Bhuku raZvakazarurwa 19:1-21

  • Rumbidzai Jah nekuda kwemitongo yake (1-10)

    • Muchato weGwayana (7-9)

  • Mutasvi webhiza jena (11-16)

  • Kudya kukuru kwemanheru kwaMwari (17, 18)

  • Chikara chinokundwa (19-21)

19  Pashure peizvi, ndakanzwa ruzha rukuru kudenga rwaiita semanzwi eboka guru. Manzwi acho aiti: “Rumbidzai Jah!*+ Ruponeso nekukudzwa nesimba ndezvaMwari wedu,  nekuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama.+ Nekuti aranga pfambi huru yakasvibisa nyika neupombwe* hwayo, uye atsiva ropa revaranda vake rayakadeura nemaoko ayo.”+  Akabva ati kechipiri: “Rumbidzai Jah!*+ Utsi hunobva pairi hunoramba huchipwititika nariini nariini.”+  Vakuru 24+ nezvisikwa zvipenyu zvina+ vakabva vawira pasi, vakanamata Mwari agere pachigaro cheumambo, vakati: “Ameni! Rumbidzai Jah!”*+  Uye pachigaro cheumambo pakabuda inzwi raiti: “Rumbidzai Mwari wedu, imi varanda vake vese+ vanomutya, vadiki nevakuru.”+  Ndakanzwa ruzha rwaiita semanzwi eboka guru, uye semvura zhinji uye sekutinhira kwemabhanan’ana ane simba. Akati: “Rumbidzai Jah,*+ nekuti Jehovha* Mwari wedu, iye Wemasimbaose,+ atanga kutonga samambo!+  Ngatipembere tichifara kwazvo, uye ngatimukudzei, nekuti muchato weGwayana wasvika uye mwenga waro agadzirira.  Chokwadi, abvumirwa kupfeka nguo yejira rakanaka, inopenya, uye yakachena, nekuti jira rakanaka rinomiririra mabasa akarurama evatsvene.”+  Ngirozi yacho yakandiudza kuti, “Nyora kuti: Vanofara vaya vakakokwa kumabiko emanheru emuchato weGwayana.”+ Yakandiudzawo kuti: “Aya mashoko echokwadi aMwari.” 10  Ndakabva ndapfugama pasi pamberi petsoka dzayo kuti ndiinamate. Asi yakandiudza kuti: “Aiwa! Usadaro!+ Ndinongovawo muranda sezvauri iwe nehama dzako dzine basa rekupupura nezvaJesu.+ Namata Mwari!+ Nekuti chinangwa cheuprofita ndechekupupura nezvaJesu.”+ 11  Ndakaona denga rakavhurika, paine bhiza jena.+ Ainge akaritasva anonzi Akatendeka+ uye weChokwadi.+ Iye anotonga zvakarurama uye anorwa zvakarurama.+ 12  Maziso ake marimi emoto,+ uye mumusoro make mune korona zhinji.* Akanyorwa zita risina anoriziva kunze kwake iye ega; 13  akapfeka nguo yekunze ine* ropa, uye anonzi Shoko+ raMwari. 14  Uyewo mauto ekudenga akanga achimutevera akatasva mabhiza machena, akapfeka nguo dzejira jena rakanaka uye rakachena. 15  Mukanwa make makabuda bakatwa refu rakapinza+ rekutemesa marudzi, uye achaafudza netsvimbo yesimbi.+ Anotsika-tsikawo muchisviniro chewaini yekutsamwa kukuru kwaMwari Wemasimbaose.+ 16  Panguo yake yekunze, ipo pachidya chake, pakanyorwa zita rekuti, Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe.+ 17  Ndakaonawo ngirozi imire muzuva, uye yakashevedzera nenzwi guru ikati kushiri dzese dzinobhururuka nepakati pedenga:* “Uyai kuno, unganai pakudya kukuru kwemanheru kwaMwari,+ 18  kuti mudye nyama yemadzimambo nenyama yevatungamiriri vehondo nenyama yevarume vane simba+ nenyama yemabhiza neyevaya vanoatasva,+ nenyama yevanhu vese, vakasununguka nevaranda, uye vadiki nevakuru.” 19  Uye ndakaona chikara nemadzimambo enyika nemauto awo vakaungana kuti varwe neuya akatasva bhiza neuto rake.+ 20  Chikara chakabatwa, pamwe chete nemuprofita wenhema+ aiita zviratidzo pamberi pacho izvo zvaaitsausa nazvo vaya vakaiswa chiratidzo chechikara+ nevaya vanonamata mufananidzo wacho.+ Vese vari vaviri vakakandwa mugungwa remoto unopfutiswa nesarufa vari vapenyu.+ 21  Asi vamwe vese vakaurayiwa nebakatwa refu rakabuda mukanwa meuya agere pabhiza.+ Uye shiri dzese dzakaguta nenyama yavo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Panogona kunge pachireva zvishongo zvaisungwa mumusoro nemadzimambo.
Dzimwe shanduro dzinoti, “yakasaswa.”
Kana kuti “mumhepo; mudenga.”