Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kudzidzisa Vana Kuti Vateerere

Kudzidzisa Vana Kuti Vateerere

DAMBUDZIKO

Unogara uchinetsana nemwana wako ane makore 4 nekuti haadi kuita zvaunomuudza.

  • Paunomuudza kuti aite chimwe chinhu, anobva akupira gotsi.

  • Paunomurambidza chimwe chinhu chaanenge achida, anobva akwetsura mhere.

Unotanga kuzvibvunza kuti, ‘Zvichapera here? Ndingomusiya akadaro here?’

Pane zvaunogona kuita kuti udzidzise mwana wako kuti ateerere. Asi tisati takurukura kuti ungazviita sei, verenga uone chimwe chikonzero chinoita kuti asateerera.

CHINOZVIKONZERA

Mwana wako paakanga achiri mucheche, waimuitira zvose zvaaida. Kana paine chaaida aingochema, uye waibva wauya uchimhanya kuti uone kuti anodei. Izvozvo zvakanga zvakanaka. Ziso remubereki rinofanira kugara riri pamwana wake mucheche.

Nokufamba kwenguva, mwana anotanga kuzviona sashefu pamba uye vabereki vake sevashandi vake vanenge vachiita zvaanoda. Paanozosvitsa makore maviri, anotanga kuona kuti masamba asiyana: Kutonga kwaaiita kwapera. Vabereki vake vanenge vasingachateereri zvaanoda, ndivo vanenge vava kumuudza zvokuita. Vana havafariri kuudzwa zvokuita. Vamwe vana vanobva vatanga kushusha uyewo vamwe vanoita tumisikanzwa vachida kuona kuti vabereki vanoita sei.

Panguva iyi, ndipo paunofanira kuratidza simba rako semubereki nokuudza mwana wako zvaanofanira kuita nezvaasingafaniri. Ko kana akaramba kukuteerera, achiita sezvataurwa kwatangira nyaya ino?

ZVAUNGAITA

Mutungamirire. Kuti mwana wako akuteerere, zvinoda kuti iwe semubereki umutungamirire. Muratidze simba rako semubereki, asi haufaniri kubva wava munhu anodzvinyirira. Mumakore achangopfuura, vamwe vanozviti vanamazvikokota panyaya dzemhuri vakapa vanhu pfungwa yokuti kana mubereki akaratidza simba rake mumhuri anenge ari kudzvinyirira. Mumwe wavo akatotaura kuti mashandisiro anoita vabereki simba ravo pakutungamirira mhuri “haaratidzi unhu hwakanaka pamagariro evanhu” uye “akaipa.” Kana ukarega mwana achiita madiro unopedzisira wamujaidza, obva atadza kuziva kuti chakanaka kana kuti chakaipa ndechipi. Akakura akadaro haazogoni kuita zvinhu zvinotarisirwa kumunhu mukuru.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 29:15.

Murange. Rimwe duramanzwi rinotsanangura shoko rokuti kuranga richiti “kurwadzisa anenge aita zvakaipa kuti asazozviitazve.” Asiwo haufaniri kubva waranga zvoutsinye. Paunoranga mwana, unofanira kumuudza zvaanenge akanganisa uye izvi zvichamubatsira kuti asazozvidzokorora.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 23:13.

Taura zvakajeka. Vamwe vabereki vanoita zvokutokumbira kana kuti kutenga mwana wavo kuti avateerere. (“Rongedza zvinhu zvako mumba mako, ukapedza ndozokupa masweets.”) Vanoona sokuti vakataura seizvi zvichaita kuti vasagumbura vana vavo. Kuita izvi kumwana kunopedzisira kwaita kuti pose paanotumwa ambotanga afunga kuti anoda here kana kuti haadi. Shandisa simba rako somubereki kuudza mwana wako zvaanofanira kuita uye mujekesere zvaunenge uchida.—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 VaKorinde 14:9.

Usachinja zvaunenge wataura. Kana ukaudza mwana wako kuti asaita chakati, usachinja zvawakataura uye tsigiranai nomurume wako. Kana wakaudza mwana wako kuti uchamuranga kana akaita zvinopesana nezvauri kuda, ita izvozvo. Usabvumira mwana wako kuti apedze nguva achikupa tuzvikonzero twaita kuti asateerera zvawanga wamuudza. Kana ukaita kuti ‘Hungu wako ave Hungu, uye Aiwa wako, Aiwa,’ uchaona kuti zvichakuitirai nyore iwe nomwana wako.—Jakobho 5:12.

Iva norudo. Mumhuri mubereki haafaniri hake kuudzwa zvekuita nemwana, asiwo haazofaniri kumudzvinyirira. Mhuri urongwa hwakatangwa naMwari uye vana vanoda kubatsirwa zvine rudo kuti vazokura vari vana kwavo. Kuranga kwamuchaita mwana paanenge achikura, kuchamubatsira kuti ateerere uye kuti aone kuti munomuda.