Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 18

Gwenzi Raipfuta Moto

Gwenzi Raipfuta Moto

Mozisi akagara kuMidhiyani kwemakore 40. Akaroora uye akava nevana. Rimwe zuva paakanga achifudza makwai ake pedyo negomo reSinai, akaona chimwe chinhu chinoshamisa. Gwenzi reminzwa rakanga richipfuta moto asi risingatsvi! Mozisi paakaenda pedyo kuti aongorore zvaiitika, akanzwa inzwi raibva mukati megwenzi richiti: ‘Mozisi! Usatomboswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nekuti nzvimbo yawakamira itsvene.’ Jehovha ndiye akanga achitaura naye achishandisa ngirozi.

Mozisi akafukidza chiso chake nekuti akanga achitya. Inzwi racho rakati: ‘Ndaona kutambudzika kwevaIsraeri. Ndichavanunura pavaIjipiti ndovaendesa kunyika yakanaka. Iwe ndiwe uchatungamirira vanhu vangu kuti vabude muIjipiti.’ Haufungi here kuti Mozisi akashamiswa nazvo?

Mozisi akabvunza kuti: ‘Ndichatii kana vanhu vacho vakandibvunza kuti ndiani andituma?’ Mwari akati: ‘Unovaudza kuti Jehovha, Mwari waAbrahamu, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho akutuma.’ Mozisi akabva ati: ‘Ko kana vanhu vacho vakarega kunditeerera?’ Jehovha akabva aratidza Mozisi kuti aizomubatsira. Akaudza Mozisi kuti akande tsvimbo yake pasi. Tsvimbo yacho yakabva yachinja kuita nyoka! Mozisi paakabata muswe wenyoka yacho, yakabva yachinjazve kuva tsvimbo. Jehovha akabva ati: ‘Pauchaita chishamiso ichi, zvichabva zvaratidza kuti ndini ndakutuma.’

Mozisi akati: ‘Handinyatsogoni kutaura.’ Jehovha akamuvimbisa kuti: ‘Ndichakuudza zvekutaura, uye ndichatuma mukoma wako Aroni kuti akubatsire.’ Mozisi akatora mudzimai wake nevanakomana vake akabva adzokera kuIjipiti nekuti aiziva kuti Jehovha akanga ainaye.

“Musazvidya mwoyo muchifunga kuti muchataura sei uye kuti muchati chii, nekuti muchapiwa zvekutaura panguva iyoyo chaiyo.”​—Mateu 10:19