Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinodzidzisa Here Kuti Kana Munhu Afa Anozoberekwazve Ava Nemumwe Muviri?

Bhaibheri Rinodzidzisa Here Kuti Kana Munhu Afa Anozoberekwazve Ava Nemumwe Muviri?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa, haridzidzisi izvozvo. Uye pfungwa yacho haitombowanikwi muBhaibheri. Pfungwa iyoyo yakabva padzidziso yekuti mweya haufi. a Kusiyana naizvozvo, Bhaibheri rinodzidzisa kuti mweya ndiye munhu wacho sezvaari uye kuti mweya unofa. (Genesisi 2:7, Ezekieri 18:4) Kana munhu afa anoguma kuvapo.​—Genesisi 3:19; Muparidzi 9:5, 6.

Kuti kana munhu afa anozoberekwazve ava nemumwe muviri kwakasiyana papi nerumuko?

 Dzidziso yemuBhaibheri yerumuko haibvi papfungwa yekuti mweya haufi. Parumuko, vanhu vakafa vachadzoswazve kuupenyu pachishandiswa simba raMwari. (Mateu 22:23, 29; Mabasa 24:15) Rumuko runopa munhu tariro yakanaka yekudzoswazve kuupenyu panyika itsva aine tarisiro yekusazombofa zvakare.​—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Pfungwa dzisiri dzechokwadi dzinofungwa nevanhu pamusoro pekuberekwazve wava nemumwe muviri uye zvinodzidziswa Bhaibheri

 Zvavanofunga: Bhaibheri rinoti muprofita Eriya ndiye akazoberekwazve ava Johani Mubhabhatidzi.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari akafanotaura kuti: “Ndichakutumirai muprofita Eriya,” uye Jesu akaratidza kuti uprofita uhwu hwakazadzika pana Johani Mubhabhatidzi. (Maraki 4:5, 6; Mateu 11:13, 14) Kunyange zvakadaro, izvi zvakanga zvisingarevi kuti Eriya akanga aberekwazve saJohani Mubhabhatidzi. Johani pachake akataura kuti ainge asiri Eriya. (Johani 1:21) Panzvimbo paizvozvo, Johani akaita basa rakafanana nerakaitwa naEriya, rekuparidza shoko raMwari rekuti vanhu vapfidze. (1 Madzimambo 18:36, 37; Mateu 3:1) Johani akaratidzawo kuti akanga aine “simba guru kufanana nezviya zvakanga zvakaita muprofita Erija (Eriya).”​—Ruka 1:13-17, Bhaibheri Rinoera.

 Zvavanofunga: Bhaibheri rinotaura nezvekuberekwa kwemunhu ava nemumwe muviri ‘sekuberekwazve.’

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinoratidza kuti kuberekwazve kunoreva kuberekwa patsva kunoitwa munhu nemudzimu waMwari uye izvi zvinoitika munhu wacho ari mupenyu. (Johani 1:12, 13) Kuberekwa patsva uku hakukonzerwi nemararamiro aimboitwa nemunhu, asi chinotova chikomborero chinobva kuna Mwari chinoita kuti vaya vanochigamuchira vave netariro yeremangwana isingazowanikwi nevamwe vese.​—Johani 3:3; 1 Petro 1:3, 4.

a Nyaya yekudavira kuti mweya haufi uye yekuti kana munhu afa anozoberekwazve ava nemumwe muviri yakatangira muBhabhironi rekare. Pava paya, vazivi vekuIndia vakazotanga dzidziso inonzi Karma. Maererano neBritannica Encyclopedia of World Religions, Karma “mutemo unotaura kuti zvinoitwa nemunhu muupenyu hwake iye zvino ndizvo zvinotema zvaachange akaita muupenyu hunotevera.”​—Peji 913.