Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kugadziridza masero evanhu kwakabatsira here kuti vararame makore akawanda?

Vanhu Havadi Kufa

Vanhu Havadi Kufa

“Ndakaona basa rakapiwa vanakomana vevanhu naMwari kuti vagare vakabatikana. Iye akaita zvinhu zvese zvakanaka panguva yazvo. Akatoisa nguva isingagumi mumwoyo mavo.”​Muparidzi 3:10, 11.

MAMBO SOROMONI ndiye akataura mashoko aya achirondedzera maonero anoita vanhu upenyu. Nekupfupika kwakaita upenyu, vanhu vava nemakore vachitsvaga kuti vangararama sei kwemakore akawanda. Pane nyaya dzakasiyana-siyana dzinotaurwa dzezvakaitwawo nevamwe vachiedza kuti vararame kwemakore akawanda.

Semuenzaniso, funga nezvemurume ainzi Gilgamesh, uyo aiva mambo wenzvimbo yainzi Sumer. Pane ngano dzakawanda dzinotaurwa nezveupenyu hwake. Imwe ngano yakanyorwa mubhuku rinonzi Epic of Gilgamesh, inoti akafamba rwendo rwaityisa achitsvaga chinhu chingaita kuti asafa. Asi zvakashaya basa.

Nyanzvi yesainzi ichigadzira mishonga

Mumakore ekuma400 B.C.E., kune nyanzvi dzesainzi kuChina dzakagadzira mushonga wainzi munhu akanwa aikwanisa kurarama kwemakore akawanda. Mushonga wacho waigadzirwa nemercury nearsenic. Zvinonzi mushonga uyu wakauraya madzimambo akawanda ekuChina. KuEurope, makore ekuma550-1500 C.E. dzimwe nyanzvi dzesainzi dzakaita kuti goridhe rikwanise kugayika mumuviri. Dzaiti sezvo goridhe risingadyiwi nengura, kana munhu aizoridya aikwanisa kuzorarama kwenguva yakareba.

Mazuva ano nyanzvi dzesainzi dziri kutsvaga chinomboita kuti vanhu vachembere. Sezvaingoitwawo nevamwe kare, zvavari kuita izvi zvinoratidza kuti nanhasi vanhu vachiri netariro yekuti munhu anogona kurarama kwemakore akawanda. Asi pane chiri kubuda here pane zvavari kuita?

MWARI ‘AKAISA NGUVA ISINGAGUMI MUMWOYO MAVO.’​—MUPARIDZI 3:10, 11

KUTSVAGA CHINOKONZERA KUTI VANHU VACHEMBERE

Nyanzvi dzesainzi dzinoongorora masero evanhu dzinoti pane zvikonzero zvakawanda zvinokonzera kuchembera uye kufa. Mumakore achangopfuura, nyanzvi idzi dzine zvadzakaita kuti masero evanhu neemhuka asakurumidza kuchembera. Izvi zvakaita kuti vamwe vanhu vakapfuma vape nyanzvi idzi mari yekuti dzirambe dzichitsvaga chingaita kuti vanhu vasafa. Nyanzvi idzi dziri kubudirira here?

Kuedza kurebesa upenyu. Muviri wemunhu une machromosome uye nechekumucheto kwawo kune anonzi matelomere. Basa rematelomere nderekuchengetedza mirayiridzo inenge iri mumagenes sero parinopatsanuka. Masero emumuviri paanopatsanuka matelomere aya anoramba achiita mapfupi. Pakupedzisira masero anosvika pakuti haachapatsanuki uye nyanzvi idzi dzinoti izvozvo ndizvo zvinokonzera kuti tichembere.

Imwe nyanzvi yesainzi inonzi Elizabeth Blackburn yakahwina mubayiro weNobel Prize muna 2009, pashure pekunge iye nevamwe vake vaona chimwe chinhu chinokwanisa kuita kuti matelomere asakurumidza kuita mapfupi. Asi vanoti kunyange matelomere acho akasaita mapfupi “haaiiti kuti tirarame kwemakore akawanda kupfuura atanga tichingorarama.”

Kugadziridza masero. Iyi ndeimwe nzira iri kuitwa nechinangwa chekuti vanhu vasachembera. Kana masero edu akanyanya kuchembera anogona kusvika pekuti haachakwanisi kupatsanuka kuti agadzire mamwe, uye izvi zvinoita kuti masoja emuviri asashanda zvakanaka. Munhu anogona kutanga kurwadziwa, kuzvimba muviri, kana kubatwa nezvimwewo zvirwere. Munguva ichangopfuura, nyanzvi dzesainzi dzekuFrance dzakagadziridza masero evanhu vakanga vachembera uye vamwe vacho vakanga vapfuura makore 100. Purofesa Jean-Marc Lemaître, aitungamirira pabasa iri anoti, basa ravakaita rinoratidza kuti zviripo zvinogona kuitwa kuti masero asachembera.

VESAINZI VANOGONA KUREBESA UPENYU HWEDU HERE?

Dzimwe nyanzvi dzesainzi dzinoti kunyange zvazvo pari kuwanikwa mishonga yekuti vanhu vasachembera, izvozvo hazvirevi kuti vanhu vachararama makore akawanda kupfuura avari kurarama iye zvino. Ichokwadi kuti makore ari kurarama vanhu ati wedzerei kubva kuma1800. Asi chiri kunyanya kuita kuti zvidaro inyaya yekuva neutsanana, kugona kudzivirira zvirwere zvinotapukira, uye kushandisa mishonga inouraya utachiona. Dzimwe nyanzvi dzinoti hapachina imwe nzira yekuti tiwedzere makore atiri kurarama.

Makore anenge 3 500 apfuura, mumwe munyori weBhaibheri ainzi Mozisi akanyora kuti: “Tinorarama makore 70, kana kuti 80, kana munhu akati simbei. Asi akazara nematambudziko nekusuwa; anokurumidza kupfuura, tobhururuka, toenda.” (Pisarema 90:10) Pasinei nezviri kuedza kuitwa nevanhu, tichiri kungorarama makore akataurwa naMozisi.

Asi kune zvimwe zvisikwa zvinokwanisa kurarama kwemakore anopfuura 200 uye mimwe miti yakadai semuwuyu inorarama kwezviuru zvemakore. Patinoenzanisa makore edu neezvimwe zvisikwa tinosvika pakuzvibvunza kuti, ‘Tikangorarama makore 70 kana 80 zvatopera here?’