Enda pane zvauri kuda

Nei Vanhu Vachifa?

Nei Vanhu Vachifa?

Mhinduro yeBhaibheri

 Zvinhu zvakajairika kuti vanhu vanetseke kana munhu afa, kunyanya pavanofirwa nehama yavo. Bhaibheri rinoti: “Kuruma kunobereka rufu chivi.”—1 VaKorinde 15:56.

Sei vanhu vose vaine chivi uye vachifa?

 Adhamu naEvha vakafa nokuti vakatadzira Mwari. (Genesisi 3:17-19) Kusateerera Mwari ndiko kwakaita kuti vafe, nokuti ndiye “tsime roupenyu.”​—Pisarema 36:9; Genesisi 2:17.

  Adhamu akapfuudzira chivi kuvana nevazukuru vake vose. Bhaibheri rinoti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Vanhu vose vanofa nokuti vane chivi.​—VaRoma 3:23.

Kubviswa kuchaitwa rufu

 Mwari anovimbisa kuti “achaparadza rufu nokusingaperi.” (Isaya 25:8) Kuti abvise rufu, anofanira kutanga abvisa chivi chinokonzera rufu. Mwari achaita izvi achishandisa Jesu Kristu, uyo anobvisa “chivi chenyika.”​—Johani 1:29; 1 Johani 1:7.