Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 23

Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha

Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha

Kwapera mwedzi inenge miviri kubva pavakabuda muIjipiti, vaIsraeri vakasvika paGomo reSinai uye vakabva vavaka musasa ipapo. Jehovha akashevedza Mozisi kuti akwire mugomo, ndokumuudza kuti: ‘Ndakanunura vaIsraeri. Kana vakanditeerera uye vakachengeta mitemo yangu, vachava vanhu vangu vandinoda.’ Mozisi akabva aburuka mugomo akanoudza vaIsraeri zvakanga zvataurwa naJehovha. Vakatii nazvo? Vakapindura kuti: ‘Tichaita zvese zvatinoudzwa naJehovha kuti tiite.’

Mozisi akakwirazve mugomo. Ari imomo, Jehovha akati: ‘Mumazuva matatu anotevera ndichataura nemi. Udza vanhu kuti varege kukwira muGomo reSinai.’ Mozisi akaburuka akanoudza vanhu kuti vagadzirire kunzwa zvaizotaurwa naJehovha.

Kwapera mazuva matatu, vaIsraeri vakaona mheni uye gore rakasviba mugomo. Vakanzwawo ruzha rwemabhanan’ana uye hwamanda yairira. Jehovha akabva aburukira mugomo ari mumoto. VaIsraeri vakatya chaizvo zvekuti vakatanga kudedera. Gomo rese rakazununguka zvine simba rikazara utsi. Ruzha rwehwamanda yairira rwakaramba rwuchiwedzera. Mwari akabva ati: ‘Ndini Jehovha. Hamufaniri kunamata vamwe vanamwari.’

Mozisi akadzokerazve kugomo, uye Jehovha akamupa mitemo yekuti anopa vanhu kuti vazive kuti vaifanira kumunamata sei uye vaifanira kurarama sei. Mozisi akanyora mitemo yacho uye akaiverengera vaIsraeri. Vakavimbisa Mwari kuti: ‘Tichaita zvese zvatinoudzwa naJehovha kuti tiite.’ Asi vaizochengeta vimbiso iyoyo here?

“Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese.”​—Mateu 22:37