Enda pane zvauri kuda

Upenyu Uye Rufu

Upenyu

Tinoraramirei?

Wakambozvibvunza here kuti, ‘Tinoraramirei?’ Ona kuti Bhaibheri rinopindura sei mubvunzo uyu.

Mwari Anoda Kuti Ndiitei Neupenyu Hwangu?

Unoda chiratidzo here kana kuti kurotswa kuti uzive kuti uzive zvinodiwa naMwari? Ona mhinduro yacho muBhaibheri.

Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?

Bhaibheri rinovimbisa kuti vanhu vanoita kuda kwaMwari vachararama nekusingaperi. Chimboona zvinhu zvitatu zvaanoda kuti tiite.

Chii Chinonzi Mweya?

Chinhu chiri mauri here? Chicharamba chichirarama kana wafa here?

Ndivanaani Vane Mazita Ari “Mubhuku Roupenyu”?

Mwari akavimbisa kuti achayeuka vanhu vakatendeka kwaari. Zita rako riri “mubhuku roupenyu” here?

Rufu

Nei Vanhu Vachifa?

Mhinduro yeBhaibheri pamubvunzo uyu inonyaradza uye inopa tariro.

Kana Munhu Akafa Anoendepi?

Vakafa vanoziva zviri kuitika here?

Bhaibheri Rinotii Nezvekupisa Zvitunha?

Ndedzipi dzimwe nzira dzekuviga chitunha dzinobvumirwa?

Bhaibheri Rinogona Kubatsira Sei Vanhu Vanofunga Kuzviuraya?

Bhaibheri ringabatsira sei munhu ane pfungwa dzekuda kuzviuraya?

Ungakurira Sei Dambudziko Rokutya Rufu?

Unogona kunakidzwa noupenyu kana ukasanyanya kutya rufu.

Vamwe Vanoti Ndakanga Ndafa Ndikazomutswa. Ichokwadi Here?

Zvinhu izvi zvinoratidza kuti kune humwe upenyu here? Nyaya iri muBhaibheri inotaura nezvekumutswa kwaRazaro inotibatsira kunzwisisa zvinhu izvi.

Munhu Ane Zuva Rokufa Raakatarirwa Here?

Nei Bhaibheri richiti ‘pane nguva yokufa’?

Bhaibheri Rinotii Nezvekuuraya Munhu Anenge Arwarisa?

Ko kana munhu wacho anyanyisa kurwara? Munhu anofanira kuedza kurebesa upenyu hwake here achitoona hake kuti hapasisina upenyu?

Denga Uye Hero

Chii Chinonzi Denga?

Sekushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri, shoko racho rine zvinhu zvitatu zvarinoreva.

Ndivanaani Vanoenda Kudenga?

Vakawanda vanofunga kuti vanhu vese vakanaka vachaenda kudenga. Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo?

Hero Iriko Zvechokwadi Here? Shoko Rekuti Hero Rinorevei muBhaibheri?

Vanhu vakawanda vanofunga kuti hero inzvimbo ine moto usingadzimi uye vanhu vakaipa vanorangwa imomo. Asi ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri here?

Ndiani Anoenda Kuhero?

Vanhu vakanaka vanoenda kuhero here? Munhu anogona kubuda muhero here? Hero icharamba iriko nokusingaperi here? Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyi.

Chii Chinonzi Gungwa Romoto? Rakafanana Here Nehero Kana Kuti Gehena?

Jesu ane “makiyi ehero,” asi ane kiyi yegungwa romoto here?

Mupfumi naRazaro Vaiva Vanaani?

Nyaya yakataurwa naJesu inodzidzisa here kuti vanhu vakanaka vachaenda kudenga uye vakaipa vachapiswa mumoto?

Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?

MuBhaibheri hapana panotaurwa kuti mhuka dzinoenda kudenga.

Kumuka Kwevakafa

Zvinorevei Kuti Vakafa Vachamutswa?

Uchashamiswa pauchaziva kuti ndivanaani vachamutswa.