Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pachazombova Nehurumende Inoita Kuti Vanhu Vese Vawane Zvavanoda Pakurarama Here?

Pachazombova Nehurumende Inoita Kuti Vanhu Vese Vawane Zvavanoda Pakurarama Here?

 Munyika dzakawanda vanhu vari kuratidzira, nekuti havasi kufara nemamiriro akaita zveupfumi munyika yavo. COVID-19 yakatoita kuti dambudziko iri riwedzere, nekuti pakatanga malockdown, kushayikwa kwezvinhu uye mishonga yekushandisa zvakatoita kuti musiyano uri pakati pevapfumi nevarombo uwedzere kuoneka.

 Dambudziko rekuderera kwezveupfumi richazombopera here? Ehe. Bhaibheri rinotsanangura kuti Mwari achagumisa sei matambudziko edu ese.

Matambudziko ezveupfumi achagadziriswa naMwari

 Dambudziko: Hurumende hadzisi kukwanisa kuita kuti munhu wese ari munyika awane zvinhu zvese zvaanoda pakurarama.

 Zvaachaita: Mwari achabvisa hurumende dzese dzevanhu, odzitsiva nehurumende yake inonzi Umambo hwaMwari. Hurumende yake ichatonga kudenga nepanyika.—Dhanieri 2:44; Mateu 6:10.

 Makomborero achavapo: Umambo hwaMwari hunenge hwava kutonga pasi rese, saka huchaita kuti vanhu vese vawane zvavanoda pakurarama. Hapazombovi nevarombo uye vanhu vachawana zvese zvavanoda kuti vararame. (Pisarema 9:7-9, 18) Vachafara nekuti vanenge vava kuwana mubayiro wekushanda kwavo nesimba uye vachava neupenyu hunofadza vaine mhuri dzavo. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Vachavaka dzimba vogaramo, uye vachadyara minda yemizambiringa vodya michero yayo. Havazovaki kuti mumwe munhu agare kana kudyara kuti mumwe munhu adye.”—Isaya 65:21, 22.

 Dambudziko: Vanhu havakwanisi kudzivisa mamiriro ezvinhu anoita kuti vatambure uye vashaye zvavanoda pakurarama.

 Zvaachaita: Mwari achashandisa Umambo hwake kubvisa zvinhu zvese zvinoita kuti vanhu vararame vachitya uye vachinzwa vasina kuchengeteka.

 Makomborero achavapo: Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga, zvinhu zvinokonzera kuti vanhu varasikirwe nezvinhu zvavanoda pakurarama hazvizomboitiki. Semuenzaniso, hondo, kushaya zvekudya uye zvirwere zvinenge zvisisiko. (Pisarema 46:9; 72:16; Isaya 33:24) Mwari anoti: “Vanhu vangu vachagara munzvimbo ine rugare, munzvimbo dzekugara dzakachengeteka nemunzvimbo dzekuzororera dzine runyararo.”—Isaya 32:18.

 Dambudziko: Vanhu vanowanzodzvinyirirwa nevanhu vane makaro uye vanongofunga zvakavanakira.

 Zvaachaita: Vanhu vachatongwa neUmambo hwaMwari vacharatidza kuti vanoda vamwe nekuisa zvinodiwa nevamwe pekutanga muupenyu hwavo.—Mateu 22:37-39.

 Makomborero achavapo: Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga, vanhu vese vachatevedzera rudo runa Mwari urwo ‘rusingatsvagi zvakarunakira.’ (1 VaKorinde 13:4, 5) Bhaibheri rinoti: “Hazvizombokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rese dzvene, nekuti chokwadi nyika ichazara nekuziva Jehovha a sekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Isaya 11:9.

 Bhaibheri rinoti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira uye kuti Mwari ava pedyo kuzadzisa vimbiso yake yekugumisa matambudziko ese eupfumi. b (Pisarema 12:5) Asi izvozvo zvisati zvaitika, mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsira kutsungirira matambudziko ezveupfumi atiri kusangana nawo. Semuenzaniso, verenga nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma” uyewo yakanzi “Kuona Mari Neziso Rakanaka.”

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.

b Kuti unzwe kuti nei uchigona kuvimba neBhaibheri verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinotaura Chokwadi.”