Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?

Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?

CHITSAUKO 37

Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?

Maka zvirevo zvinotevera kuti chokwadi kana kuti nhema:

VaKristu vanofanira kubhabhatidzwa.

□ Chokwadi

□ Nhema

Chinangwa chikuru chokubhabhatidzwa ndechokukubatsira kuti usaita chivi.

□ Chokwadi

□ Nhema

Kubhabhatidzwa kunoita kuti uwane ruponeso.

□ Chokwadi

□ Nhema

Kana usina kubhabhatidzwa, hauzvidaviriri kuna Mwari pane zvaunoita.

□ Chokwadi

□ Nhema

Kana shamwari dzako dziri kubhabhatidzwa, zvinoreva kuti newewo wagadzirira kubhabhatidzwa.

□ Chokwadi

□ Nhema

KANA uri kurarama maererano nemirayiro yaMwari, uchikudziridza ushamwari naMwari uye uchiudza vamwe zvaunotenda, unobva wangofunga nezvokubhabhatidzwa. Asi unoziva sei kana wagadzirira danho iroro? Kukubatsira kuti upindure mubvunzo iwoyo, ngatikurukurei zvirevo zviri pamusoro apa zvinoda kupindurwa kuti chokwadi kana kuti nhema.

● VaKristu vanofanira kubhabhatidzwa.

Chokwadi. Jesu akarayira kuti vadzidzi vake vabhabhatidzwe. (Mateu 28:19, 20) Kutaura zvazviri, Jesu pachake akabhabhatidzwa achizvidira. Kuti utevere Kristu, unofanira kubhabhatidzwa paunenge wakura zvakakwana zvokugona kusarudza izvozvo uye wava kunyatsoda kubhabhatidzwa.

● Chinangwa chikuru chokubhabhatidzwa ndechokukubatsira kuti usaita chivi.

Nhema. Kubhabhatidzwa chiratidzo chepachena chokuti wakazvitsaurira kuna Jehovha. Kuzvitsaurira kwako hachisi chibvumirano chinokurambidza kuita zvinhu zvawaizoda kuita muchivande. Pane kudaro, wakazvitsaurira kuna Jehovha nokuti unoda kurarama maererano nemirayiro yake.

● Kubhabhatidzwa kunoita kuti uwane ruponeso.

Chokwadi. Bhaibheri rinoti kubhabhatidzwa idanho rinokosha rokuwana ruponeso. (1 Petro 3:21) Zvisinei, izvi hazvirevi kuti kubhabhatidzwa kwakaita seinishuwarenzi yaunotenga kuti uzvidzivirire kana wapinda munjodzi. Unobhabhatidzwa nokuti unoda Jehovha uye unoda kumushumira nokusingaperi nomwoyo wako wose.—Mako 12:29, 30.

● Kana usina kubhabhatidzwa, hauzvidaviriri kuna Mwari pane zvaunoita.

Nhema. Jakobho 4:17 inoti: “Kana munhu achiziva kuita zvakarurama asi asingazviiti, iye ari kuita chivi”—pasinei nokuti akabhabhatidzwa kana kuti kwete. Saka kana uchiziva zvakarurama uye wakura zvakakwana zvokugona kunyatsofungisisa nezvoupenyu hwako, zvichida iyi ndiyo nguva yokutaura nyaya yacho nomubereki kana kuti nomumwe muKristu akura. Ukaita izvozvo, unogona kudzidza kuti ungafambira mberi sei kusvika pakubhabhatidzwa.

● Kana shamwari dzako dziri kubhabhatidzwa, zvinoreva kuti newe wagadzirirawo kubhabhatidzwa.

Nhema. Kusarudza kubhabhatidzwa kunofanira kubva pamwoyo wako unoda. (Pisarema 110:3) Unofanira kungobhabhatidzwa chete kana wava kunyatsoziva kuti kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha kunosanganisirei uye paunenge wava nechokwadi chokuti wagadzirira kuita izvi.—Muparidzi 5:4, 5.

Danho Rinochinja Upenyu

Kubhabhatidzwa idanho rinochinja upenyu rinoita kuti uwane zvikomborero zvakawanda. Panguva imwe chete, kunosanganisira basa chairo—rokurarama maererano nokuzvitsaurira kwawakaita kuna Jehovha.

Wava pedyo nokutora danho iri here? Kana zvakadaro, une chikonzero chakanaka chokufara. Wakamirirwa neropafadzo inopfuura dzose—yokushumira Jehovha nemwoyo wose uye kurarama nenzira inoratidza kuti zvechokwadi wakazvitsaurira kwaari.—Mateu 22:36, 37.

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Dzidza kuti ungava sei nezvinangwa kuitira kuti ugone kushandisa upenyu hwako nokuchenjera.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu rokufunga.VaRoma 12:1.

ZANO

Uchibatsirwa nevabereki vako, tsvaka mumwe munhu muungano anogona kukubatsira kuti ufambire mberi mune zvokunamata.—Mabasa 16:1-3.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kubhabhatidzwa chimwe chezvinhu zvinokosha zvinoumba “chiratidzo” chokuti uchapona.—Ezekieri 9:4-6.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndifambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa, ndicha- wedzera kunzwisisa kwandinoita dzidziso dzeBhaibheri dzinotevera: ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei kubhabhatidzwa riri danho rinokosha kudaro?

● Chii chingaitisa kuti wechiduku anyanye kukurumidza kubhabhatidzwa?

● Chikonzero chipi chingaita kuti wechiduku averengere nokusachenjera kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 306]

“Kuziva kuti ndakanga ndabhabhatidzwa kwakandibatsira kusarudza nokuchenjera uye kuti ndisaita chimwe chinhu chingadai chakazondipinza mutsekwende.’’—Holly

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 307]

Mibvunzo Inowanzobvunzwa Nezvorubhabhatidzo

Rubhabhatidzo runofananidzirei? Kunyudzwa mumvura uye kubudiswa zvinoreva kuti wafa muupenyu hwokuraramira kutsvaka zvaunoda uye waitwa mupenyu kuti uite zvinodiwa naJehovha.

Zvinorevei kutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha? Zvinoreva kuzviramba, uchivimbisa kuisa zvinodiwa naMwari pamberi pezvose. (Mateu 16:24) Zvakakodzera kuti uzvitsaurire nemwoyo wose kuna Jehovha mumunyengetero pane imwe nguva usati wabhabhatidzwa.

Unofanira kunge uchiitei noupenyu hwako usati wabhabhatidzwa? Unofanira kunge uchirarama maererano neShoko raMwari uye uchiudza vamwe zvaunotenda. Unofanira kunge uchikudziridza ushamwari naMwari kuburikidza nomunyengetero uye kudzidza Shoko rake. Unofanira kushumira Jehovha nokuti ndozvawakasarudza—kwete nokuti vamwe vari kuti uite izvozvo.

Pane zera here rinonzi ndiro raunofanira kubhabhatidzwa? Zera harisiro rinonyanya kukosha. Asi unofanira kunge wanyatsokura—uye uchiziva zvauri kuita—zvokuti unonzwisisa zvinoreva kuzvitsaurira.

Ko kana uchida kubhabhatidzwa asi vabereki vako vachiti umbomira? Zvichida vanenge vachida kuti umboziva zvinodiwa pakurarama kwechiKristu. Koshesa mazano avo, uye shandisa nguva ino kusimbisa ushamwari hwako naJehovha.—1 Samueri 2:26.

[Bhokisi riri papeji 308, 309]

Pepa Rokushandira

Uri Kufunga Nezvokubhabhatidzwa Here?

Ona kuti wafambira mberi zvakadini nokufunga mibvunzo uye zvirevo zviri pasi apa. Iva nechokwadi chokuverenga magwaro aripo usati wanyora mhinduro dzako.

Uri kuratidza kuvimba naJehovha munzira dzipi iye zvino?Pisarema 71:5. ․․․․․

Wakaratidza sei kuti masimba ako okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka kubva pane zvakaipa?VaHebheru 5:14. ․․․․․

Unonyengetera kakawanda sei? ․․․․․

Minyengetero yako yakajeka zvakadini, uye inoratidzei nezvokuda kwaunoita Jehovha?Pisarema 17:6. ․․․․․

Nyora pasi apa zvinangwa chero zvipi zvaungada kuva nazvo zvine chokuita neminyengetero yako. ․․․․․

Unodzidza Bhaibheri uri woga kakawanda sei?Joshua 1:8. ․․․․․

Zvii zvaunobatanidza paunodzidza uri woga? ․․․․․

Nyora pasi apa zvinangwa zvaungada kuva nazvo zvine chokuita nokudzidza uri woga. ․․․․․

Ushumiri hwako huri kubudirira here? (Mienzaniso: Ungatsanangurira vamwe dzidziso huru dzeBhaibheri here? Unodzokera kune vanhu vanofarira here? Uri kuedza kuti uve nomumwe munhu waunodzidzisa Bhaibheri here?)

□ Hungu □ Kwete

Unobuda muushumiri kunyange vabereki vako vasingabudi here?Mabasa 5:42.

□ Hungu □ Kwete

Nyora pasi apa zvinangwa chero zvipi zvaungada kuva nazvo zvine chokuita noushumiri hwako.2 Timoti 2:15. ․․․․․

Ungati kupinda kwaunoita misangano ndekwenguva dzose here kana kuti ndekweapo neapo?VaHebheru 10:25. ․․․․․

Unoitawo zvimwe zvinhu pamisangano munzira dzipi? ․․․․․

Unopinda misangano vabereki vako pavasingakwanisi here (kana vachikubvumira kudaro)?

□ Hungu □ Kwete

Ungataura kuti unofarira zvechokwadi kuita zvinodiwa naMwari here?Pisarema 40:8.

□ Hungu □ Kwete

Unganyora here kuti ndepapi nepapi pawakaramba kufurirwa nevezera rako?VaRoma 12:2. ․․․․․

Uri kuronga sei kuti kuda kwaunoita Jehovha kurambe kwakasimba?Judha 20, 21. ․․․․․

Ungashumira Jehovha kunyange vabereki vako neshamwari dzako vakarega kudaro here?Mateu 10:36, 37.

□ Hungu □ Kwete

[Mufananidzo uri papeji 310]

Kufanana nomuchato, kubhabhatidzwa idanho rinochinja upenyu—hakufaniri kurerutswa