Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 5

Kusuma Chikamu 5

Pashure pemwedzi miviri vapfuura nepaGungwa Dzvuku, vaIsraeri vakasvika paGomo reSinai. Vari ipapo, Jehovha akaita sungano navo kuti vave rudzi rwake rwunokosha. Akavadzivirira uye akavapa zvese zvavaida. Akavapa zvekudya zvainzi mana, akaita kuti hembe dzavo dzirege kusakara, uye aivagarisa munzvimbo dzakachengeteka. Kana uri mubereki, batsira mwana wako kuti anzwisise kuti nei Jehovha akapa vaIsraeri Mutemo, tebhenekeri uye vapristi. Simbisa kuti nei zvichikosha kuti tizadzise zvatinenge tavimbisa, tirambe tichizvininipisa uye tirambe takavimbika kuna Jehovha.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 23

Vanoita Vimbiso Kuna Jehovha

VaIsraeri vakaita vimbiso kuna Mwari pavakanga vari paGomo reSinai.

CHIDZIDZO 24

Havana Kuita Zvavakanga Vavimbisa

Mozisi paakanga aenda kunotora Mirayiro Gumi, vanhu vakaita chivi chakakura.

CHIDZIDZO 25

Tebhenekeri Yekunamatira

Tende iri rinokosha raiva neareka yesungano.

CHIDZIDZO 26

Vasori 12

Joshua naKarebhi vakanga vasina kuita sevamwe varume 10 vavakaenda navo kunosora nyika yeKenani.

CHIDZIDZO 27

Vakapandukira Jehovha

Kora, Dhatani, Abhiramu nevamwe varume 250 vakatadza kuziva chimwe chinhu chinokosha nezvaJehovha.

CHIDZIDZO 28

Dhongi raBharami Rinotaura

Dhongi rakaona ngirozi, asi Bharami akanga asiri kuiona.