Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kubatsirwa Kunoitwa Vana Kana Vakaita Zvinhu Zvinoita Kuti Vashandise Pfungwa

Kubatsirwa Kunoitwa Vana Kana Vakaita Zvinhu Zvinoita Kuti Vashandise Pfungwa

 Zvinhu zvinoita kuti vana vashandise pfungwa dzavo ndezviya zvinoita kuti vade kuziva zvakawanda, uye vakwanise kufungidzira zvinhu zvakasiyana-siyana, izvo zvinovabatsira kuti vakure mupfungwa uye vadzidze kuita mabasa emaoko.

 Zvinhu izvi zvinosanganisira:

  •   Kudhirowa

  •   Kubika

  •   Kutamba mahumbwe

  •   Kuimba

  •   Kutamba tsoro

  •   Kutamba nezvinhu zvisingashamisiri (kunyange bhokisi risina chinhu chairo rinogona kubatsira mwana kufungidzira zvinhu zvakasiyana-siyana)

 Munyika dzakawanda, pane kuti vana vaite zvinhu izvi vava kuswera vachiona TV kana kuti vachiita zvinhu zvavanenge varongerwa nevamwe vanhu.

 Unofanira kunetseka here kuti mwana wako ari kuswera achiitei?

 Zvamunofanira kuziva

  •   Kuita zvinhu zvinobatsira vana kuti vashandise pfungwa dzavo kunovabatsira kuti vakure zvakanaka. Kunoita kuti vave neutano hwakanaka, vagone kuita zvimwe zvinhu vega, uye vagone kuwirirana nevamwe zvakanaka. Kunogonawo kudzidzisa vana kuti vave nemwoyo murefu, vagone kuita zvisarudzo zvakanaka, vazvidzore, uye vagone kutamba nevamwe zvakanaka. Saka kuita zvinhu zvinobatsira vana kuti vashandise pfungwa kunoita kuti vakure vari vanhu kwavo.

  •   Kunyanya kuvaraidzwa neTV kana foni kunogona kukuvadza. Vana vanogona kupindwa muropa nekuvaraidzwa nezvinhu izvi uye zvinonzi zvinogona kukonzera kuti vana vave nemiviri yakakurisa isingaenderani nezera ravo uye vave nehasha. Iyi iyambiro kuvabereki vanoshandisa zvinhu izvi kuti zvivaraidze vana vavo vasati vava kuenda kuchikoro.

  •   Kurongera vana zvekuita kune zvakwakaipira. Kana vabereki vakarongera vana vavo zvinhu zvakawanda zvekuita, vana havazowani nguva yekungotambawo vega vachiita zvinhu zvinovabatsira kuti vade kuziva zvakawanda uye vadzidze kuita zvimwe zvinhu. Asi zvinokosha chaizvo kuti vana vawane nguva yekuita zvinhu izvozvo.

 Zvamunogona kuita

  •   Itai kuti vana vawane nguva yekuita zvinhu zvinoita kuti vashandise pfungwa dzavo. Kana zvichiita, regai vana venyu vachimbotambawo panze vachionawo zvinhu zvakasikwa. Vapei nguva yekuita zvinhu zvavanofarira uye yekutamba nezvinhu zvinoita kuti vafunge. a

     Zvekufunga nezvazvo: Zvinhu zvinoita kuti mwana wangu ashandise pfungwa dzake zvinogona kumubatsira kuti ave neunhu hwakaita sei uye agone kuita zvinhu zvipi? Zvinhu izvi zvingamubatsirawo sei muupenyu?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kusimbisa muviri kunobatsira.”—1 Timoti 4:8.

  •   Itai kuti mwana wenyu asanyanya kuita nguva yakawanda achiona TV. Nyatsofungisisai musati mabvumira kuti mwana wenyu agare achivaraidzwa nezvinhu zvaanoona paTV kana pafoni. Vanachiremba vevana vanokurudzira kuti vana vasati vasvitsa makore maviri, havafaniri kushandisa zvinhu zvakadai semafoni kana kuona TV uye kuti vana vane makore maviri kusvika pamashanu havafaniri kudarika awa imwe chete vachiona zvinhu izvi kana kuzvishandisa. b

     Zvekufunga nezvazvo: Ndingabvumira mwana wangu kushandisa foni kana kuti kuona TV kwenguva yakareba sei? Ndinofanira kuona pamwe chete naye here? Zvii zvimwe zvingavaraidza mwana wangu pane kuona TV kana kuti kushandisa foni?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.”—VaEfeso 5:15, 16.

  •   Nyatsofungisisai panyaya yemapurogiramu anorongerwa vana kuti vaite. Mapurogiramu anenge akarongerwa vana anogona kubatsira mwana wenyu kuti agone kuita chimwe chinhu kana kuti kutamba mumwe mutambo. Asi kakawanda kacho, kana akawandisa anoita kuti mwana pamwe chete nemubereki, uyo anenge achifanira kuendesa mwana kumapurogiramu iwayo, vawandirwe nezvekuita. Zano riri pana VaEfeso 5:15, 16 rekushandisa nguva nekuchenjera rinoshandawo panyaya iyi.

     Zvekufunga nezvazvo: Vana vangu ndakavarongera zvinhu zvakawandisa zvekuita here? Kana zvakadaro, ndepapi patingagadzirisa?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: Ivai “nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.”—VaFiripi 1:10.

a Zvinhu zvekutambisa zvakawanda zvinotengeswa muzvitoro hazvikurudziri vana kuti vashandise pfungwa dzavo. Asi zvinhu zvekutambisa zvisingashamisiri zvakadai sezvimiti, mabhokisi, kana mapepa zvinobatsira mwana kuti ashandise pfungwa dzake.

b “Nguva inoita mwana achiona TV kana kushandisa foni,” iri kureva nguva inopedzerwa pakuvaraidzwa nezvinhu zvisingasanganisiri kukurukura nehama neshamwari kana kuti kuona mapurogiramu ekunamata pamwe chete semhuri.