Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 19:1-30

  • Kuroorana uye kurambana (1-9)

  • Chipo chekusaroora (10-12)

  • Jesu anokomborera vana (13-15)

  • Mubvunzo wejaya rakapfuma (16-24)

  • Kusiya zvimwe zvinhu nekuda kweUmambo (25-30)

19  Jesu paakanga apedza kutaura zvinhu izvi, akabva muGarireya, akaenda kumuganhu weJudhiya mhiri kwaJodhani.+  Vanhu vazhinji vakamuteverawo ikoko, akavarapa.  Uye vaFarisi vakauya kwaari vachida kumuedza, vakamubvunza kuti: “Zvinobvumirwa nemutemo here kuti murume arambe mudzimai wake nechikonzero chese chese?”+  Akavapindura achiti: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika pakutanga akavaita munhurume nemunhukadzi+  uye akati: ‘Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake, vaviri vacho vova nyama imwe’?+  Zvekuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Saka ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”+  Ivo vakati kwaari: “Saka nei Mozisi akati murume ape mukadzi gwaro rekumudzinga nekumuramba?”+  Iye akati kwavari: “Mozisi akakubvumirai kuramba madzimai enyu nekuda kwekuoma kwemwoyo yenyu,+ asi zvakanga zvisina kudaro kubvira pakutanga.+  Ndinoti kwamuri munhu wese anoramba mudzimai wake ipo pasina upombwe* hwaitwa, akaroora mumwe, anoita upombwe.”+ 10  Vadzidzi vakati kwaari: “Kana ariwo mamiriro azvakaita pakati pemurume nemudzimai wake, zviri nani kusaroora.” 11  Iye akati kwavari: “Havasi vanhu vese vanogona kuwanira mukana mashoko acho, asi vaya vane chipo chacho chete.+ 12  Nekuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro, uye kune ngomwa dzakaitwa ngomwa nevanhu, uye kune ngomwa dzakazviita ngomwa nekuda kweUmambo hwekudenga. Regai anogona kuzviwanira mukana azviwanire mukana.”+ 13  Vana vadiki vakabva vaunzwa kwaari, kuti aise maoko ake pavari onyengetera, asi vadzidzi vakavatsiura.+ 14  Asi Jesu akati: “Siyai vana vadiki, uye musavarambidza kuuya kwandiri, nekuti Umambo hwekudenga ndehwevanhu vakadai.”+ 15  Akaisa maoko ake pavari, akabva ipapo. 16  Mumwe munhu akauya kwaari akati: “Mudzidzisi, ndezvipi zvakanaka zvandinofanira kuita kuti ndiwane upenyu husingaperi?”+ 17  Iye akati kwaari: “Unondibvunzirei pamusoro pezvinhu zvakanaka? Kune mumwe chete akanaka.+ Asi kana uchida kupinda muupenyu, ramba uchichengeta mirayiro.”+ 18  Iye akati kwaari: “Ipi yacho?” Jesu akati: “Usauraya,+ usaita upombwe,+ usaba,+ usapa uchapupu hwenhema,+ 19  kudza baba vako naamai vako,+ uye ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+ 20  Jaya racho rikati kwaari: “Ndakachengeta yese iyi; chii chasara kuti ndiite?” 21  Jesu akati kwariri: “Kana uchida kuva akakwana, enda unotengesa zvinhu zvako upe varombo uye uchava nepfuma kudenga;+ uye uya uve muteveri wangu.”+ 22  Jaya racho parakanzwa izvi, rakaenda richirwadziwa, nekuti raiva nezvinhu zvakawanda.+ 23  Jesu akabva ati kuvadzidzi vake: “Chokwadi ndinoti kwamuri, zvichange zvakaomera mupfumi kuti apinde muUmambo hwekudenga.+ 24  Ndinotizve kwamuri, zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muUmambo hwaMwari.”+ 25  Vadzidzi pavakazvinzwa, vakashamisika chaizvo, vachiti: “Chokwadi ndiani angaponeswa?”+ 26  Jesu akanyatsovatarisa ndokuti kwavari: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”+ 27  Petro akabva amupindura kuti: “Ko isu takasiya zvinhu zvese tikakuteverai, tichawanei?”+ 28  Jesu akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, pachaitwa kuti zvinhu zvese zvive zvitsva, panogara Mwanakomana wemunhu pachigaro chake cheUmambo chinobwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zveUmambo 12, muchitonga madzinza 12 aIsraeri.+ 29  Uye munhu wese akasiya dzimba kana vanin’ina kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nekuda kwezita rangu, achagamuchira izvi zvapetwa kazana uye achagara nhaka yeupenyu husingaperi.+ 30  “Asi vazhinji vekutanga ndivo vachava vekupedzisira uye vekupedzisira vachava vekutanga.+

Mashoko Emuzasi

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.