Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | VAKAFA VACHARARAMAZVE HERE?

Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?

Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?

“Ndaifunga kuti munhu paanofa anogona kuenda kunzvimbo nhatu, kungava kudenga, kuhero kana kuti kunzvimbo inoenda vanhu kunotongwa vachicheneswa vasati vaenda kudenga. Ndaiziva kuti ndakanga ndisingakodzere kuenda kudenga kana kuti kuhero. Zvaindiomera kunzwisisa kuti nzvimbo inonzi inotongwa vanhu vasati vaenda kudenga yakanyatsoita sei. Handina kumbosangana nezvinhu zvakadaro muBhaibheri. Zvaingo- taurwawo nevanhu.”—Lionel.

“Ndakadzidziswa kuti munhu wese paanofa anoenda kudenga, asi ndaisava nechokwadi nazvo. Ndaifunga kuti munhu paanofa ndipo panoperera zvese, hapana zvekuti achararamazve.”—Fernando.

Wakambozvibvunzawo here kuti: ‘Chii chaizvo chinoitika kumunhu paanofa? Hama neshamwari dzedu dzakafa dziri kutambura dziri kune imwe nzvimbo here? Tichazombodzionazve here? Tingaziva sei chokwadi panyaya idzi?’ Ngationei chokwadi chinodzidziswa neMagwaro. Ngatitangei nekuongorora zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro perufu. Zvadaro tichazoona kuti Shoko raMwari Bhaibheri rinotipa tariro yei.

Chii chinoitika kumunhu paanofa?

MHINDURO YEBHAIBHERI: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva, havasisina kana mubayiro, nokuti zvose zvingayeukwa nezvavo zvakanganwika. Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose, nokuti muSheori, iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” *Muparidzi 9:5, 10.

Munhu paanofa anoenda muSheori. Shoko rekuti Sheori harirevi nzvimbo chaiyo, asi rinongoreva kuti kana munhu afa anenge asisina chero chaanoziva uye asisakwanise kuita chero chii zvacho. Murume akatendeka Jobho ainzwisisa sei chinonzi Sheori? Ainge arasikirwa nezvinhu zvake zvose pamwe chete nevana vake zuva rimwe chete, uye akazova nemamota airwadza ainge akazara muviri wose. Akateterera Mwari achiti: “Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori, kudai maizondichengeta ndakavanzika.” (Jobho 1:13-19; 2:7; 14:13) Zviri pachena kuti Jobho akanga asingafunge kuti Sheori kana kuti guva inzvimbo inopiswa vanhu, yaizoita kuti marwadzo ake awedzere. Asi aiziva kuti iyi inzvimbo yaizoita kuti azorodzwe pamatambudziko.

Pane chimwewo chinotibatsira kuziva kuti chii chinoitika kumunhu paanofa. Tinogona kuongorora nyaya dzevanhu 8 vakamutswa kubva kuvakafa vanotaurwa muMagwaro.—Ona bhokisi rakanzi “ Vanhu 8 Vakamutswa Vanotaurwa muBhaibheri.”

Pavanhu ivavo vakamutswa, hapana akataura kuti aiva kune imwe nzvimbo yaaifara kana kuti yaaitambudzwa. Dai paine akaenda kunzvimbo yakadaro, paakamutswa angadai asina kuzvitaura here? Nyaya yacho ingadai isina kunyorwa muBhaibheri kuti vanhu vese vazive here? Hapana patinoverenga zvinhu zvakadaro muMagwaro. Zviri pachena kuti pavanhu 8 ivavo, hapana kana mumwe wavo akataura nezvenyaya iyi. Nemhaka yei? Nokuti hapana chavaiziva. Vainge vakangofanana nemunhu akafa nehope. Mamwe mavhesi emuBhaibheri anotoratidza kuti kufa kwakafanana nekurara. Somuenzaniso, Dhavhidhi naStefani avo vainge vakatendeka, vanonzi ‘vakarara murufu.’—Mabasa 7:60; 13:36.

Vakafa vachararamazve here? Vachamuka here muhope idzi?

^ ndima 7 MuBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, Shoko rechiHebheru rekuti “Sheori” uye rechiGiriki rekuti “Hadhesi” anoreva “guva.” Mamwe maBhaibheri anoshandisa shoko rekuti “hero,” asi pfungwa yekuti iyi inzvimbo inotambudzwa vanhu vachiita zvekupiswa haisi muMagwaro.