchaparadza utongi hwese hwevanhu.​—Zvakazarurwa 19:15, 17, 18.

  • Huchaparadza vanhu vakaipa. Chii chichaitika kuvanhu vanoramba vachingoita zvakaipa vasingadi kuteerera Mwari? Bhaibheri rinoti: “Kana vari vakaipa vachaparadzwa panyika.”​—Zvirevo 2:22.

  • Huchaparadza Satani nemadhimoni ake. Satani nemadhimoni ake vachange ‘vasingachatsausi vanhu zvekare.’​—Zvakazarurwa 20:3, 10.

Ko vanhu vanoda kutongwa neUmambo hwaMwari chii chichaitika kwavari?

UMAMBO HWAMWARI HUCHAITIREI VANHU?

Jesu paachange achitonga ari kudenga, achaita zvinhu zvisina kumbobvira zvaitwa neutongi hwevanhu. Achabatsirwa kutonga nevanhu 144 000 vakasarudzwa kubva pano panyika. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3) Achaita kuti kuda kwaMwari kuitwe pano panyika. Zvii zvichaitwa neUmambo hwaMwari kuvanhu vanenge vari panyika?

  • Huchabvisa zvirwere nerufu. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara,’” uye “hapazovi nerufu.”​—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:4.

  • Huchaita kuti pave nerunyararo uye pachange pasisina chekutya. “Rugare rwevanakomana vako ruchava rukuru,” uye “mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake, uye hapana achaita kuti vatye.”​—Isaya 54:13; Mika 4:4.

  • Huchapa vanhu mabasa anogutsa. “Vanhu vandakasarudza vachanyatsofadzwa nebasa remaoko avo. Havazoshandi zvakaoma pasina.”​—Isaya 65:22, 23.

  • Huchagadzirisa zvinhu zvakakanganiswa nevanhu panyika. “Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro, renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.”​—Isaya 35:1.

  • Huchadzidzisa vanhu zvavanofanira kuita kuti vararame nekusingaperi. “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.”​—Johani 17:3.

Mwari anoda kuti uzorarama munyika iyi uye kuti uzowanawo makomborero ese aya. (Isaya 48:18) Nyaya inotevera inotsanangura zvaunofanira kuita iye zvino kuti uzorarama munyika iyi.