Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Enteric Nervous System (ENS, yeblue) iri kutangira pahuro ichidzika nematumbu

Une Uropi Hwechipiri Here?

Une Uropi Hwechipiri Here?

UNE uropi hungani? Kana wapindura kuti 1, wagona. Asi mumuviri wako mune zvimwe zvinoshanda sezvinoita uropi. Pane inonzi Enteric Nervous System (ENS) iri mudumbu mako, uye vesainzi vanowanzoiti “uropi hwechipiri.” Vanodaro nekuti ENS ine maneurons akawanda chaizvo sezvakaita europi.

Pane zvakawanda zvinoitwa nemuviri kuti chikafu chaunenge wadya chigayiwe, muviri wako wowana simba. Saka ENS ndiyo inoita basa guru pakugayiwa kwechikafu mudumbu.

Mashandiro anoita ENS akaoma kunzwisisa. Mumuviri wemunhu zvinonzi ENS ine maneurons 200 miriyoni kusvika ku600 miriyoni. Maneurons aya ndiwo anobatsira pakupa mirayiridzo yekugayiwa kwechikafu. Vesainzi vanoti dai basa rinoitwa neENS raiitwa neuropi, manerves europi aizofanira kunge ari makobvu asi zvaizoita kuti uropi hutadze kushanda zvakanaka. Bhuku rinonzi The Second Brain rinoti zvinoitwa neENS zvinorerutsira uropi.

NZVIMBO INOSANGANISWA MAKEMIKARI

Kuti chikafu chinyatsogayiwa zvakanaka panofanira kunge paine makemikari akasiyana-siyana uye achitumirwa kwaanenge achifanira kuenda. Mashandiro anoita makemikari aya anoshamisa. Semuenzaniso, mumatumbu mune macell anokwanisa kuziva makemikari anenge ari muchikafu chaunenge wadya. Izvi zvinobatsira ENS kuziva kuti maenzyme api anodiwa pakugaya chikafu chacho kuti chizoshandiswa nemuviri. Uyewo ENS inobatsira pakuziva uwandu hweacid inenge iri muchikafu, makemikari anenge arimo uye maenzyme anenge achidiwa.

Edza kufananidza zvinoitwa nemuviri pakugaya chikafu nezvinoitika mufekitari. ENS inoita kuti chikafu chidzike mudumbu machinozogayiwa uye kuti chifambe mumatumbu. Zvichisiyana-siyana nechikafu chaunenge wadya, ENS ndiyo inoita kuti pave nesimba rinoenderana neriri kudiwa kuti chikafu chidzike zvakanaka. Saka kufamba kunoita chikafu tingakufananidza nekufamba kunoita zvinhu paconveyor belt mufekitari.

ENS inokudzivirira kana ukadya chikafu chine utachiona hunogona kukukuvadza. Ndokusaka inenge 70% kusvika ku80% yemasoja emuviri anorwisa zvirwere anonzi malymphocyte cells ichiwanika mudumbu! Kana ukadya chikafu chine utachiona hwakawanda hunokuvadza, ENS inoita kuti urutse kana kuita manyoka.

MUSHANDIRAPAMWE

Kunyange zvazvo ENS ichiita seinoshanda yega isingatungamirirwi neuropi, zvese zviri zviviri zvinoita mushandirapamwe. Semuenzaniso, ENS ndiyo inoona nezvemahomoni anoita kuti uropi hukuudze kuti wava nenzara uye kuti unofanira kudya zvakawanda sei. Manerve cells eENS anozoudza uropi kuti waguta uye kana ukadyisa, unogona kutanga kunzwa kumira mwoyo.

Usati waverenga nyaya ino, unogona kunge wakambozvifungawo kuti uropi nedumbu zvinofambidzana. Semuenzaniso, wakambozviona here kuti pane chimwe chikafu chekuti ukachidya, kana wanga wakasuwa unotanga kunzwa kakufara? Vanotsvakurudza vakaona kuti izvi zvinoitika nekuti ENS inenge yatumira ‘mashoko ekufara’ kuuropi hwako. Ndokusaka vanhu vachiwanzofarira kudya chikafu chinonaka kana vaine stress. Vesainzi vari kuongorora kuti vangagona here kugadzira mishonga inoita kuti ENS ishande pakurapa vanhu vane chirwere chedrepression.

Chimwe chinoratidza kushanda pamwe chete kunoita uropi nedumbu kunzwa mudumbu kwaunoita kana uri kutya kana kuti uine stress. Izvi zvinogona kuitika ENS painobvisa ropa rakawanda kubva mudumbu richiendeswa kune dzimwe nhengo dzemuviri. Unogonawo kunzwa kuda kurutsa nekuti uropi hunenge hwaudza ENS kuti ichinje madzikisiro airi kuita chikafu mumatumbu.

Kunyange zvazvo ENS ichikwanisa kuita izvi, haikwanisi kufunga. Haikwanisi kuita kuti unyore rwiyo, uone mafambiro ari kuita mari yako kubhengi, kana kuti kukubatsira kuita homework. Kunyange isingakwanisi kuita zvese izvi, nyanzvi dzesainzi dzichiri kushamiswa nemashandiro ainoita. Saka nguva inotevera pauchazodya, funga mashandiro anoita ENS mudumbu pakugaya chikafu!