Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Unomuziva Here?

Mwari Unomuziva Here?

Vanhu vakawanda vanoti vanotenda muna Mwari. Asi ukavabvunza nezvake, vanotaura zvakasiyana-siyana. Vamwe vanoti Mwari mutongi ane utsinye, anongoda kuranga vanhu pavanokanganisa. Vamwe vanoti ane rudo uye anoregerera pasinei nekuti waitei. Kwozoitawo vamwe vanoti haana hanya nesu. Izvi zvinoita kuti vakawanda vapedzisire vafunga kuti hazviiti kuti tizive Mwari.

Kuziva chokwadi nezvaMwari kunokosha here? Ehe, kunokosha. Kuziva chokwadi pamusoro paMwari kunoita kuti tirarame upenyu hune chinangwa. (Mabasa 17:26-28) Paunowedzera kuswedera pedyo naye, iye achawedzerawo kukuda uye kukubatsira. (Jakobho 4:8) Chinotokosha ndechekuti kumuziva kuchaita kuti ukwanise kuzowana upenyu husingaperi.—Johani 17:3.

Zvii zvaungaita kuti uzive Mwari? Imbofunga nezveshamwari yako. Zvakafamba sei kuti mutange kuwirirana? Zvimwe wakatanga nekuziva zita rake, unhu hwake, zvaanofarira nezvaasingafariri, zvinhu zvaakamboita uye zvaari kuronga kuita, nezvimwewo. Chakaita kuti uzofarira munhu iyeye ndechekuti wakaziva zvakawanda nezvake.

Ndizvo zvazvakaitawo pakuziva Mwari, tinofanira kuziva zvinhu zvinotevera:

Magazini ino ichapindura mibvunzo iyi pachishandiswa Bhaibheri. Nyaya dzirimo hadzingogumiri pakukubatsira kuti uzive Mwari asi dzichakubatsirawo kuziva zvauchawana kana ukaswedera pedyo naye.