Enda pane zvauri kuda

Vamwe Vanoti Ndakanga Ndafa Ndikazomutswa. Ichokwadi Here?

Vamwe Vanoti Ndakanga Ndafa Ndikazomutswa. Ichokwadi Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Vanhu vakawanda vanotaura izvi vanoti mweya yavo yakanga yaparadzana nenyama kana kuti vaiona chiedza chakajeka kana kuti imwe nzvimbo yakanaka chaizvo. ‘Vamwe vanoti kuona zvinhu izvi chikomborero chisingawanikwi nemunhu wose wose nokuti vakaona imwe nzvimbo inorarama vanhu,’ rinodaro bhuku rinonzi Recollections of Death. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri nezvezvinhu izvi zvinonzi zvinoonekwa nevanhu, rine chokwadi chinoratidza kuti zvinoonekwa izvozvo hazviratidzi kuti kune humwe upenyu kana munhu achinge afa.

Vakafa havana chavanoziva.

Bhaibheri rinotaura kuti vakafa “havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Patinofa hatiendi kune imwe nzvimbo kana kuona zvimwe zvinhu, asi kuti tinenge tisisipo. Dzidziso yokuti mweya haufi haibvi muBhaibheri. (Ezekieri 18:4) Saka zvose zvinotaurwa nevanhu vanoti vakafa vakamuka hazviratidzi zvakaita kudenga, gomba remoto kana kuti humwe upenyu.

Razaro paakamutswa pane zvaakataura here nezvekufa kwake?

Nyaya iri muBhaibheri yaRazaro inotsanangura zvinonyatsoitika munhu paanofa: Akamutswa naJesu pashure pokunge afa kwemazuva mana. (Johani 11:38-44) Kudai Razaro akanga ava kurarama humwe upenyu hwakanaka, hwaizova utsinye kuti Jesu amumutse kuti araramazve pasi pano. Bhaibheri hariratidzi kuti Razaro ane zvaakataura zvine chokuita nehumwe upenyu hwaakanga ava kurarama. Kudai kuri kuti Razaro akararama humwe upenyu pashure pokunge afa angadai akataura. Chinonakidza panyaya iyi ndechokuti Jesu akafananidza rufu rwaRazaro nokurara, kuratidza kuti Razaro paakanga akafa hapana chaaiziva.​—Johani 11:11-14.