Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma

Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma

 Kuoma kweupenyu kuri kuita kuti utadze kuwana mari yakawanda sezvawaimboita here? Kupararira kwezvirwere, njodzi dzinongoitika dzega, kusagadzikana kwezvematongerwo enyika, uye hondo zvinogona kungoerekana zvakanganisa upfumi hwenyika. Munhu anogona kunetseka kana ava kuwana mari shoma, asi mazano ari muBhaibheri anogona kumubatsira kuti akwanise kurarama nekamari ikako kashoma.

1. Bvuma kuti zvinhu zvachinja.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndakadzidza zvazvinoreva . . . kuva nezvakawanda kana kushayiwa.”—VaFiripi 4:12.

 Kunyange zvazvo wava nemari shoma pane yawaimbowana, unogona kudzidza kurarama nezvauinazvo. Kana ukakurumidza kubvuma kuti zvinhu zvachinja, wotanga kuita zvinoenderana nezvinenge zvavapo, zvichakurerukira iwe nemhuri yako.

 Kana kunzvimbo yaunogara hurumende iine mapurogiramu ekubatsira vanhu kana kuti kuine mamwe masangano anobatsira vanhu, tsvaga rubatsiro kwavari. Asi unofanira kukurumidza, nekuti masangano aya anowanzopa vanhu nguva pfupi yekuti vanyorese vachitsvaga rubatsiro.

2. Itai zvinhu pamwe chete semhuri.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe, asi kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.”—Zvirevo 15:22.

 Kurukura nyaya iyi nemudzimai wako nevana. Kana mukanyatsokurukura zvakanaka, munogona kubatsira munhu wese ari mumhuri kunzwisisa zvinenge zvavapo uye kutsigira zvinenge zvarongwa. Kana munhu wese akachengetedza zvinhu orega kupambadza, munogona kutoona kuti munoita zvakawanda nekamari kashoma kamuinako.

3. Ivai nebhajeti.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Tanga wagara pasi uverenge zvauchashandisa.’—Ruka 14:28.

 Kana wava nemari shoma, zvinokosha chaizvo kuti uzive kuti uri kushandisa mari yako pachii. Tangai nekunyora pasi mari yamunotarisira kuwana mwedzi nemwedzi. Mozonyora zvinhu zvese zvamunotenga nezvamunoshandisa mwedzi wese, kunyange zvazvo muchiziva kuti muchafanira kuchinja zvimwe zvacho. Munofanirawo kunyora pasi kamwe kamari kamuchachengetedza kuitira pakaitika chimwe chinhu.

 Zano: Pamunenge muchinyora pasi mari yamuchashandisa, musakanganwa kunyora kunyange zvimwe zvinhu zvidiki zvamunotenga. Munogona kutoshamisika kuti zvinhu zvidiki izvozvo mukazvibatanidza, zvinogona kutokudyirai mari yakawanda. Semuenzaniso, mumwe murume paaiongorora mashandisiro aanoita mari yake, akaona kuti gore rega rega aishandisa mari yakawanda pamabhabhurigamu!

4. Pazvinhu zvichabudisa mari, tanga nezvinonyanya kukosha.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: Ivai “nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.”—VaFiripi 1:10.

 Enzanisa mari yaunowana nezvinhu zvaunoda kutenga, woona kuti ndezvipi zvaungabvisa kana kuderedza kuti zvikwanirane nemari yauinayo. Ongorora zvinhu zvinotevera:

  •   Zvekufambisa. Kana uine mota dzakawanda, unokwanisa here kutengesa imwe? Kana mota yako ichikubudisira mari yakawanda, unokwanisa here kuichinja wotsvaga imwe isingakubudisiri mari yakawanda? Unokwanisa here kutotengesa mota yauinayo wofamba nemabhazi kana kuti nebhasikoro?

  •   Zvekuzvivaraidza nazvo. Unogona here kumbomira kubhadhara mari yekuti uone zvinhu zvinobuda paIndaneti kana pasatellite dish? Unogona here kutsvaga zvakachipa? Semuenzaniso, unogona kukumbira vamwe mabhuku kana mavhidhiyo avainawo.

  •   Magetsi nemvura nezvimwewo. Kurukurai semhuri kuti mungaderedza sei mari yamunoshandisa pamvura, magetsi nezvimwewo. Kudzima maraiti amunenge musiri kushandisa uye kusashandisa mvura yakawanda pakugeza, zvingaita sezvinhu zvidiki asi kuita zvinhu izvozvo kunogona kukubatsirai kuchengetedza mari yenyu.

  •   Zvekudya. Panzvimbo pekunodyira kumaresitorendi zviri nani muzvibikire chikafu kumba. Garai maronga zvamuri kuda kuzobika. Tengai zvekudya zvakawanda uye kana zvichiita munogona kubika zvakati wandei panguva imwe chete. Zuva rimwe nerimwe kana paine zvinenge zvasara, munogona kuzvichengeta mozozvishandisa rimwe zuva. Pamunoenda kunotenga, nyorai pasi zvinhu zvamunenge muchida kuti musatenga zvinhu zvamusina kuronga. Kazhinji michero nemiriwo inochipa panguva yainenge yakawanda, saka ndiyo nguva yamunofanira kutenga zvinhu izvi. Usanyanya kutenga tunhu tunonaka asi tusina basa. Kana zvichiita, rima muriwo nezvimwewo zvaunoda kushandisa pamba pako.

  •   Zvekupfeka. Kana ukaona kuti dzimwe hembe dzauinadzo hadzichaiti, unogona kutenga dzimwe, asi kwete kuti ufambirane nefashoni. Tenga hembe dzinenge dziri pasero kana kuti dzemubhero. Pane kuwacha nemuchina wacha nemaoko kuti uchengetedze magetsi.

  •   Zvimwe zvaunoda kuzotenga. Usati watenga chimwe chinhu, zvibvunze kuti: ‘Mari yacho ndinayo here? Handikwanisi kurarama ndisina chinhu ichi here?’ Pane kutenga zvinhu zvitsva, unokwanisa here kumbomira woshandisa zvauinazvo zvakadai semafoni kana mota? Kana uine zvimwe zvinhu zvausingachashandisi kana kuti zvausingachadi, unokwanisa here kuzvitengesa? Izvi zvichaita kuti usava nezvinhu zvakawandawanda uye zvichatowedzera kamari kauinako.

 Zano: Kana wava kuwana mari shoma, zvinogona kukupa simba rekuti usiye zvinhu zvinokanganisa utano uye zvinokubudisira mari, zvakadai sekusvuta fodya, kubheja, uye kudhakwa. Izvi zvichakubatsira kuchengetedza mari kunyange utano hwako chaihwo.

5. Dzidza shoko raMwari Bhaibheri.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”—Mateu 5:3.

 Bhaibheri rinopa zano rakanaka rekuti: “Nekuti uchenjeri hunodzivirira sekudzivirira kunoita mari, asi ruzivo rwakanakira pakuti: Uchenjeri hunochengetedza upenyu hwemuridzi wahwo.” (Muparidzi 7:12) Uchenjeri uhwu hunowanikwa muBhaibheri, uye vakawanda vakaona kuti kushandisa mazano arimo kunovabatsira kuti vasanyanya kunetseka nenyaya dzemari.—Mateu 6:31, 32.