Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndakarwa Hondo Yangu Ndega Yekurwisa Udzvinyiriri Uye Chisimba

Ndakarwa Hondo Yangu Ndega Yekurwisa Udzvinyiriri Uye Chisimba
  • GORE ROKUBEREKWA: 1960

  • NYIKA: LEBANON

  • NHOROONDO YOUPENYU: SHASHA YEKUNG FU

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakakurira muguta reRmaysh, riri pedyo nemuganhu weIsrael neLebanon panguva yairwiwa hondo yevagari vemo. Ndinoyeuka vanhu vasina mhosva vainge vasisina dzimwe nhengo dzemiviri uye kuputika kwaiita zvimbambaira. Upenyu hwainge hwakaoma, uye kuparwa kwemhosva nechisimba zvainge zvakapararira.

Mhuri yedu yaipinda chechi inonzi Maronite, imwe yemachechi eRoma anodanwa kuti Eastern Catholic Churches. Baba vaigara vakabatikana nebasa kuti variritire mhuri yedu yaiva nevanhu 12, asi amai vaiva nechokwadi kuti isu tose taienda kuchechi. Nokufamba kwenguva, ndakatanga kuona sokuti chechi yainge ichikundikana kutsigira vaya vaida kubatsirwa, kungofanana nezvaingoitwawo nevanhuwo zvawo.

Pandakanga ndava mumakore okuyaruka, ndakatanga kufarira kung fu. Ndakanyatsodzidziswa kusvika ndava nyanzvi pakurova ndichishandisa maoko nemakumbo uye pakushandisa zvombo zvakasiyana-siyana. Ndaingoti nechomumwoyo, ‘Handigoni hangu kumisa hondo, asi ndinogona kumbomira-mira kuti ndimise vanhu vane chisimba.’ Pandaingoona vanhu vaviri vachirwa, ndaipindirawo. Ndaikurumidza kushatirwa. Vanhu vose vaigara kumaodzanyemba kweLebanon vainditya, nokuti ndairwa hondo yangu ndega yekurwisa udzvinyiriri uye chisimba.

Muna 1980, ndakabatana neimwe kirabhu yaiita zvekung fu yaiva muBeirut. Mabhomba nezvimwe zvaiputika zvaidonha zuva rega rega, asi ini ndaingoenda kunodzidzira kung fu. Upenyu hwangu hwaingova hwokudya nekurara, uye ndairarama saBruce Lee wekuAmerica asi ari werudzi rwechiChinese uyo aiva mutambi uye nyanzvi yekung fu. Ndaitevedzera magadziriro ake ebvudzi, mafambiro uye kushevedzera kwaaiita achitamba kung fu. Ndaingogara ndakati kwindi.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Chinangwa changu chaiva chokuva nyanzvi yekung fu muChina. Mumwe musi manheru, pandaidzidzira zvakasimba ndichigadzirira kuenda kuChina, ndakanzwa kugogodza pasuo. Shamwari yangu yainge yauya neZvapupu zvaJehovha zviviri. Ndainge ndakapfeka sutu yangu nhema yekung fu, ndichidikitira muviri wose, uye ndakavaudza kuti, “Handina chandinoziva nezveBhaibheri.” Handina kumbofunga kuti kubva ipapo upenyu hwangu hwaizochinja.

Zvapupu zvacho zvakashandisa Bhaibheri kundiratidza kuti nei vanhu pachavo vasingagoni kupedza udzvinyiriri nechisimba zvachose. Vakatsanangura kuti Satani Dhiyabhorosi ndiye honzeri chaiyo yematambudziko akadaro. (Zvakazarurwa 12:12) Ndakafarira runyararo uye chivimbo zvairatidzwa neZvapupu zvacho. Uye ndakabayiwa mwoyo pavakandidzidzisa kuti Mwari ane zita. (Pisarema 83:18) Vakandiratidzawo 1 Timoti 4:8, inoti: “Kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kuzvipira kuna Mwari kunobatsira muzvinhu zvose, zvakuine chipikirwa choupenyu huno nohuya huchauya.” Mashoko iwayo akanyatsondibatsira chaizvo.

Zvinosuruvarisa kuti handina kuzomboonanazve neZvapupu zvacho nokuti vemumhuri mangu vakavarambidza kudzoka. Kunyange zvakadaro, ndakasarudza kurega zvekung fu, ndokutsunga kutanga kudzidza Bhaibheri. Vakoma nevanin’ina vangu havana kufara nazvo, asi ndainge ndakatsunga kuwanazve Zvapupu zvaJehovha kuti vandidzidzise Bhaibheri.

Ndakaramba ndichitsvaka Zvapupu asi handina kuzviwana. Panguva iyoyo ndakasuruvara zvikuru nekufa kwakangoerekana kwaita baba vangu, uyewo nekuda kwemamwe matambudziko emhuri. Ndakanga ndava kushanda pakambani yokuvaka, uye rimwe zuva mumwe wandaishanda naye anonzi Adel akandimisa ndokubvunza chaiita kuti ndisuruvare. Akatanga kutaura nezvetariro yekumutswa kwevakafa iri muBhaibheri. Kwemwedzi 9 yakatevera, Chapupu ichi chaiva nerudo uye mutsa chakaramba chichidzidza neni Bhaibheri.

Sezvandairamba ndichidzidza ndakatanga kuona kuti ndaifanira kuchinja unhu hwangu zvikuru. Zvaisava nyore. Ndainge ndisingatani kugumbuka. Bhaibheri rakandidzidzisa kudzora hasha uye kusangogumburwa nezvinhu zvese zvese. Somuenzaniso, pana Mateu 5:44 pane zano raJesu rokuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” Uye VaRoma 12:19 inonyevera kuti: “Musatsiva, . . . nokuti zvakanyorwa kuti: ‘“Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza,” anodaro Jehovha.’” Magwaro iwayo nemamwe akandibatsira zvishoma nezvishoma kuti ndive nerugare.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Pakutanga vemumhuri mangu vaimboshora chisarudzo changu chokudzidza Bhaibheri, asi iye zvino vava kuremekedza Zvapupu. Munin’ina wangu akatobatana neni pakunamata Jehovha, uye Amai vakasvika pakufa vachitsigira zvatinotenda vamwe pavanoshora.

Ndakakomborerwawo kuva nemudzimai akanaka, uye akavimbika, Anita, wandinoparidza naye maawa anosvika 70 pamwedzi. Kubva mugore ra2 000, tiri kugara muguta reSweden rinonzi Eskilstuna, uye tinobatsira vanhu vanotaura chiArabic kudzidza Bhaibheri.

Ndichiri kungorwadziwa pandinoona vanhu vanotambura pamusana pechisimba. Asi kuziva chinozvikonzera, uye kuti Mwari achakurumidza kuzvigumisa, kunondipa mufaro uye rugare chairwo.—Pisarema 37:29.

Ini nemudzimai wangu tiri kufara zvikuru kuita basa rokuparidza. Tinoda kudzidzisa vamwe nezvaJehovha