Nehemiya 9:1-38

  • Vanhu vanoreurura chivi chavo (1-38)

    • Jehovha, Mwari anokanganwira (17)

9  Pazuva rechi24 remwedzi uyu, vaIsraeri vakaungana; uye vaitsanya vakapfeka masaga, vaine guruva.+  Vaya vaiva zvizvarwa zvaIsraeri vakabva vazviparadzanisa nevanhu vese vekune dzimwe nyika,+ uye vakamira vakareurura zvivi zvavo nekukanganisa kwemadzibaba avo.+  Vakabva vamira munzvimbo yavo, vakaverenga bhuku reMutemo+ waJehovha Mwari wavo zvinonzwika kwechikamu chimwe chete pazvina chezuva racho;* uye vakakotamira Jehovha Mwari wavo vachireurura kwechimwe chikamu pazvina chezuva racho.  Jeshua, Bhani, Kadmieri, Shebhaniya, Bhuni, Sherebhiya,+ Bhani, naKenanai vakamira panzvimbo yakakwirira+ yevaRevhi, vakashevedzera nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.  Uye vaRevhi vanoti, Jeshua naKadmieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhiya, Hodhiya, Shebhaniya naPetahiya vakati: “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu nariini nariini.*+ Ngavarumbidze zita renyu rinokudzwa, iro rinokudzwa uye rinorumbidzwa zvekuti hapana munhu angarikudza kana kurirumbidza zvakakwana.  “Imi mega ndimi Jehovha;+ ndimi makasika matenga, iwo matenga ekumatenga, neuto rawo rese, nyika nezvese zviri mairi, makungwa nezvese zviri maari. Uye munozvichengeta zvese zviri zvipenyu, uye uto rekudenga riri kukukotamirai.  Ndimi Jehovha Mwari wechokwadi, makasarudza Abramu,+ mukamubudisa muUri+ yevaKadheya, mukamupa zita rekuti Abrahamu.+  Makaona kuti mwoyo wake wakatendeka pamberi penyu,+ saka makaita sungano naye kuti mumupe nyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaJebhusi, nevaGigashi, kuti muipe vana* vake;+ uye makaita zvamakavimbisa, nekuti makarurama.  “Saka makaona kutambudzika kwemadzitateguru edu muIjipiti,+ uye makanzwa kuchema kwawo paGungwa Dzvuku. 10  Makabva maitira Farao nevashandi vake vese nevanhu vese vemunyika yake zviratidzo nezvishamiso,+ nekuti maiziva kuti vaizvikudza+ pamberi pavo. Makaita kuti zita renyu rive nemukurumbira uchiripo nanhasi.+ 11  Makakamura gungwa pamberi pavo, zvekuti vakayambuka gungwa nepakaoma,+ uye makakanda vaivatevera munzvimbo dzakadzika, sedombo rakandwa mumvura isina kugadzikana.+ 12  Makavatungamirira neshongwe yegore masikati, uye neshongwe yemoto usiku, kuti muvavhenekere nzira yavaifanira kufamba nayo.+ 13  Makaburuka mukauya muGomo reSinai+ mukataura navo muri kudenga,+ mukavapa mitongo yakarurama, mitemo yechokwadi,* mirau yakanaka nemirayiro.+ 14  Makaita kuti vazive Sabata renyu dzvene,+ uye makavapa mirayiro, mirau, nemutemo muchishandisa muranda wenyu Mozisi. 15  Makavapa chingwa chakabva kudenga pavaiva nenzara,+ mukabudisa mvura padombo pavaiva nenyota,+ uye makavaudza kuti vapinde vatore nyika yamakanga mapika kuti* muchavapa. 16  “Asi ivo, madzitateguru edu, vakazvikudza,+ vakatanga kuomesa misoro,*+ uye vairamba kuteerera mirayiro yenyu. 17  Vakaramba kuteerera,+ uye havana kuyeuka mabasa enyu anoshamisa amakaita pakati pavo, asi vakatanga kuomesa misoro,* vakagadza mutungamiriri kuti vadzokere kuuranda hwavo muIjipiti.+ Asi imi muri Mwari akagadzirira kukanganwira,* ane tsitsi* nengoni, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji,+ uye hamuna kuvasiya.+ 18  Kunyange pavakazvigadzirira mufananidzo wemhuru, wesimbi* vachiti, ‘Uyu ndiye Mwari wako akakubudisa muIjipiti,’+ uye vakaita mabasa makuru ekusaremekedza, 19  kunyange panguva iyoyo, imi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvasiya murenje.+ Shongwe yegore haina kubva pamusoro pavo masikati kuti ivatungamirire munzira, uyewo shongwe yemoto haina kubva pamusoro pavo usiku kuti ivavhenekere nzira yavaifanira kufamba nayo.+ 20  Makavapa mweya wenyu wakanaka kuti muvape njere,+ hamuna kunyima miromo yavo mana yenyu,+ uye makavapa mvura pavaiva nenyota.+ 21  Kwemakore 40 makavapa zvekudya murenje.+ Hapana chavaishaya. Nguo dzavo hadzina kusakara,+ uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba. 22  “Makavapa umambo nemarudzi, muchivapa umambo pashure peumambo,+ zvekuti vakatora nyika yaSihoni,+ kureva nyika yamambo weHeshbhoni,+ nenyika yaOgi+ mambo weBhashani. 23  Makaita kuti vanakomana vavo vawande senyeredzi dzedenga.+ Uye makabva mavaunza munyika yamakanga mavimbisa madzitateguru avo kuti vachapinda voitora.+ 24  Saka vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika yacho,+ uye makakunda vaKenani pamberi pavo,+ avo vaigara munyika yacho mukavaisa mumaoko avo, iwo madzimambo avo nemarudzi emunyika yacho, kuti vaite zvavanoda navo. 25  Vakatora maguta akakomberedzwa nemasvingo,+ nyika yakaorera,+ dzimba dzakazara nezvinhu zvakanaka zvakasiyana-siyana, migodhi yemvura yakatocherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi,+ nemiti yakawanda yemichero. Saka vakadya, vakaguta, vakakora, uye vaifara chaizvo nekuda kwekunaka kwenyu kukuru. 26  “Asi vakarega kuteerera, vakakupandukirai+ vakapira Mutemo wenyu makotsi.* Vakauraya vaprofita venyu, avo vakavatsiura kuti vavadzose kwamuri, uye vakaita mabasa makuru ekusaremekedza.+ 27  Nemhaka yeizvi, makavaisa muruoko rwevavengi vavo,+ avo vakaramba vachivatambudza.+ Asi munguva yekutambudzika kwavo vaichema kwamuri, uye imi maivanzwa muri kudenga; uye nekuda kwetsitsi dzenyu huru maivapa vaponesi vaivanunura paruoko rwevavengi vavo.+ 28  “Asi pavainge vangozorora, vaibva vaitazve zvakaipa pamberi penyu,+ uye maivasiya muruoko rwevavengi vavo, avo vaivadzvinyirira.+ Vaibva vadzoka, voshevedzera kwamuri kuti vabatsirwe,+ uye maivanzwa muri kudenga movanunura mavanunurazve nekuda kwetsitsi dzenyu huru.+ 29  Kunyange zvazvo maivatsiura kuti muvadzose kuMutemo wenyu, ivo vaizvikudza vachiramba kuteerera mirayiro yenyu;+ uye vakatadza vachityora mirau yenyu, iyo inoita kuti munhu ararame kana akaichengeta.+ Ivo vakafuratira vachiomesa misoro, uye vakaomesa mitsipa vakaramba kuteerera. 30  Makavaitira mwoyo murefu+ kwemakore mazhinji uye makaramba muchivatsiura nemweya wenyu muchishandisa vaprofita venyu, asi vakaramba kuteerera. Makazovaisa muruoko rwemarudzi enyika dzacho.+ 31  Asi nengoni dzenyu huru hamuna kuvaparadza+ kana kuvasiya, nekuti muri Mwari ane tsitsi* nengoni.+ 32  “Zvino imi Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba uye anoshamisa, uyo akachengeta sungano yake uye akaratidza rudo rusingachinji,+ musatora kutambudzika kwese kwakatiwira sekudiki, isu nemadzimambo edu, machinda edu,+ vapristi vedu,+ vaprofita vedu,+ madzitateguru edu, nevanhu venyu vese kubvira pamazuva emadzimambo eAsiriya+ kusvikira nhasi. 33  Makarurama pane zvese zvakauya patiri, nekuti makaratidza kutendeka; asi isu ndisu takaita zvakaipa.+ 34  Kana ari madzimambo edu, machinda edu, vapristi vedu, nemadzitateguru edu, havana kuchengeta Mutemo wenyu, kana kuteerera mirayiro yenyu kana zviyeuchidzo zvenyu zvamakavayambira nazvo. 35  Kunyange pavaiva muumambo hwavo vachifara chaizvo nezvinhu zvakanaka zvamakavapa, munyika yakafara yakaorera yamakavapa, havana kukushumirai+ uye havana kutendeuka pamabasa avo akaipa. 36  Saka nhasi tiri pano, tiri varanda,+ chokwadi varanda munyika yamakapa madzitateguru edu kuti vadye zvibereko zvayo nezvinhu zvayo zvakanaka. 37  Zvibereko zvayo zvakawanda ndezvemadzimambo amakaisa pamusoro pedu nemhaka yezvivi zvedu.+ Ari kutonga miviri yedu nezvipfuwo zvedu, achiita zvaanoda, uye tiri kutambudzika zvikuru. 38  “Saka nemhaka yeizvi zvese, tiri kuita chibvumirano+ tichiita zvekuchinyora, uye chakasimbiswa nechidhindo chemachinda edu, vaRevhi vedu, nevapristi vedu.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kwemaawa matatu.”
Kana kuti “kubva nekusingaperi kusvika nekusingaperi.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “mitemo yakavimbika.”
ChiHeb., “masimudzira ruoko rwenyu muchiti.”
ChiHeb., “vakaomesa mitsipa.”
ChiHeb., “vakaomesa mitsipa.”
Kana kuti “Mwari wemabasa ekukanganwira.”
Kana kuti “nyasha.”
Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
ChiHeb., “vakakandira Mutemo wenyu kumashure kwavo.”
Kana kuti “nyasha.”