Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Ndisingafaniri Kuona Zvinonyadzisira?

Nei Ndisingafaniri Kuona Zvinonyadzisira?

CHITSAUKO 33

Nei Ndisingafaniri Kuona Zvinonyadzisira?

Kakawanda sei kaunosanganidzana nezvinonyadzisira usingatarisiri?

□ Handimbosangani nazvo

□ Kashoma

□ Kakawanda

Izvi unowanzosangana nazvo kupi?

□ PaIndaneti

□ Kuchikoro

□ PaTV

□ Kumwewo

Unoita sei?

□ Ndinobva ndangobvapo.

□ Kuda kuziva kunoita kuti ndimboti tarirei.

□ Ndinotarisa uye ndinototsvaka zvimwe.

VABEREKI vako pavaiva pazera rako, vanhu vaida kuona zvinonyadzisira vaitoita zvokuzvitsvaka. Mazuva ano, zvinoita sokuti zvinonyadzisira zvacho ndizvo zvinotokutsvaka. Mumwe musikana ane makore 19 anoti, “Dzimwe nguva ndinenge ndichitsvaka zvimwe zvinhu kana kuti kutenga paIndaneti kana kuti ndichitotarira masitetimendi angu okubhengi zvinonyadzisira pazvinongoerekana zvabuda! Izvi zvinoitika kakawanda. Pane kumwe kuongorora kwakaitwa, 90 muzana yevechiduku vane makore ari pakati pe8 ne16 vakataura kuti vakangoerekana vasangana nezvinonyadzisira paIndaneti—kazhinji pavaiita homuweki!

Uchifunga nezvokupararira kwazvo, ungabvunza kuti, ‘Zvinonyadzisira zvakaipa chaizvoizvo here?’ Mhinduro yacho ndihungu! Zvinonyadzisira zvinoshatisa vaya vanozviita nevaya vanozvitarira uye kazhinji zvinotungamirira pakuita unzenza. Asi zvinopfuura ipapo.

Kuona zvinonyadzisira kunogona kuva tsika ine migumisiro inokuvadza, inogara kwenguva refu. Somuenzaniso, chimbofunga nezvomumwe murume anonzi Jeff, uyo kunyange akanga ava nemakore 14 asingaoni zvinonyadzisira akabvuma kuti: “Ihondo yezuva nezuva. Chishuwo chacho chichiripo, kunyange zvazvo chaderera zvikuru. Ndichiri kuda kuzviona. Ndichiri kuona mifananidzo yacho mupfungwa dzangu. Ndinoshuva kuti dai ndisina kumbobvira ndafamba munzira iyi inosembura zvikuru. Pakutanga zvaiita sezvisingakuvadzi. Asi iye zvino ndava kuziva kuti hazvina kudaro. Zvinonyadzisira zvinokuvadza, zvakaipa uye zvinoshatisa vose vanozviita nevanozvitarira. Pasinei nezvinotaurwa nevanozvitsigira, chokwadi ndechokuti zvinonyadzisira hazvina zvazvinobatsira zvachose.”

Kuongorora Mamiriro Acho Ezvinhu

Ungadzivisa sei kungoerekana wasangana nezvinonyadzisira? Kutanga, ongorora mamiriro acho ezvinhu. Pane zvaunogara uchisangana nazvo here? Chimboona mienzaniso inotevera:

Vamwe vokuchikoro kwako vangangokutumira zvinonyadzisira here netsamba yepakombiyuta kana kuti nepaserura? Kana zvakadaro, kungava kuchenjera kuti udzime tsamba idzodzo usati wadzivhura.

Paunenge uri paIndaneti, mifananidzo inokukurudzira kuti utsvake mamwe mashoko inongoerekana yabuda here? Kuziva kuti izvi zvinoitika kungakubatsira kuti unyore mashoko chaiwo auri kuda uye ungwaririre mazwi aunotaipa pakutsvaka mashoko.

Pasi apa, nyora mamiriro ezvinhu chero api akaita kuti usangane nezvinonyadzisira.

․․․․․

Pane zvaungaita here kuti uderedze kana kuti urege kusangana nezvinhu zvakadaro? Kana zvakadaro, nyora pasi apa zvaunoronga kuita.

․․․․․

Kana Wakatopindwa Muropa

Kungoerekana wasangana nezvinonyadzisira ndeimwe nyaya asi kuzvitarisa uchida zvako ndeimwewo. Ko kana yava kutova tsika? Usambozvifurira hako—kurega muitiro uyu hakusi nyore. Kuenzanisira: Ngatitii maoko ako akamonererwa kamwe chete neshinda. Zvichida unogona kudimbura shinda yacho nokungopatsanura maoko ako. Asi ko kudai yakamonererwa kakawanda? Kuidimbura kwaizova kwakaoma zvikuru. Ndizvo zvazvakaitawo kuvanhu vane tsika yokuona zvinonyadzisira. Pavanonyanya kuzvitarisa, ndipo pavanonyanya kusungwa nazvo. Kana izvi zvikaitika kwauri, ungaita sei kuti urege kuona zvinonyadzisira?

Nzwisisa kuti zvinonyadzisira zvakaipa zvikuru. Zvechokwadi zvinonyadzisira inzira yaSatani yokushatisa chimwe chinhu chakasikwa naJehovha kuti chiremekedzwe. Kunzwisisa zvinonyadzisira seizvi kuchakubatsira kuti ‘uvenge zvakaipa.’—Pisarema 97:10.

Funga zvinoguma zvaitika. Zvinonyadzisira zvinoparadza mhuri. Zvinoita kuti vaya vanoratidzwa mazviri vatarisirwe pasi. Zvinoshatisa vaya vanozviona. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Nyora pasi apa muenzaniso mumwe chete wedambudziko ringangokuwira kana ukava netsika yokuona zvinonyadzisira.

․․․․․

Ita mhiko. “Ini ndakatsidza kuti handizotariri musikana ndichimuchiva,” akadaro murume akatendeka Jobho. (Jobho 31:1, Bhaibheri Rinoera) Zvinotevera ‘zvitsidzo’ zvaunogona kuita:

Handizoshandisi Indaneti pandinenge ndiri ndoga mumba.

Ndichabva ndangovhara mashoko anongoerekana abuda kana kuti mapeji anoratidza zvinonyadzisira.

Ndichataurira shamwari yakura kana ndikatangazve kuona zvinonyadzisira.

Ungafunga nezvechitsidzo chimwe chete kana kuti zviviri zvingakubatsira mukurwisana nokuona zvinonyadzisira here? Kana zvakadaro, zvinyore pano.

․․․․․

Nyengetera nezvenyaya yacho. Munyori wepisarema akateterera Jehovha achiti: “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.” (Pisarema 119:37) Jehovha Mwari anoda kuti ubudirire uye anogona kukupa simba rokuita zvakarurama!—VaFiripi 4:13.

Udza mumwe munhu. Kusarudza mumwe munhu waunovimba naye kazhinji idanho rinokosha pakurega tsika iyi. (Zvirevo 17:17) Nyora pasi apa zita romumwe munhu akura waunganzwa wakasununguka kutaurira nyaya yacho.

․․․․․

Iva nechokwadi chokuti unogona kubudirira mukurwisa kwaunoita kuti utambire kure nezvinonyadzisira. Kutaura zvazviri, pose paunozvidzivisa, unenge wakunda chaizvo. Udza Jehovha nezvokukunda kwacho, uye mutende kuti akupa simba iroro. Gara uchiyeuka kuti kana ukadzivisa dambudziko rezvinonyadzisira, unoita kuti mwoyo waJehovha ufare!—Zvirevo 27:11.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori.VaKorose 3:5.

ZANO

Iva nechokwadi chokuti kombiyuta yako yakaitwa kuti isabudisa zvinonyadzisira zvepaIndaneti. Uyewo, usangovhura tsamba dzakanyorwa nevanhu vausingazivi.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kunyanya kuda zvinonyadzisira hakuna kumbosiyana nokunyanya kuda zvepabonde kwaiitwa nemidzimu yakaipa yomuzuva raNoa.—Genesisi 6:2.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndizvidzivirire pakuona zvinonyadzisira, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Zvinonyadzisira zvinoshatisa sei chimwe chinhu chinoremekedzwa?

Ungabatsira sei mwana waamai vako ane dambudziko rokuona zvinonyadzisira?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 278]

“Ndisati ndadzidza Bhaibheri, ndakanga ndashandisa chaizvo zvinodhaka zvinenge zvose zvinozivikanwa. Asi pane zvose zvakandipinda muropa, zvinonyadzisira ndizvo zvakanga zvakanyanya kundiomera kuzvirega. Ndakakwanisa kukunda dambudziko iri ndichibatsirwa naJehovha.’’—Jeff

[Mufananidzo uri papeji 276]

Kuona zvinonyadzisira kunoita kuti unzwe uchida kuona zvimwe—ukazviona kakawanda, kuzvirega kunowedzerawo kuoma