Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takasikwa Kuti Tirarame Nekusingaperi

Takasikwa Kuti Tirarame Nekusingaperi

MUNHU wese anoda kurarama kwemakore akawanda achifara. Chimbofunga kuti waizofara sei, kudai waikwanisa kurarama nekusingaperi, usingarwari! Waizova nenguva yakawanda yekuva nehama neshamwari, kushanyira nyika dzakasiyana-siyana uye kuita zvinhu zvakawanda zvaunofarira.

Sei vanhu vachida kurarama nekusingaperi? Bhaibheri rinotaura kuti Mwari ndiye akaisa chido ichocho mumwoyo medu. (Muparidzi 3:11) Rinotiwo “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Dai zvisingagoneki kuti vanhu vararame nekusingaperi, zvaizova nemusoro here kuti Mwari atisike tiine chido ichocho?

Hapana munhu anoda kufa. Bhaibheri rinototi rufu “muvengi.” (1 VaKorinde 15:26) Vamwe vanofa vachiri vadiki; vamwe vanofa vakura, asi tese tinozongofa. Vanhu vakawanda vanototya kutaura nyaya dzerufu. Muvengi uyu achazombokundwa here? Zvinhu zvakadaro zvingaitika here?

CHINOITA KUTI TIVE NETARIRO

Waizviziva here kuti Mwari haana kumbosika vanhu nechinangwa chekuti vazofa? Bhuku raGenesisi rinoratidza kuti Mwari paakasika vanhu aida kuti vararame panyika nekusingaperi. Jehovha Mwari akasika nyika iine zvese zvinodiwa kuti vanhu vararame vachifara. Akabva asika munhu wekutanga Adhamu, akamugarisa mumunda wainzi Edheni, uyo waiva paradhiso. Apedza izvozvo, “akaona zvinhu zvese zvaakanga aita, uye zvakanga zvakanaka chaizvo.”​—Genesisi 1:26, 31.

Adhamu akasikwa nemufananidzo waMwari uye akanga asina chakakanganisika paari. (Dheuteronomi 32:4) Ndizvowo zvakanga zvakaita mudzimai wake Evha. Jehovha akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika, muitonge, muve nesimba pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba panyika.”​—Genesisi 1:28.

Zvaizotora nguva kuti Adhamu naEvha vazadze nyika nevana vavo. Evha aizobereka vana, vana vake voberekawo vana vavo, kusvikira nyika yese yazara sezvaidiwa naMwari. (Isaya 45:18) Zvingava nemusoro here kuti titi Jehovha aizoudza Adhamu naEvha kuti vazadze nyika, iye achiziva hake kuti vaizofa vangoona vana vavo nevazukuru chete?

Fungawo nezvemurayiro wekuti vaifanira kuva nesimba pamhuka dzese. Adhamu akaudzwa kuti ape mhuka mazita, uye izvozvo zvaizotora nguva. (Genesisi 2:19) Kuti Adhamu ave nesimba pamusoro pemhuka aifanira kutanga aziva zvakawanda nezvemhuka dzacho uye kuziva kuti aifanira kudzichengeta sei. Izvozvo zvaitoda nguva yakawanda chaizvo kupfuura yaakatora pakudzipa mazita.

Saka murayiro waMwari wekuti vazadze nyika uye kuti vave nesimba pamusoro pemhuka, unoratidza kuti Adhamu naEvha vakasikwa kuti vararame kwenguva yakareba. Adhamu akatorarama kwemakore akawanda chaizvo.

CHINANGWA CHAMWARI NDECHEKUTI VANHU VARARAME NEKUSINGAPERI MUPARADHISO PANYIKA

VANHU VAKARARAMA KWEMAKORE AKAWANDA

Adhamu, makore 930

Metusera, makore 969

Noa, makore 950

Mazuva ano, makore 70-80

Bhaibheri rinoratidza kuti kare vanhu vairarama kwemakore akawanda chaizvo kupfuura atava kurarama mazuva ano. Rinoti: “Mazuva aAdhamu aakararama akasvika makore 930.” Rinobva rataurawo vamwe varume 6 vakararama makore anopfuura 900! Varume vacho vaiva Seti, Inoshi, Kinani, Jaredhi, Metusera, naNoa uye vese vakararama mafashamo emuzuva raNoa asati aitika. Kana ari Noa akatorarama makore 600 mafashamo acho asati aitika. (Genesisi 5:5-27; 7:6; 9:29) Sei vakararama kwemakore akawanda kudaro?

Panguva iyi chivi chakanga chisati chanyanya kudzika midzi muvanhu, ndosaka vanhu vaikwanisa kurarama kwemakore akawanda kudaro. Saka kusava nechivi kwakabatana papi nekurarama makore akawanda? Uyewo, rufu ruchakundwa sei? Kuti tizive mhinduro dzacho, tinofanira kutanga taziva kuti sei tichichembera uye tichifa.