Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 96

Jesu Anosarudza Sauro

Jesu Anosarudza Sauro

Sauro aiva chizvarwa cheRoma, uye akaberekerwa kuTaso. Akanga ari muFarisi aiva nyanzvi yeMutemo wechiJudha uye aivenga vaKristu. Aizvuzvurudza vaKristu achivabudisa mudzimba dzavo uye aivakanda mujeri. Akatomira achiona Stefani achitemwa nematombo nemhomho yevanhu kusvika afa.

Asi Sauro haana kugutsikana nekusunga vaKristu vaiva muJerusarema chete. Akakumbira mupristi mukuru kuti amubvumire kuenda kuDhamasiko kunovhima vaKristu. Sauro paakanga ava pedyo neguta racho, chiedza chaipenya chaizvo chakati ngwee paaiva, achibva adonha. Akanzwa inzwi raiti: ‘Sauro, uri kunditambudzirei?’ Sauro akabvunza kuti: ‘Ndimi ani?’ Inzwi racho rikabva rati: ‘Ndini Jesu. Enda kuDhamasiko uye ndichakuudza zvaunofanira kuita.’ Pakarepo, Sauro akabva ava bofu uye akapinda muguta akatoita zvekubatwa ruoko.

KuDhamasiko, kwaiva nemumwe muKristu akatendeka ainzi Ananiyasi. Jesu akamuudza kuti: ‘Enda kumba kwaJudhasi, kumugwagwa unonzi Wakarurama, utsvage Sauro.’ Ananiyasi akati: ‘Ishe, ndinoziva zvakawanda nezvemurume iyeye! Ari kuisa vadzidzi venyu mujeri!’ Asi Jesu akati: ‘Enda kwaari. Ndasarudza Sauro kuti aparidze mashoko akanaka kumarudzi akawanda.’

Ananiyasi akawana Sauro akabva amuudza kuti: ‘Sauro, hama yangu, Jesu andituma kuti ndikusvinudze maziso.’ Sauro akabva atotangazve kuona. Akadzidza nezvaJesu uye akava muteveri wake. Paakabhabhatidzwa semuKristu, Sauro akatanga kuparidza mumasinagogi pamwe chete nevamwe vaKristu. Chimbofunga kuti vaJudha vakashamisika sei pavakaona Sauro achidzidzisa vanhu nezvaJesu! Vakati: ‘Uyu haasiriye here murume uya aivhima vadzidzi vaJesu?’

Kwemakore matatu, Sauro akaparidzira vanhu vaigara kuDhamasiko. Vamwe vaJudha vaivenga Sauro, uye vakaronga kumuuraya. Asi hama dzakazviziva ndokubva dzamubatsira kuti atize. Vakamuisa mubhasikiti vachibva vamubudisa nepaburi rakanga riri pamadziro eguta.

Sauro akaenda kuJerusarema uye akaedza kubatana nehama dzaiva ikoko, asi dzaimutya. Mumwe mudzidzi ainzi Bhanabhasi akaenda naye kuvaapostora uye akaita kuti vave nechokwadi chekuti Sauro akanga anyatsochinja. Sauro akatanga kushingaira kuparidza mashoko akanaka neungano yaiva muJerusarema. Pava paya, akazotanga kuzivikanwa nezita rekuti Pauro.

“Kristu Jesu akauya munyika kuzoponesa vatadzi. Ini ndiri mukuru pana ivava.”​—1 Timoti 1:15