Jobho 14:1-22

  • Jobho anoenderera mberi achipindura (1-22)

    • Munhu anorarama kwenguva pfupi uye achitambura (1)

    • “Kunyange muti une tariro” (7)

    • “Dai manga mandivanza henyu muGuva!” (13)

    • “Kana munhu akafa, angararamazve here?” (14)

    • Mwari achasuwa basa remaoko ake (15)

14  “Munhu akaberekwa nemukadzi,Anorarama kwenguva pfupi+ uye akamomoterwa nenhamo.+   Anobuda seruva, osvava;*+Anotiza semumvuri, onyangarika.+   Chokwadi, ziso renyu rinoramba rakamutarisa,Uye munoita kuti auye kudare kuti mutonganiswe naye.*+   Ndiani angabudisa munhu akachena pamunhu asina kuchena?+ Hapana angazvigona!   Kana mazuva aachararama akasarudzwa,Ndimi munoziva kuwanda kwemwedzi yake;Makamuisira muganhu kuti arege kuudarika.+   Bvisai maziso enyu paari kuti azorore,Kusvikira apedza zuva rake sezvinoita munhu wemaricho.+   Nekuti kunyange muti une tariro. Kana ukatemwa, iwo uchatungirazve,Uye nhungirwa dzawo dzicharamba dzichikura.   Kana mudzi wawo ukakurisa uri muvhuUye chigutsa chawo chikafira muvhu,   Pachinongonzwa kunhuhwirira kwemvura, chichatungira;Uye chichabudisa mapazi semuti mutsva. 10  Asi munhu anofa, orara asisina chaanokwanisa;Munhu paanofa, anenge aenda kupi?+ 11  Mvura inonyangarika mugungwa,Uye rwizi runopwa, rwooma. 12  Munhu anorarawo pasi uye haamuki.+ Havazomuki kusvikira denga risisiko,Uyewo havazomutswi pahope dzavo.+ 13  Haiwa, dai manga mandivanza henyu muGuva,*+Dai manga mandivanza kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura,Dai manga manditemera nguva, mozondiyeuka!+ 14  Kana munhu akafa, angararamazve here?+ Ndichamirira mazuva ese ebasa rangu rekumanikidzwa,Kusvikira ndasunungurwa.+ 15  Muchashevedza, uye ndichakupindurai.+ Muchasuwa basa remaoko enyu. 16  Asi iye zvino muri kuramba muchiverenga nhanho yangu imwe neimwe;Munongotsvaga chivi changu chete. 17  Kudarika kwangu kwanamirwa muhomwe,Uye manama chivi changu neguruu. 18  Sekuwa kunoita gomo ropararaUye sedombo rinobviswa panzvimbo paro, 19  Sekuchera kunoita mvura matomboUye sekuyerera kwainoita ichikukura ivhu,Imi makaparadza tariro yemunhu. 20  Munoramba muchimukurira kusvikira aparara;+Munoshandura zvaanenge ari, momudzinga. 21  Vanakomana vake vanokudzwa, asi iye haazvizivi;Vanoshoreka, asi iye haazvizivi.+ 22  Anongorwadziwa paanenge achiine nyama yake chete;Anongochema* paanenge achiri mupenyu chete.”

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “ochekwa.”
Kana kuti “ndiuye kudare kuti mutonganiswe neni.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Mweya wake unongochema.”