Enda pane zvauri kuda

Zvichafamba Sei Kuti Pasi Rose Pave Nerugare?

Zvichafamba Sei Kuti Pasi Rose Pave Nerugare?

Mhinduro yeBhaibheri

 Umambo hwaMwari huchange huchitungamirirwa naKristu Jesu ndihwo huchaita kuti panyika pave nerugare, kwete zvirongwa zvinoitwa nevanhu. Ona kuti Bhaibheri rinoti chii nezvevimbiso iyi inofadza.

  1.   Mwari “anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika,” achizadzisa vimbiso yake yokuunza ‘rugare panyika kuvanhu vaanofarira!’​—Pisarema 46:9; Ruka 2:​14, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

  2.   Umambo hwaMwari huchatonga pasi rose huri kudenga. (Dhanieri 7:​14) Sezvo ichange iri hurumende imwe chete ichange ichitonga pasi rose, ichapedza urudzi uhwo hunokonzera kurwisana kwakawanda.

  3.   Jesu, Mutungamiriri weUmambo hwaMwari, anonzi “Muchinda woRugare,” uye achava nechokwadi chokuti ‘rugare haruzogumi.’​—Isaya 9:​6, 7.

  4.   Vanhu vanoda kugara vachirwa havazobvumirwi kurarama muUmambo uhwu, nokuti “mweya [waMwari] unovenga munhu wose anoda zvechisimba.”​—Pisarema 11:5; Zvirevo 2:22.

  5.   Mwari anodzidzisa vanhu vake kuti vangararama sei murugare. Bhaibheri rinoti: “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.”​—Isaya 2:​3, 4.

 Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha pasi rose ari kutodzidza kubva kuna Mwari kuti angava sei nerugare. (Mateu 5:9) Kunyange tiri vemarudzi akasiyana-siyana uye tichigara munyika dzinopfuura 230, hatishandisi zvombo kurwisa vamwe vanhu.

Zvapupu zvaJehovha zviri kudzidza nzira dzinoita kuti pave norugare