Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungaitei Kuti Uzorarama Nekusingaperi?

Ungaitei Kuti Uzorarama Nekusingaperi?

MARARAMIRO atiri kuita mazuva ano handiwo aidiwa naMwari. Nyika yaifanira kunge yakazara nevanhu vanoda kutongwa neMusiki wedu uye vanoratidza unhu hwake hwakanaka. Mwari aida kuti vararame vachifara nemhuri dzavo, vachidzidza zvinhu zvitsva uye vachiita kuti nyika yese ive paradhiso.

MWARI ANOVIMBISA KUTI ACHAGADZIRISA ZVINHU PANYIKA

  • “Ari kugumisa hondo munyika yese.”​Pisarema 46:9.

  • “Nguva yakasarudzwa yakasvika . . . yekuti muparadze vari kuparadza nyika.”​Zvakazarurwa 11:18.

  • “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”​Isaya 33:24.

  • “Vanhu vandakasarudza vachanyatsofadzwa nebasa remaoko avo.”​Isaya 65:22.

Uprofita uhwu huchazadziswa sei? Mwari akagadza Mwanakomana wake, Jesu, kuti ave Mambo wehurumende yekudenga ichatonga nyika. MuBhaibheri, hurumende iyi inonzi Umambo hwaMwari. (Dhanieri 2:44) Bhaibheri richitaura nezvaJesu rinoti: “Mwari achamupa chigaro . . . , uye achava Mambo.”​—Ruka 1:32, 33.

Jesu paaiva panyika akaita zvishamiso zvakawanda kuti aratidze kuti paachange ava Mambo achagadzirisa zvinhu.

JESU AKARATIDZA ZVAACHAITIRA VANHU VANOTEERERA

  • Akarapa zvirwere zvakasiyana-siyana, achiratidza kuti achabvisa urwere hwese.​Mateu 9:35.

  • Akadzikamisa gungwa, achiratidza kuti achadzivirira vanhu panjodzi dzinongoitika dzega.​Mako 4:36-39.

  • Akapa zviuru zvevanhu zvekudya, achiratidza kuti mune ramangwana hapana achafa nenzara.​Mako 6:41-44.

  • Akachinja mvura kuva waini pamuchato, achiratidza kuti achaita kuti vanhu vafare mune ramangwana.​Johani 2:7-11.

Kuti uzorarama upenyu uhwu hwatiri kurongerwa naMwari, unofanira kuitei? Pane “mugwagwa” waunofanira kufamba nawo. Bhaibheri rinouti ‘mugwagwa wakatetepa, unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vari kuuwana.’​—Mateu 7:14.

MAWANIRO ATINGAITA MUGWAGWA UNOENDA KUUPENYU

Chii chinonzi mugwagwa unoenda kuupenyu? Mugwagwa unoenda kuupenyu unoreva zvese zvatinonzi naMwari tiite. Anoti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa zvinokubatsira, Iye anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Ukafamba nenzira iyi uchawana upenyu husingaperi.

Jesu akati: “Ndini nzira nechokwadi neupenyu.” (Johani 14:6) Kana tikatevedzera zvaaidzidzisa uye zvaaiita tichakwanisa kuva pedyo naMwari uye izvozvo zvichaita kuti tizowana upenyu husingaperi.

Mugwagwa unoenda kuupenyu ungauziva sei? Kune machechi akawanda, asi Jesu akati: “Haasi munhu wese anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muUmambo hwekudenga, asi uya chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.” (Mateu 7:21) Akataurawo kuti: “Muchavaziva nemichero yavanobereka.” (Mateu 7:16) Bhaibheri rinogona kukubatsira kuziva manamatiro anodiwa naMwari neaasingadi.​—Johani 17:17.

Ungaitei kuti ufambe mumugwagwa unoenda kuupenyu? Unofanira kudzidza nezvemunhu akapa vanhu vese upenyu: Ndiani? Anonzi ani? Ane unhu hwakaita sei? Zvii zvaari kutiitira? Anoda kuti tiitei? *

Mwari haana kusika vanhu kuti vangogumira pakushanda, kudya, kutamba kana kuva nevana. Takasikwa tiine chido chekumunamata uye kuva pedyo naye. Tinoratidza kuti tinomuda nekuita zvaanoda. Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi.”​—Johani 17:3.

MWARI ANOSHANDISA BHAIBHERI KUKUDZIDZISA ZVINHU “ZVINOKUBATSIRA.”​—ISAYA 48:17

DANHO REKUTANGA RAUNOFANIRA KUTORA

Paunoziva zvinodiwa naMwari unogona kuona kuti pane zvinhu zvaunofanira kuchinja muupenyu. Unogona kuona sekuti kuzviita kwakaoma. Asi ndizvo zvinongoitika kana uchitanga chinhu chitsva. Nekufamba kwenguva unozoona kuti unenge wagona kana ukasarudza kufamba nemugwagwa uyu. Kana uchida kuziva mhinduro dzemibvunzo ine chekuita naMwari, taura neZvapupu zvaJehovha. Iwe ndiwe unovaudza nguva nenzvimbo yaunoda kudzidza uye havabhadharisi. Unogona kutibata pawebsite yedu inonzi www.isa4310.com.