Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | MWARI ANE HANYA NEWE HERE?

Mwari Anokunzwisisa

Mwari Anokunzwisisa

“Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva.”—PISAREMA 139:1.

“Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa.”—PISAREMA 139:16

CHINOITA KUTI VAMWE VASAVA NECHOKWADI: Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari anongoona vanhu sevatadzi, vasina kuchena uye vasina kukodzera kufungwa naye. Mukadzi anonzi Kendra, uyo akanga akaora mwoyo, akazvipa mhosva nokuti akanga asiri kunyatsoita zvinodiwa naMwari. Nokudaro akati, “Ndakarega kunyengetera.”

ZVINODZIDZISWA NESHOKO RAMWARI: Jehovha haangooni zvaunotadza chete asi anonzwisisawo zvauri chaizvo. Bhaibheri rinoti, “Anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” Kupfuura izvozvo, haatiitiri “maererano nezvivi zvedu,” asi anotikanganwira nengoni patinopfidza.—Pisarema 103:10, 14.

Funga nezvaDhavhidhi, mambo wevaIsraeri ambotaurwa munyaya yokutanga. Akanyengetera kuna Mwari achiti: “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, Uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu . . . Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu.” (Pisarema 139:16, 23) Dhavhidhi aiva nechokwadi kuti kunyange zvazvo akambotadza zvakakomba, Jehovha ainzwisisa kupfidza kwaaiita mumwoyo make.

Jehovha anokunzwisisa kupfuura chero munhu upi zvake. Bhaibheri rinoti, “Munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Mwari anoziva zvinoita kuti uite zvaunoita, anoziva kuti zvimwe zvacho wakangoberekwa uinazvo, zvimwe zvinobva pamakuriro awakaita, nzvimbo yaunogara, uye unhu hwako. Anoona uye anokoshesa zvaunoedza kuita, kunyange zvazvo uchitadza.

Mwari anokunyaradza sei achishandisa ruzivo irworwo?