Enda pane zvauri kuda

Ndiani Anoenda Kuhero?

Ndiani Anoenda Kuhero?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hero (“Sheori” uye “Hadhesi” mumitauro yakatanga kushandiswa pakunyora Bhaibheri) iguva kwete nzvimbo yokupisira vanhu. Ndiani anoenda kuhero? Vanhu vakanaka nevakaipa. (Jobho 14:13; Pisarema 9:17) Bhaibheri rinoti, guva iri rinoenda vanhu vose “imba yokusanganira yevanhu vose vapenyu.”—Jobho 30:23.

 Jesu paakafa akaendawo kuhero. Asi “haana kuramba ari muhero,” nokuti Mwari akamumutsa.​—Mabasa 2:31, 32, The Bible in Basic English.

Hero icharamba iriko nokusingaperi here?

 Jesu achishandisa simba raMwari achamutsa vanhu vose vari muhero. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Uprofita huri pana Zvakazarurwa 20:13 huchitaura nezvekumutswa kwevanhu mune ramangwana hunoti, “rufu nehero zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” (King James Version) Hero paichabudisa vakafa vanenge vari mairi kuchasara kusisina chinonzi hero nokuti kunenge kusisina rufu.​—Zvakazarurwa 21:3, 4; 20:14.

 Asi haasi munhu wose anoenda kuhero kana afa. Bhaibheri rinoratidza kuti vamwe vanhu vakanyura pakuita zvinhu zvakaipa zvokuti havadi kuchinja mararamiro avo. (VaHebheru 10:26, 27) Vanhu vakadaro pavanofa, vanoenda kuGehena kwete kuhero, uye Gehena chiratidzo chokuparadzwa zvachose. (Mateu 5:29, 30) Somuenzaniso Jesu akaratidza kuti vamwe vatungamiriri vezvitendero vakararama panguva yaaiva pano pasi vakanga vachizoenda kuGehena.​—Mateu 23:27-33.