Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 79

Jesu Anoita Zvishamiso Zvakawanda

Jesu Anoita Zvishamiso Zvakawanda

Jesu akauya panyika kuti azoparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Kuti aratidze vanhu zvichaitwa naJesu saMambo, Jehovha akapa Jesu mweya mutsvene kuti aite zvishamiso. Aigona kurapa zvirwere zvese. Kwese kwaaienda, vanhu vairwara vaiuya kwaari uye aibva avarapa vese. Mapofu aisvinudzwa, vasinganzwi vaitanga kunzwa, vakaremara vaiporeswa uye vaya vainetswa nemadhimoni vaisunungurwa. Vamwe vaigona kutoporeswa pavaingobata mupendero wehembe yake. Vanhu vaitevera Jesu kwese kwaaienda. Kunyange paaida kumbovawo ega, Jesu akanga asingadzingi vanhu.

Rimwe zuva, vanhu vakauya nemumwe murume akanga akaremara paimba yaigara Jesu. Asi havana kukwanisa kupinda naye nekuti vanhu vakanga vakazarisa mumba macho. Saka vakaboora denga remba, vakabva vadzikisa murume wacho neipapo. Jesu akati kumurume wacho: ‘Simuka ufambe.’ Paakasimuka akafamba, vanhu vakashamisika.

Pane imwe nguva, Jesu achipinda mune rimwe guta, akaona vamwe varume 10 vaiva nemaperembudzi vakamira nechekoko vachishevedzera kuti: ‘Jesu, tibatsireiwo!’ Mazuva iwayo, vanhu vaiva nemaperembudzi vaisabvumirwa kuswedera pedyo nevamwe vanhu. Jesu akavaudza kuti vaende kutemberi, sezvairayirwa neMutemo waJehovha kuti zviitwe nevanhu vainge varapwa maperembudzi. Vari munzira, vakabva vapora. Mumwe wevarume vacho paakaona kuti akanga apora, akadzoka kuzotenda Jesu uye akarumbidza Mwari. Pavanhu vacho 10, mumwe chete ndiye akatenda Jesu.

Mumwe mukadzi akanga ava nemakore 12 achirwara, aida chaizvo kuporeswa. Akauya kumashure kwaJesu ari mukati meboka revanhu, akabata mupendero wehembe yake. Akabva angopora. Pazvakaitika, Jesu akabvunza kuti: “Ndiani andibata?” Mukadzi wacho akatanga kutya achibva auya kumberi, ndokutaura chokwadi. Jesu akamunyaradza achiti: ‘Mwanasikana, enda hako nerugare.’

Mumwe mukuru wesinagogi ainzi Jairosi akakumbira Jesu kuti: ‘Handei kumba kwangu! Mwanasikana wangu ari kurwara chaizvo.’ Asi musikana wacho akafa Jesu asati atombosvika kumba kwaJairosi. Jesu paakasvika, akaona kuti paiva nevanhu vakawanda vakanga vauya kuzochema nemhuri yacho. Akavaudza kuti: ‘Musachema henyu; musikana uyu akarara.’ Jesu akabata ruoko rwemusikana wacho achibva ati: ‘Mwanasikana, muka!’ Akabva amuka akagara, uye Jesu akaudza vabereki vake kuti vamupe zvekudya. Funga kuti vabereki vake vakanzwa sei!

“Akazodzwa . . . naMwari nemweya mutsvene nesimba, akapota nenyika achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi, nekuti Mwari akanga ainaye.”​—Mabasa 10:38