Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—Josefa

Muenzaniso Wokutevedzera​—Josefa

Muenzaniso Wokutevedzera​—Josefa

Josefa anotarisana nenguva yakaoma. Mudzimai watenzi wake anoramba achimuteterera kuti arare naye. Iye zvino ari kuedzazve! Asi Josefa haabvumi muedzo wacho. Kutaura chokwadi, mhinduro yake yakasimba. Anoti kumukadzi wacho: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?” Paasingabvumi kuti aramba zvaanotaura, omubata, Josefa haambonyari kutiza. Chokwadi, anotiza achibuda mumba! Josefa anoratidza kuti murume ane tsika dzakanaka.Genesisi 39:7-12.

Iwewo ungatarisana nenguva apo mumwe munhu anoda kuti ubvume kugutsa zvishuwo zvako zvepabonde. Kuramba haisi nyaya yokungoti unogona kuzvidzora. Unenge uchida kufadza Musiki wako, Jehovha Mwari. Unoonaka, Josefa aiva nezvishuwo zvepabonde, sezvawakangoitawo. Zvisinei, akanga asingambofungi kugutsa zvishuwo izvozvo nenzira yaizogumbura Musiki wake. Saizvozvowo, unofanira kuva nechokwadi chokuti kusachena mutsika kunogumbura Mwari uye kuti kunoita kuti usuruvare. Saka edza kukudziridza uye kuramba uine tsika dzakanaka dzakaratidzwa naJosefa.