Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—Ridhiya

Muenzaniso Wokutevedzera​—Ridhiya

Muenzaniso Wokutevedzera​—Ridhiya

Kunyange zvazvo achangobva kutendeuka, Ridhiya anotanga kuratidza mutsa kuna Pauro neshamwari dzake. (Mabasa 16:14, 15) Saka ane ropafadzo yokutandara nevadzidzi ava. Pavanobudiswa mujeri, Pauro naSirasi vanoenda kupi? Vanobva vadzokera kumba kwaRidhiya!—Mabasa 16:40.

Kufanana naRidhiya, ungatanga here kuziva vamwe? Ungazviita sei? Tanga nokutora matanho maduku. Edza kutaura nomunhu mumwe chete panguva. Unogona kuvavarira kutanga kutaura nomunhu mumwe chete pose paunopinda musangano wechiKristu. Nyemwerera. Kana uchishaya kuti wotii, bvunza mibvunzo kana kuti taurira vamwe nezvoupenyu hwako. Iva muteereri akanaka. Nokufamba kwenguva, ungazonzwa wakasununguka kutaura zvakawanda. Vanhu vanowanzofarira kuudzwa mashoko anobva pamwoyo anoratidza mutsa uye anofadza. (Zvirevo 16:24) Ridhiya akakomborerwa nokuva neshamwari dzakanaka pamusana pokuva noushamwari uye kuva nomutsa. Kana ukatevedzera muenzaniso wake, iwe uchakomborerwawo!