Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 15:1-39

  • Tsika dzevanhu dzinofumurwa (1-9)

  • Zvinosvibisa zvinobva mumwoyo (10-20)

  • Kutenda kwakakura kwemukadzi wechiFinikiya (21-28)

  • Jesu anorapa zvirwere zvakawanda (29-31)

  • Jesu anopa vanhu 4 000 zvekudya (32-39)

15  VaFarisi nevanyori vakabva vauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema,+ vachiti:  “Sei vadzidzi vako vasingachengeti tsika dzevanhu vekare? Semuenzaniso, havagezi maoko* avo kana vava kuda kudya.”+  Akavapindura achiti: “Sei imi muchityora mutemo waMwari nekuda kwetsika dzenyu?+  Semuenzaniso, Mwari akati, ‘Kudza baba vako naamai vako,’+ uye, ‘Munhu anotuka baba vake kana amai vake anofanira kuurayiwa.’+  Asi imi munoti, ‘Munhu wese anoti kuna baba vake kana amai: “Chese chandiinacho chandaigona kukubatsirai nacho ndakachitsaura sechipo kuna Mwari,”+  haafaniri kutombokudza baba vake.’ Saka makaita kuti shoko raMwari rishaye simba nekuda kwetsika dzenyu.+  Imi vanyengeri, regai Isaya akazoprofita nezvenyu achiti:+  ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni.  Vanoramba vachindinamata pasina, nekuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’”+ 10  Akabva ashevedza vanhu kuti vaswedere pedyo, akati kwavari: “Teererai munzwisise zvandiri kutaura:+ 11  Zvinopinda mumuromo memunhu hazvisirizvo zvinomusvibisa, asi zvinobuda mumuromo make ndizvo zvinomusvibisa.”+ 12  Vadzidzi vakabva vauya kwaari vakati: “Munoziva here kuti vaFarisi vagumbuka nezvamataura?”+ 13  Akapindura achiti: “Chinhu chese chinomera chisina kudyarwa naBaba vangu vekudenga chichadzurwa. 14  Varegei vakadaro. Ivo mapofu anotungamirira vamwe. Saka kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, ese ari maviri achawira mugomba.”+ 15  Petro akapindura achiti: “Nyatsotitsanangurirai mufananidzo wacho.” 16  Iye akati: “Nemiwo hamusati mazvinzwisisa here?+ 17  Hamuzivi here kuti zvinhu zvese zvinopinda mumuromo zvinopfuura nemudumbu uye zvinobuda zvichipinda mugomba retsvina? 18  Asi zvinhu zvese zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, uye zvinhu izvozvo ndizvo zvinosvibisa munhu.+ 19  Semuenzaniso, mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa:+ umhondi, marudzi ese eupombwe,* umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura. 20  Izvi ndizvo zvinhu zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kugezwa* hakusvibisi munhu.” 21  Achibva ipapo, Jesu akaenda kunharaunda yeTire neSidhoni.+ 22  Uye mumwe mukadzi wechiFenikiya aigara munharaunda iyoyo akabva auya, akashevedzera achiti: “Ndinzwireiwo ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mwanasikana wangu ane dhimoni riri kumutambudza.”+ 23  Asi haana kumupindura kana shoko rimwe chete. Saka vadzidzi vake vakauya, vakatanga kumukumbira vachiti: “Mudzingei, nekuti ari kuramba achititevera achishevedzera.” 24  Akapindura kuti: “Handina kutumwa kune vamwe vanhu kunze kwemakwai akarasika eimba yaIsraeri.”+ 25  Asi mukadzi wacho akasvika akamupfugamira, achiti: “Ishe, ndibatsireiwo!” 26  Akamupindura achiti: “Hazvina kunaka kutora chingwa chevana wochikandira mbwanana.” 27  Mukadzi wacho akati: “Hongu, Ishe, asi mbwanana dzinodyawo mafufu anodonha patafura yavanatenzi vadzo.”+ 28  Jesu akabva amupindura kuti: “Imi amai, chokwadi kutenda kwenyu kukuru; ngazviitike kwamuri sezvamunoda.” Uye mwanasikana wake akapora kubvira panguva iyoyo. 29  Achibva ipapo, Jesu akasvika pedyo neGungwa reGarireya,+ uye akakwira mugomo akagara imomo. 30  Vanhu vakawanda vakasvika kwaari, vaine vanhu vaikamhina, vakaremara, mapofu, mbeveve, nevamwewo vazhinji, uye vakavaisa patsoka dzake, akavarapa.+ 31  Saka vanhu vakawanda vakashamiswa, vakakudza Mwari waIsraeri pavakaona mbeveve dzichitaura, vakaremara vachiporeswa, vanokamhina vachifamba zvakanaka, uye mapofu achiona.+ 32  Asi Jesu akashevedza vadzidzi vake, akati: “Ndiri kusiririswa nevanhu ava+ nekuti vatova nemazuva matatu vaineni uye havana chavadya. Handidi kuti vaende nenzara nekuti vangaziya munzira.”+ 33  Asi vadzidzi vakati kwaari: “Chingwa chinokwana vanhu vakawanda kudai tingachiwana kupi munzvimbo ino iri kure nekunogara vanhu?”+ 34  Jesu akabva ati kwavari: “Mune chingwa chakawanda sei?” Ivo vakati: “Zvingwa zvinomwe, nehove diki shomanana.” 35  Saka pashure pekuudza vanhu kuti vagare pasi, 36  akatora zvingwa zvacho zvinomwe nehove dzacho, akaonga, akazvimedura, akatanga kupa vadzidzi, uye vadzidzi vakazvipa vanhu.+ 37  Vese vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvakasara zvikazadza matengu manomwe.+ 38  Vakadya vaiva varume 4 000, uyewo vakadzi nevana. 39  Akazoendesa vanhu vacho, akapinda muchikepe, akasvika munharaunda yeMagadhani.+

Mashoko Emuzasi

Kureva, kugeza maererano netsika dzechitendero.
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kureva, kugeza maererano netsika dzechitendero.