Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Zvakanakira Kupa Vana Mabasa Epamba

Zvakanakira Kupa Vana Mabasa Epamba

DAMBUDZIKO

Mune dzimwe mhuri, vana vanonzi vabatsirewo pakuita mabasa epamba, uye vanoaita vasinganyunyuti. Asi mune dzimwewo, vabereki havadi kuti vana vavo vaite zvakawanda, uye vana vacho vanotozvifarira.

Vanotsvakurudza vakaona kuti munyika dzakawanda vana vanoda kungoitirwa zvinhu vakagara pane kuti vabatsirewo. Mumwe mubereki anonzi Steven akati: “Mazuva ano vana vanongosiyiwa vachitamba mavideo game, vachivhura indaneti, kana kuti vachiona TV. Havambopiwi mabasa ekuita.”

Kupa vana mabasa epamba kunobatsira kuti pamba pagare pakachena. Asi pane zvimwe here zvazvinobatsira pakukura kwavo?

ZVAMUNOFANIRA KUZIVA

Vamwe vabereki havapi vana vavo mabasa epamba, kunyanya kana vana vacho vaine mahomework akawanda, uyewo zvimwe zvekuchikoro. Asi chimboonai zvazvakanakira kuvapa mabasa.

Mabasa epamba anobatsira kuti pfungwa dzemwana dzikure. Vana vanoita mabasa epamba vanowanzogona chikoro. Izvi hazvishamisi nekuti mabasa acho anoita kuti mwana awedzere chivimbo pane zvaanoita, azvidzore, uye ave munhu asingafuririke zviri nyore. Zvose izvi zvinomubatsira kuchikoro.

Mabasa epamba anoita kuti vana vade kuzobatsirawo vamwe. Vamwe vakaona kuti kana vana vakapiwa mabasa epamba, vanogona kuzoita mabasa ekubatsira vamwe munharaunda pavanenge vakura. Chinoita kuti vazokwanisa kuita izvi ndechekuti mabasa epamba anovadzidzisa kubatsirawo vamwe. Steven ambotaurwa munyaya ino anoti: “Kana vana vasingaiti mabasa, vanenge vava kufunga kuti ndivo vanofanira kuitirwa basa, uye vanokura vachifunga kuti muupenyu, kushanda nesimba hakukoshi.”

Mabasa epamba anoita kuti mhuri ibatane. Vana pavanoita mabasa, vanoona kuti vanokosha mumhuri. Izvi hazviitiki kana vabereki vachinyanya kukoshesa mitambo inoitwa nevana pavanenge vapedza chikoro kupfuura mabasa epamba. Zvibvunzei kuti, ‘Zvinobatsirei kuti mwana wangu apedze nguva yakawanda ari kubhora asi achishayiwa nguva yekuva nevanhu vekumba?’

ZVAMUNGAITA

Tangai vachiri vadiki. Vamwe vanoti vabereki vanofanira kutanga kupa mwana tumabasa aine makore 3. Vamwewo vanoti munogona kutanga aine makore 2 zvichidzika. Vana vadiki vanofarira kushanda nevabereki vavo uye kuvatevedzera.Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 22:6.

Vapei mabasa anoenderana nezera ravo. Semuenzaniso, mwana ane makore 3 anogona kurongedza matoyi ake, kuchenesa panenge parasikira chikafu kana kuti kukubatsirai kuunganidza hembe dzemacolour akafanana dzamunenge muchida kuwacha. Vanenge vati kurei vanogona kutsvaira mumba, kugeza motokari, kunyange kubika. Ipai mwana wenyu basa rinoenderana nezera rake. Munogona kutozoshamisika kuona ava kufarira chaizvo kuita mabasa epamba.

Kupa mwana mabasa epamba kunokosha. Izvi zvinogona kuoma kana mwana wenyu achigara aine mahomework akawanda. Asi kana mukarega kumupa mabasa muchiti ‘ndokuti apase,’ “munenge muchiratidza kuti hamusi kuziva zvinonyanya kukosha,” rinodaro bhuku rinonzi The Price of Privilege. Sezvambotaurwa, mwana paanoita mabasa epamba, zvinomubatsira kuti abudirire pazvidzidzo zvake uye zvinozomubatsira paanozovawo nemhuri yake.Zvinotaurwa neBhaibheri: VaFiripi 1:10.

Zivai chamuri kumupira basa. Mwana anogona kutora nguva yakati rebei achiita basa kupfuura zvamunenge muchifunga. Munogona kutoona kuti basa racho raigona kuzobuda zvakanaka kudai maizoriita mega. Saka munofanira kutozvidzora kuti musamutorera basa ramunenge mamupa. Chinangwa chenyu hachisi chekuti basa racho riitwe seraitwa nemunhu mukuru asi ndechekuti agonewo kuita zvinhu ari ega uye awane mufaro unobva pakushanda.Zvinotaurwa neBhaibheri: Muparidzi 3:22.

Mwana ngaazive chikonzero chamuri kumupira basa. Vamwe vanoti kana mwana akapiwa mari, anoita basa nemazvo. Asi vamwe vanoti kuita izvi kunoita kuti mwana ade kuita basa nechinangwa chekuti azopiwa mari, panzvimbo pekuriita nechikonzero chekuti abatsire mumhuri. Vanoti kana mwana iyeye aine mari yakamukwanira, anogona kuzoramba kuita mabasa, uye zvamaida kumudzidzisa pakumupa basa zvinobva zvatadza kuitika. Saka zviri nani kuti pamunomupa mari, haifaniri kunge iri yekuti pane mabasa epamba aaita.