Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Zvitendero zvose zvinofadza Mwari here?

Pawaiteerera nhau dzemunyika yose, zvichida wakaona kuti dzimwe nguva vanhu vanoita zvakaipa vachihwanda nechitendero. Hazvisi zvitendero zvose zvinofadza Mwari wechokwadi. (Mateu 7:15) Zvechokwadi vanhu vakawanda vari kutsauswa.—Verenga 1 Johani 5:19.

Kunyange zvakadaro, Mwari anofunga nezvevanhu vanoda chokwadi uye vanoda kuita zvakanaka. (Johani 4:23) Mwari ari kukoka vanhu vakadaro kuti vadzidze chokwadi chiri muShoko rake, Bhaibheri.—Verenga 1 Timoti 2:3-5.

Ungaziva sei chitendero chechokwadi?

Jehovha Mwari ari kubatanidza vanhu vakabva muzvitendero zvakasiyana-siyana nekuvadzidzisa chokwadi uye kudanana. (Mika 4:2, 3) Saka unogona kuona vari muchitendero chechokwadi nemabatiro avanoita vamwe vanhu.—Verenga Johani 13:35.

Jehovha Mwari ari kuita kuti vanhu vemarudzi ose vabatane achishandisa kunamata kwechokwadi.—Pisarema 133:1

Vanamati vechokwadi vanoita kuti zvavanotenda uye mararamiro avo zvienderane nezviri muBhaibheri. (2 Timoti 3:16) Vanokudzawo zita raMwari. (Pisarema 83:18) Uye vanotsigira kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchapedza matambudziko evanhu. (Dhanieri 2:44) Vanotevedzera Jesu nokuita kuti ‘chiedza chavo chivheneke,’ vachiitira vavakidzani vavo zvakanaka. (Mateu 5:16) Naizvozvo, vaKristu vechokwadi vanozivikanwa nekushanyira vavakidzani vavo kuti vavaudze mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.—Verenga Mateu 24:14; Mabasa 5:42; 20:20.