Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—Asafi

Muenzaniso Wokutevedzera​—Asafi

Muenzaniso Wokutevedzera​—Asafi

Asafi ari panguva yakaoma muupenyu hwake. Pose paanofamba anoona vanhu vachityora mitemo yaMwari uye vachiita sevasingarangwi! Saka Asafi zvinomunetsa kana kuedza kufadza Mwari kuchikosha. Anoti, “Chokwadi ndakachenesa mwoyo wangu pasina uye ndakageza maoko angu mukusava nemhosva pasina.” Zvisinei, pashure pokunge afungisisa nyaya yacho, Asafi anochinja pfungwa dzake. Anonzwisisa kuti mufaro wevakaipa ndowenguva pfupi. Asafi anogumisa kuti kudini? Anoudza Jehovha murwiyo achiti: “Handina chimwe chandinofarira panyika kunze kwenyu.”—Pisarema 73:3, 13, 16, 25, 27.

Zvichida dzimwe nguva zvinombokunetsa kana kurarama maererano nemirayiro yaMwari kuchikosha. Asi ita saAsafi, uye usavhiringidzika nokufunga kuti vanhu vakaipa vari kufara. Chimbofunga kuti zvinhu zvakamira sei kune vaya vasina kuteerera mitemo yaJehovha. Vane rugare zvechokwadi here? Vakawana imwe nzira inoita kuti vafare isingazivikanwi nevaya vakatendeka kuna Mwari here? Pashure pokunge wafungisisa nezvenyaya yacho, hapana mubvunzo kuti uchanzwa uchida kudzokorora mashoko aAsafi anoti: “Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.”—Pisarema 73:28.